Mashoko Emuzasi
d Mambo Asa akaita zvivi zvakakura. (2 Mak. 16:7, 10) Asi Bhaibheri rinoti Asa akaita zvakarurama mukuona kwaJehovha. Kunyange zvazvo pakutanga akamboramba kutsiurwa, zvinoita sekuti pave paya akapfidza. Jehovha achitarisa zvese zvakanga zvaitwa naAsa akamuona semunhu akarurama. Asa ainamata Jehovha chete uye akaita zvese zvaaigona kuti aparadze zvidhori zvaiva munyika yaaitonga.—1 Madz. 15:11-13; 2 Mak. 14:2-5.