Mashoko Emuzasi
a Ko kana kamwana kacho kari mudumbu kakaonekwa kuti kari kuita sekakaremara, kana kuti mazai akabvuma kubatira muchibereko akawanda? Kuuraya mazai aya anenge abatira muchibereko kunenge kuri kutobvisa pamuviri. Neurongwa hweIVF zvinowanzoitika kuti amai vabate pamuviri pevana vaviri, vatatu, kana kuti kupfuura, zvichiita kuti pave nematambudziko ekusununguka nguva isati yakwana kana kuti kubuda ropa zvakanyanyisa. Mudzimai anenge akatakura vana vakawanda anogona kukurudzirwa kuti asarudze kuti mumwe chete kana kuti vanopfuura vevana ava vaurayiwe. Ikoko kunenge kuri kubvisa pamuviri nemaune, kwakangofanana nekuponda.—Eks. 21:22, 23; Pis. 139:16.