Mashoko Emuzasi
a Kubva mumazuva aAdhamu naEvha, Satani ari kuita kuti vanhu vafunge kuti vanofanira kusarudza vega kuti zvakarurama ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi. Anoda kuti tive nemafungiro akadaro nezvemitemo yaMwari uye nezvemirayiridzo yatinoudzwa nesangano rake. Nyaya ino ichatibatsira kuti tingwarire mafungiro enyika yaSatani ekusada kutungamirirwa uye ichasimbisa chido chedu chekuteerera Jehovha.