Mashoko Emuzasi
a Mumwe muongorori weBhaibheri wokuGermany anonzi Heinrich Meyer akati: ‘Sezvo Jesu ainge achiri mupenyu uye ropa rake risati rateurwa, hapana mumwe wevaapostora vaivapo angave akafunga kuti vaitodya muviri uye kunwa ropa raIshe. Jesu akashandisa mashoko ari nyore kunzwisisa kutsanangura zvinorehwa nechingwa newaini uye aisada kuti vaapostora vake vatadze kumunzwisisa.’