Mashoko Emuzasi
a Vamwe vatsvakurudzi vanoti vakoma vaJosefa vakafunga kuti chipo chaakapiwa nababa vake chairatidza kuti vaida kumupa udangwe. Vakoma vake vaiziva kuti Josefa aiva mwana wekutanga waJakobho nemudzimai wake waaidisa, waanga agara achida kuroora asati anyengerwa kuti aroore Riya. Uyewo, Rubheni uyo aiva dangwe raJakobho, akanga arara nemurongo wababa vake, zvikaita kuti anyadzise baba vake, ndokurasikirwa neudangwe hwake.—Genesisi 35:22; 49:3, 4.