RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
  • Nhasi

China, September 11

Varatidzei kuti munovada.—2 VaK. 8:24.

Tinogona kuratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nekushamwaridzana nadzo. (2 VaK. 6:​11-13) Vakawanda vedu tiri muungano dzine hama nehanzvadzi dzinobva kwakasiyana-siyana uye dzine unhu hwakasiyana-siyana. Tinogona kuwedzera kuda kwatinovaita vese nekuisa pfungwa dzedu paunhu hwavo hwakanaka. Patinodzidza kuona vamwe semaonerwo avanoitwa naJehovha, tinoratidza kuti tinovada. Tichafanira kuda hama nehanzvadzi dzedu pakutambudzika kukuru. Kana kutambudzika ikoko kwatanga Jehovha achatidzivirira sei? Funga zvaakaudza vanhu vake kuti vaite pakarwiswa Bhabhironi. Akati: “Endai vanhu vangu, mupinde mudzimba dzenyu dzemukati, muvhare masuo. Hwandai kwenguva pfupi kusvikira kutsamwa kwapfuura.” (Isa. 26:20) Zvinoita sekuti mashoko iwayo achashandawo kwatiri pakutambudzika kukuru. w23.07 6-7 ¶14-16

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Chishanu, September 12

Zviri kuitika munyika zviri kuchinja.—1 VaK. 7:31.

Zivikanwa semunhu anonzwisisa. Zvibvunze kuti: ‘Vanhu vanondiona semunhu anonzwisisa uye anobvumawo zvinodiwa nevamwe here, kana kuti vanondiona semunhu akaoma musoro? Ndinoteerera vamwe ndichibvumawo zvavanoda pazvinenge zvakakodzera here?’ Kunzwisisa kwatinoita kunoratidza kuti tiri papi pakutevedzera Jehovha naJesu. Tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa panochinja zvinhu muupenyu hwedu. Kuchinja ikoko kunogona kuita kuti tisangane nematambudziko ataisambofungira. Tinogona kungoerekana tarwara zvakaipisisa. Kana kuti kuchinja kunoita zveupfumi munyika kana kuti zvematongerwo enyika kunogona kuita kuti upenyu hwedu huome chaizvo. (Mup. 9:11) Kunyange kuchinjwa kwatinoitwa kwekushandira musangano raJehovha kunogona kuva muedzo kwatiri. Tinogona kujairana nemamiriro ezvinhu matsva anenge avapo kana tikatevedzera matanho mana anoti: (1) kubvuma zvinenge zvavapo, (2) kuramba uchifunga nezveramangwana, (3) kuisa pfungwa pazvinhu zvakanaka, uye (4) kubatsira vamwe. w23.07 21-22 ¶7-8

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Mugovera, September 13

Uri munhu anokosha chaizvo.—Dhan. 9:23.

Muprofita Dhanieri aiva mukomana wechidiki paakatorwa nevaBhabhironi semusungwa achiendeswa kure nekumusha kwake. Asi zviri pachena kuti vaBhabhironi vakamuyemura. Vakaona ‘zvaionekwa nemaziso,’ kuti Dhanieri akanga ‘asina kana pakaremara, aine chimiro chakanaka’ uye kuti aibva mumhuri inokosha. (1 Sam. 16:7) Saka vakamudzidzisa kuti azoshumira mumuzinda wamambo. (Dhan. 1:​3, 4, 6) Jehovha akada Dhanieri nekuti aiva wechidiki ainge akavimbika kuna Mwari. Kunenge kuti Dhanieri ainge ava kusvitsa makore 20 kana kuti achangoti pfuurei 20 Jehovha paakataura zvakanaka nezvake pamwe chete naNoa naJobho, avo vakanga vashumira Jehovha vakatendeka kwemakore akawanda. (Gen. 5:32; 6:​9, 10; Job. 42:​16, 17; Ezek. 14:14) Jehovha akaramba achida Dhanieri kweupenyu hwake hwese.—Dhan. 10:​11, 19. w23.08 2 ¶1-2

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe