Mashoko Emuzasi
a Satani akaita semuvhimi ane unyanzvi. Anoedza kutibata mumisungo yake pasinei nekuti tava nemakore akawanda sei tichishumira Jehovha. Munyaya ino tichaona kuti Satani anoedza sei kushandisa kuzvikudza uye makaro kuti aparadze ushamwari hwedu naMwari. Tichadzidzawo kubva kune zvakaitwa nevamwe vakambobatwa nemusungo wekuzvikudza, uye makaro, uye tichaona kuti tingaita sei kuti tisabatwa nemisungo iyoyo.