Mashoko Emuzasi
b Pana Ezekieri 37:1-14 uye pana Zvakazarurwa 11:7-12, panotaura nezvekudzorerwa kwekunamata kwechokwadi kwakaitika muna 1919. Zvisinei, uprofita hwaEzekieri 37:1-14 hunotaura nezvekudzorerwa kwekunamata kwechokwadi kwevanhu vaMwari vose kwaizoitika pashure penguva refu chaizvo vari nhapwa. Asi Zvakazarurwa 11:7-12 inotaura nezvekumutswazve pane zvekunamata kweboka duku rehama dzakazodzwa dzaizotungamirira pashure pekunge dzambomiswa kuita basa kwenguva pfupi.