Mashoko Emuzasi
b Sara aiva hanzvadzi yaAbrahamu pakuti baba vavo vaiva Tera, asi vanaamai ndivo vakanga vakasiyana. (Genesisi 20:12) Mazuva ano hazvichaiti kuti hanzvadzi nehanzvadzi dziroorane, asi kare zvaiita. Chivi chaAdhamu naEvha chakanga chisati chadzika midzi muvanhu. Saka kare ikako, vanhu vaikwanisa kuroorana hama nehama, pasina urema hwaizoitika kuvana vavaibereka. Asi pashure pemakore anenge 400, vanhu vakanga vava kurarama makore mashoma seatava kurarama. Panguva iyoyo, Mutemo wakapiwa Mosesi wakanga wava kurambidza kuti hama dzepedyo dziroorane.—Revhitiko 18:6.