Mashoko Emuzasi
c Mupoteri paanongosvika, vakuru vanofanira kukurumidza kutevedzera mirayiridzo iri mubhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, chitsauko 8 ndima 30. Vakuru vanogona kutaura neungano dziri kune dzimwe nyika kuburikidza nekutumira tsamba dzavo kubazi remunyika mavo vachishandisa jw.org. Pavanenge vakamirira mhinduro, vanogona kushandisa ungwaru pakubvunza mupoteri wacho nezveungano yake uye ushumiri hwake kuti vazive kuti akasimba zvakadini pakunamata.