Mashoko Emuzasi
a Zviri pachena kuti hapana munhu kana rudzi rwakanzi rwaifananidzira muorivhi waizovapo. Kunyange zvazvo vaJudha vaiva nemadzimambo nevapristi, rudzi rwacho haruna kuva umambo hwevapristi. Mutemo wairambidza madzimambo kuva vapristi. Saka vaJudha havana kufananidzira muorivhi. Mufananidzo waPauro uri kutaura nezvekuzadziswa kwechinangwa chaMwari chokuita kuti pave ne“umambo hwevapristi” hunoumbwa naIsraeri waMwari. Izvi zviri kugadziridza zvakambobudiswa muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1984, mapeji 12-17.