Mashoko Emuzasi
b KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kushungurudza mwana panyaya dzebonde kunoitwa nemunhu mukuru anoshandisa mwana kuti agutse zvishuwo zvake zvebonde. Kunogona kusanganisira kuenda pabonde naye, kuita bonde nemuromo kana nekunobuda netsvina, kubatabata nhengo dzekubereka nadzo, mazamu kana magaro, kana kuita chero chii zvacho cheunzenza nemwana. Zvinokosha kuziva kuti mwana paanoshungurudzwa anenge akuvadzwa uye adzvinyirirwa uye kuti inenge isiri mhosva yake. Kunyange zvazvo vanonyanya kushungurudzwa vari vasikana, vakomana vakawanda vanoshungurudzwawo. Uyewo kunyange zvazvo vakawanda vanoshungurudza vana vari varume, vamwe vakadzi vanoshungurudzawo vana.