Mashoko Emuzasi
a Mamiriyoni evarume, vakadzi, nevana ari kushingaira kuparidza mashoko akanaka. Uri mumwe wavo here? Kana zvakadaro uri kushanda uchitungamirirwa naIshe wedu Jesu Kristu. Munyaya ino tichaona uchapupu hunoratidza kuti Jesu ari kutungamirira basa rekuparidza mazuva ano. Kufungisisa mashoko aya kuchatibatsira kuti tive nechido chekuramba tichishumira Jehovha tichitungamirirwa naKristu.