Mashoko Emuzasi
b KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Jehovha akaita kuti tikwanise kuongorora zvatinofunga, manzwiro edu, uye maitiro edu tobva taona kuti tiri kuita zvakanaka here kana kuti kwete. Bhaibheri rinoti kukwanisa kuita izvozvo ndiko kunonzi hana. (VaR. 2:15; 9:1) Hana yakadzidziswa neBhaibheri ndeiya inoshandisa zvinodiwa naJehovha, zviri muBhaibheri, kuti itiudze kuti zvatinofunga, zvatinoita, kana kuti zvatinotaura zvakanaka here kana kuti zvakaipa.