Mashoko Emuzasi
a Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti Jehovha Mwari ndiye Musiki. Asi vanhu vakawanda havatendi izvozvo. Vanoti upenyu hwakangovapo hwega. Kana tikashanda nesimba kuti tisimbise kutenda kwedu muna Mwari uye muBhaibheri, zvavanotaura hazvizokanganisi kutenda kwedu. Nyaya ino ichatsanangura kuti tingazviita sei.