Mashoko Emuzasi
a Jesu paaitaura nezvechiratidzo chemazuva ekupedzisira, akataura mifananidzo yakati kuti. Akatanga kutaura ‘nezvemuranda akatendeka, akangwara,’ boka duku rehama dzakazodzwa dzaizotungamirira. (Mat. 24:45-47) Akabva azotaura mifananidzo yainyanya kunangana nevose vane tariro yekuenda kudenga. (Mat. 25:1-30) Pakupedzisira, akataura nezvevaya vane tariro yekurarama pasi pano, avo vaizotsigira hama dzaKristu. (Mat. 25:31-46) Saizvozvowo, kuzadzika kweuprofita hwaEzekieri mazuva ano kwakatanga kuitika kune vaya vane tariro yekuenda kudenga. Kunyange zvazvo umambo hwemarudzi gumi husingawanzofananidziri vaya vane tariro yekurarama pasi pano, kubatanidzwa kunotaurwa muuprofita uhwu kunotiyeudza nezvekubatana kwevaya vane tariro yepasi pano nevaya vane tariro yekudenga.