Mashoko Emuzasi
a Vanyori vekare vakachinja mashoko endima iyi kuti ati “mweya wangu,” kuti zviite sokuti mashoko acho aireva Jeremiya. Hapana mubvunzo kuti vaiona sezvisingaiti kutaura kuti mweya vachireva Mwari, shoko rinotaurwa neBhaibheri richireva zvisikwa zvepano pasi. Asi kakawanda Bhaibheri rinotsanangura Mwari nenzira inoita kuti zvive nyore kuti timunzwisise. Saka kana shoko rokuti “mweya” richigona kureva “upenyu hwedu,” mashoko okuti “mweya wenyu” anoreva kuti “imi.”