Mashoko Emuzasi
a Shoko romutauro wepakutanga rakashandurwa pano kuti “marara” rairevawo zvinhu “zvinokandirwa imbwa,” “ndove,” “tsvina.” Mumwe muongorori weBhaibheri anoti kushandisa kwakaita Pauro shoko iri kunoratidza “kutsunga kusatarisa chinhu chisingakoshi uye chinosemesa icho munhu asisinei nacho zvachose.”