Mashoko Emuzasi
c Mashoko okuti “hwogumisa umambo hwose uhwu” ari pana Dhanieri 2:44 anotaura nezveumambo kana kuti hurumende dzine simba pane dzimwe, dzinomirirwa nezvikamu zvechifananidzo chacho. Zvisinei, humwe uprofita hweBhaibheri hwakafanana neuhwu hunoratidza kuti “madzimambo enyika yose inogarwa” achaungana kuti arwisane naJehovha pazuva “guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvak. 16:14; 19:19-21) Saka, paAmagedhoni, umambo hwose hunomirirwa nechifananidzo chaDhanieri huchaparadzwa pamwe chete nedzimwe hurumende dzose dzevanhu.