Mashoko Emuzasi
a Rugwaro rwegore rwa2023 urwo runosimbisa kutenda kwedu runoti: “Shoko renyu rese ichokwadi.” (Pis. 119:160) Zviri pachena kuti unobvumirana nemashoko iwayo. Asi vanhu vakawanda havatendi kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi uye kuti rinotipa mazano akanaka. Munyaya ino tichaongorora uchapupu hutatu hwatinogona kushandisa kubatsira vamwe kuti vavimbe neBhaibheri uye nemazano aro.