Mashoko Emuzasi
a Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinoti zvakanyorwa naJudha akazviwana mubhuku reapokirifa rinonzi Book of Enoch. Bhuku iri rizere nengano uye harizivikanwi kuti rakabvepi uye vamwe vanonyepa vachiti rakanyorwa naInoki. Mashoko euprofita aInoki arimo ndeechokwadi asi hatizivi kuti akaita zvekukopwa here kana kuti wacho akaanyora akaita zvekuudzwa nevamwe. Judha anogona kunge akakopawo kana kuti akaudzwa nevamwe nezvaInoki. Anogonawo kunge akaudzwa naJesu sezvo Jesu akanga ari kudenga achiona zvaiitika muupenyu hwaInoki.