RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO

Mashoko Emuzasi

a Kana pasina mapiyona matsva anokwana kuti paitwe kirasi, mamwe mapiyona ava nemakore mashanu asina kupinda chikoro ichi angakokwa kuti apindezve.

Chikoro Chevakuru Veungano

Chinangwa: Kubatsira vakuru kuti vaite zvakanaka mabasa avo muungano uye kuti vasimbe pakunamata.

Nguva Yachinotora: Mazuva mashanu.

Nzvimbo: Hofisi yebazi ndiyo inosarudza; chinowanzoitirwa paImba yoUmambo kana kuti Imba Yemagungano.

Vangapinda: Vakuru.

Kunyoresa: Hofisi yebazi ndiyo inokoka vakuru.

Ona zvakataurwa nevamwe vakapinda kirasi yechi92 kuUnited States:

“Chikoro chacho chakandibatsira chaizvo kuzviongorora uye kuona kutarisira kwandingaita makwai aJehovha.”

“Ndagadzirira kunyatsokurudzira vose nokusimbisa pfungwa dzinokosha dziri muMagwaro.”

“Ndicharamba ndichiyeuka zvandadzidziswa kweupenyu hwangu hwose.”

Chikoro Chevatariri Vanofambira Nemadzimai Avo

Chinangwa: Kubatsira vatariri vematunhu neveruwa kuti vashumire ungano zvakanaka pa“vanoshanda zvakaoma pakutaura nepakudzidzisa.”—1 Tim. 5:17; 1 Pet. 5:2, 3.

Nguva Yachinotora: Mwedzi miviri.

Nzvimbo: Hofisi yebazi ndiyo inosarudza.

Vangapinda: Hama yacho inofanira kunge iri mutariri wedunhu kana kuti weruwa.

Kunyoresa: Hofisi yebazi inokoka vatariri vanofambira nemadzimai avo.

“Takawedzera kunzwisisa uye kuonga kwatinoita kuti Jesu ndiye musoro wesangano. Takaona kuti tinofanira kukurudzira hama dzatinoshumira uye kubatsira ungano yega yega kuti inyatsobatana. Chikoro chacho chakatibatsira kunzwisisa kuti kunyange zvazvo mutariri anofambira achipa zano uye pamwe pacho achitomboruramisa hama, chinangwa chake chikuru ndechokudzibatsira kuona kuti Jehovha anodzida.”—Joel, akapinda kirasi yokutanga muna 1999.

Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora

Chinangwa: Kubatsira vakuru nevashumiri vanoshumira vasina kuroora kuita mamwe mabasa musangano raJehovha. Vazhinji vanenge vapinda chikoro ichi vanotumirwa kunoshumira kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda munyika dzavo. Vamwe vangaendeswa kune imwe nyika kana vachida. Vamwe vanganzi vanova mapiyona chaiwo kwenguva pfupi mundima itsva uye munzvimbo dziri kure uye dziri kwadzo dzoga.

Nguva Yachinotora: Mwedzi miviri.

Nzvimbo: Hofisi yebazi ndiyo inosarudza; chinowanzoitirwa paImba yoUmambo kana kuti Imba Yemagungano.

Vangapinda: Hama dzisina kuroora dzine makore 23 kusvika ku62, dzine utano hwakanaka nechido chokunoshumira kunonyanya kudiwa vaparidzi. (Mako 10:29, 30) Vanofanira kunge vava nemakore maviri kana kupfuura vari mapiyona enguva dzose uye makore maviri akatevedzana vari vakuru kana kuti vashumiri vanoshumira.

Kunyoresa: Pagungano redunhu panoitwa musangano une mashoko evaya vanoda kuchipinda.

“Kubatikana nechikoro ichi kwakaita kuti mudzimu waJehovha undichinje nechemukati,” anodaro Rick, akapinda kirasi yechi23 kuUnited States. “Jehovha paanokupa basa rokuita, anokutsigira pabasa iroro. Ndakadzidza kuti ndikaisa pfungwa pane zvinodiwa naMwari kwete zvandinoda, achandisimbisa.”

“Ndakadzidza kuti kushanda kunoita sangano raMwari kwakaita sechishamiso chaicho,” anodaro Andreas, uyo ari kushumira kuGermany. “Chikoro chacho chakandibatsira kugadzirira basa raiva mberi. Mienzaniso yakawanda yemuBhaibheri yakandidzidzisawo chokwadi ichi chinokosha: Kushumira hama dzangu uye Jehovha kunounza mufaro wechokwadi.”

Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana

Chinangwa: Kunyatsodzidzisa vakaroorana kuti vashandiswe zvizere naJehovha nesangano rake. Vazhinji vanenge vapinda chikoro ichi vachatumirwa kunonyanya kudiwa vaparidzi munyika dzavo. Vamwe vanganzi vanoshumira kune imwe nyika kana vachida. Vanenge vapinda chikoro ichi vanganzi vanova mapiyona chaiwo kwenguva pfupi mundima itsva uye munzvimbo dziri kure uye dziri kwadzo dzoga.

Nguva Yachinotora: Mwedzi miviri.

Nzvimbo: Chikoro ichi chiri kuitwa kuUnited States uye kutanga muna September 2012, chichange chave kuitwawo mumapazi akasarudzwa. Kakawanda kacho chichaitirwa paImba yoUmambo kana kuti Imba Yemagungano.

Vangapinda: Vakaroorana vane makore 25 kusvika ku50 vane utano hwakanaka, uye vanokwanisa kunoshumira chero kunonyanya kudiwa vaparidzi, uye vane mafungiro okuti: “Ndiri pano! Nditumei.” (Isa. 6:8) Vanofanira kunge vava nemakore maviri kana kupfuura varoorana uye vari mubasa renguva yakazara kwemakore maviri akatevedzana kana kupfuura. Murume wacho anofanira kuva nemakore maviri kana kupfuura asi akatevedzana, ari mukuru kana kuti mushumiri anoshumira.

Kunyoresa: Pagungano reruwa panoitwa musangano une mashoko evanenge vachida kupinda chikoro ichi. Kana pamagungano anoitwa munyika menyu pasina misangano yakadaro asi uchida kuchipinda, unogona kunyora tsamba kuhofisi yebazi kuti uwane mamwe mashoko.

“Vhiki dzacho sere dzinochinja zvachose upenyu uye dzinopa mukana wakazonaka kune vakaroorana vanoda kuita zvizhinji mubasa! Tatsunga kusava noupenyu hune twakawanda-wanda, kuti tishandise nguva yedu nokuchenjera.”—Eric naCorina (vari pasi apa), vekirasi yokutanga ya2011.

Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Chinangwa: Kudzidzisa vadzidzi kuti vave mamishinari anenge achishanda mundima dzine vanhu vakawanda, kuti vave vatariri vanofambira, kana kuti vashandi vepaBheteri. Chinangwa chacho ndechokusimbisa hama mundima uye mumapazi.

Nguva Yachinotora: Mwedzi mishanu.

Nzvimbo: Watchtower Educational Center, Patterson, New York, U.S.A.

Vangapinda: Vakaroorana vatori mubasa renguva yakazara, vangava mamishinari ari mundima asina kupinda chikoro chacho, mapiyona chaiwo, vatariri vanofambira, kana kuti vashandi vepaBheteri. Vanofanira kuva nemakore matatu akatevedzana kana kuti kupfuura vachishanda pamwe chete mubasa renguva yakazara. Vanofanira kunge vachinyatsogona kutaura, kuverenga, uye kunyora Chirungu.

Kunyoresa: Vakaroorana vangakumbirwa neDare Rebazi kuti vatumire chikumbiro chavo.

Lade naMonique vokuUnited States vari kushumira muAfrica. Lade anoti: “Chikoro cheGiriyedhi chakaita kuti tigadzirire kuenda chero kupi zvako munyika, kusunga dzisimbe, uye kushanda nehama dzedu dzatinoda.”

Monique anowedzera kuti: “Pandinenge ndichishandisa zvandakadzidza muShoko raMwari, ndinowana mufaro mukuru mubasa rangu. Ndinoonawo mufaro iwoyo sokuratidzwa kwerudo rwaJehovha.”

Chikoro Chenhengo Dzedare Rebazi Nemadzimai Avo

Chinangwa: Kubatsira vaya vari muMatare Ebazi kuti vatungamirire mumisha yeBheteri, kutarisira nyaya dzeushumiri dzine chokuita neungano uye kutarisira matunhu nemaruwa. Vanodzidzawo nezvebasa rekushandura, kudhinda, uye kutumirwa kwemabhuku.

Nguva Yachinotora: Mwedzi miviri.

Nzvimbo: Watchtower Educational Center, Patterson, New York, U.S.A.

Vangapinda: Hama yacho inofanira kunge iri muDare Rebazi kana kuti muDare Rinotarisira Basa Munyika.

Kunyoresa: Dare Rinodzora rinokoka hama dzacho nemadzimai adzo.

Lowell naCara, vekirasi yechi25, vari kushumira kuNigeria. “Ndakayeuchidzwa kuti pasinei nokuti ndakabatikana zvakaita sei kana kuti ndapiwa basa rakaita sei, kusimba pakunamata ndiko kunoita kuti ndifadze Jehovha,” anodaro Lowell. “Chikoro chacho chakasimbisawo kuti tinofanira kutevedzera kuda kunoita Jehovha vashumiri vake pamabatiro atinoita vamwe.”

“Pfungwa yandinofungisisa ndeyokuti,” anodarowo Cara. “Kana ndisingakwanisi kutsanangura imwe pfungwa zvinonzwisisika, ndinofanira kutanga ndadzidza nezvayo ndisati ndaedza kuidzidzisa vamwe.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe