Mashoko Emuzasi
b Kunyange zvazvo Britain neUnited States, nyika mbiri dziri muumambo hwechinomwe, dzakagara dziine simba kubvira kuma1700, Johani anorondedzera umambo hwenyika mbiri idzi sezvahwaizova hwakaita pakutanga kwezuva raShe. Tinodaro nokuti zvinhu zvinotaurwa muna Zvakazarurwa zvaizozadziswa “muzuva raShe.” (Zvak. 1:10) Musoro wechinomwe wakatozotanga kushanda seumambo hwakabatana muHondo Yenyika I.