Mashoko Emuzasi
a Kana mudziyo wevhu uine mitswe, zviri nyore kuti utsemuke. Izvi ndizvo zvinogona kuitikawo muungano. Kana vamwe vakagara vachida kukwikwidzana nevamwe, zvinoita kuti ungano ive nemapoka. Kana ungano isina kusimba uye isina kubatana, vanhu havagoni kunamata Mwari zvine rugare. Nyaya ino ichataura kuti nei tisingafaniri kukwikwidzana nevamwe uye kuti tingaitei kuti muungano muve nerugare.