Mashoko Emuzasi
a Matambiro aya, anonzi Lap dancing, anoitwa nemukadzi anenge asina kunyatsopfeka achitambisa chiuno akagara pamakumbo emunhu waanenge achivaraidza ozomubhadharisa. Zvichienderana nezvinenge zvaitika, matambiro aya anogona kuonekwa seunzenza hunoda kuti paumbwe dare rinotonga. MuKristu akambobatanidzwa mumatambiro aya anofanira kukumbira kubatsirwa nevakuru.—Jak. 5:14, 15.