Mashoko Emuzasi
d Vakuru havamboiti kuti mwana avepo pavanenge vachitaura nemunhu ari kupomerwa kuti akamushungurudza. Mubereki kana kuti mumwe munhu anovimbwa nemwana wacho ndiye anogona kutaura nevakuru achivaudza zviri kutaurwa nemwana wacho. Izvi zvinoita kuti mwana asaramba achishungurudzika.