Mashoko Emuzasi
a Zvine musoro kuti titi vanhu vakawanda vaivapo vakazova vaKristu. Mutsamba yaakanyorera vaKorinde, Pauro akataura nezvevanhu ava achiti vaiva “hama dzinopfuura mazana mashanu.” Akawedzera kuti: “Vazhinji vadzo vapenyu kusvikira panguva ino, asi vamwe vakarara murufu.” Saka zvinoita sokuti Pauro uye vamwe vaKristu vepanguva iyoyo vaitozivana nevanhu vakawanda vainge vanzwa Jesu achipa murayiro wokuparidza.