Mashoko Emuzasi
a Chivi chatakaberekwa tiinacho, chinogona kuita kuti titaure kana kuti tiite zvinhu zvinoita kuti hama uye hanzvadzi dzedu dzirwadziwe. Tinofanira kuitei kana zvinhu zvakadai zvikaitika? Tinoedza here kuita zvese zvatinogona kuti tive nerugare nehama yedu? Tinokurumidza here kukumbira ruregerero, kana kuti tinoti kana varwadziwa, ndezvavo izvo? Tinokurumidza here kugumburwa nezvinotaurwa kana kuti nezvinoitwa nevamwe? Tisu here tinotaura kuti ndozvandiri, ndakaberekwa ndakadaro, kana kuti tinonzwisisa kuti tinofanira kuchinja unhu hwedu?