Mashoko Emuzasi
a Akanga atova manheru. Nhoroondo yacho hairatidzi kuti Ribheka akatora maawa akawanda ari patsime. Hapana panoratidza kuti mhuri yavo yakanga yatorara paakapedza kucherera ngamera mvura, kana kuti pane munhu akauya kutsime kwacho kuzoona kuti nei akanga anonoka kudzoka.