Mashoko Emuzasi
a MuShoko rake, Jehovha anotivimbisa kuti anoda kuregerera vatadzi vanenge vapfidza. Asi dzimwe nguva tinganzwa sekuti hatina kukodzera kuregererwa naye. Munyaya ino tichakurukura kuti nei tingava nechokwadi chekuti Mwari wedu akagadzirira kutikanganwira kana tichinge tapfidza zvivi zvatakaita.