Mashoko Emuzasi
a Mashoko okuti “kuvambwa kwenyika” anewo pfungwa yokudyara mbeu, zvichireva kuberekana, saka anogona kureva mwana akatanga kuberekwa panyika. Saka, nei Jesu akataura nezvaAbheri paaitaura nezve“kuvambwa kwenyika” achirega kutaura nezvaKaini uyo aiva munhu wekutanga kuberekwa? Zvisarudzo nezviito zvaKaini zvairatidza kuti ari kupandukira Jehovha Mwari nemaune. Kungofanana nevabereki vake, zvinoita sokuti Kaini ndemumwe wevanhu vasingazomutswi kana kununurwa.