Mashoko Emuzasi
a Mufananidzo waJesu unoratidza mararamiro netsika zvepanguva iyoyo. VaJudha vaikoshesa zvikuru kugamuchira vaeni. Mhuri yaibika chingwa chaiikwanira pazuva, saka zvakanga zvakajairika kuti munhu akwerete kana chingwa chapera. Uyewo kana iri mhuri yevarombo, mhuri yacho yese yairara pauriri mukamuri rimwe chete.