Mashoko Emuzasi
c Kana shoko rechiHebheru rokuti “hove” rikashandurirwa muchiGiriki rinoreva “chipuka chomugungwa chinotyisa” kana kuti “zihove.” Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuziva kuti chii chaicho chairehwa, zvakaonekwa kuti pane dzimwe hove dzinonzi shark dziri kuMediterranean dzakakura zvokukwanisa kumedza munhu akadaro. Pane dzimwe dzakatokura kupfuura idzi dziri kune dzimwe nzvimbo; dzinonzi whale shark dzinogona kureba mamita 15, kana kupfuura!