RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp1 chits. 30 pp. 212-220
  • Tanyatsogadzirira Kuroorana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tanyatsogadzirira Kuroorana Here?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Mashoko Akafanana
  • “Kuroorana Ngakukudzwe”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Muchato Wenyu Unogona Kununurwa!
    Mukai!—2001
  • Kushamwaridzana Kwacho Kwanyanya Here?
    Mukai!—2013
  • Kuvaka Imba Yako Kuti Ibudirire
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
yp1 chits. 30 pp. 212-220

CHITSAUKO 30

Tanyatsogadzirira Kuroorana Here?

Wawana munhu waunoda kuroorana naye uye mave muchifambidzana kwenguva yakareba zvokuti unonyatsonzwa kuti muri kudanana. Mufaro wokuva munhu akachata wava pedyo. Ndizvo zvazviri here? Sezvo wava kuda kuita chimwe chezvisarudzo zvinokosha muupenyu, unotanga kunetseka . . .

Tanyatsogadzirira kuroorana here?

ZVINOWANIKA kuti unombonzwa usina chokwadi nekuva nemba kunyange paunenge uri murudo. Sezvo vanhu vakawanda vakaroorana vasingafari uye kurambana kuri kuwedzera, zvinonzwisisika kuti unofanira kungwarira paunofunga nezvokutora danho iri rinochinja upenyu. Saka ungaziva sei kana wagadzirira kuritora? Kupfuura nakare kose, iye zvino unofanira kubvisa fungidziro chero dzipi dzawaiva nadzo nezveimba wodzitsiva nezvinoitika chaizvo. Somuenzaniso:

FUNGIDZIRO 1 “Tinoraramira rudo.”

Zvinoitika chaizvo: Rudo harubhadhari mabhiri kana kuti kupedza nhamo yemari. Kutaura zvazviri, vanotsvakurudza vakaona kuti mari ndiyo inonyanya kuita kuti vakaroorana vanetsane zvozoguma nekurambana. Kusava nemaonero akarurama mune zvemari kunogona kukukanganisa mune zvokunamata, mupfungwa uye ukama nemumwe wako. (1 Timoti 6:9, 10) Unodzidzei pane izvi? Musamirire kusvikira mava mumba kuti muzokurukura mashandisiro amuchazoita mari!

Bhaibheri rinoti: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi, overenga zvinodiwa?”—Ruka 14:28.

Zvaungaita: Iwe newaunoda kuzoroorana naye, kurukurai iye zvino musati maroorana kuti zvemari muchazvifambisa sei. (Zvirevo 13:10) Kurukurai mibvunzo yakaita seiyi: Tichabhajeta sei mari yedu? Tichava neakaundi yokubhengi imwe chete here kana kuti mumwe nomumwe achava neyake? Ndiani achanyatsotarisira mashandisirwo anenge achiitwa mari uye kuona kuti mabhiri abhadharwa?a Imarii ingashandiswa nemumwe pakutenga zvinhu asina kuudza mumwe? Iye zvino ndiyo nguva yokuti mutange kushandira pamwe!—Muparidzi 4:9, 10.

FUNGIDZIRO 2 “Tichanyatsoti gedye gedye paticharoorana nekuti tinobvumirana pazvose—hatimbopikisani!”

Zvinoitika chaizvo: Kana musingambopikisani, zvimwe imhaka yokuti munoedza chaizvo kusataura nyaya dzingaita kuti munetsane. Asi kana maroorana munotofanira kudzitaura chete! Chokwadi ndechokuti hakuna vanhu vaviri vasina kukwana vanonyatsoti gedye gedye, saka dzimwe nguva munototi munetsane. (VaRoma 3:23; Jakobho 3:2) Hamufaniri kungofunga nezvokubvumirana kwamunoita asi kufungawo zvinoitika kana mapesana. Mubatanidzwa wakasimba unoumbwa nevanhu vaviri vanokwanisa kubvuma pachena kuti vane maonero akasiyana vobva vashandira kugadzirisa nyaya yacho sevanhu vakuru uye zvine rugare.

Bhaibheri rinoti: “Musaenda kunorara makatsamwa.”—VaEfeso 4:26, Contemporary English Version.

Zvaungaita: Nyatsofungisisa zvawave uchiita kana wanetsana nevabereki vako uye nevana vomumhuri menyu kusvikira panguva ino. Gadzira chati yakafanana neiri papeji 93 yebhuku rino kana kuti iri papeji 221 muBhuku 2. Nyora zvakaitika chaizvo zvakakonzera kuti musawirirana, zvawakaita uye zviri nani zvaungadai wakaita. Somuenzaniso, kana waiti ukanetsana nemumwe unomhanya wonopinda mubhedhuru mako worovera dhoo nehasha, nyora zvaungaita zviri nani izvo zvinoshanda kugadzirisa dambudziko racho pane kuti rienderere mberi. Kana ukadzidza kuita zvinhu kwazvo paunotadza kunzwisisana nemumwe munhu, uchawana unyanzvi hunokosha chaizvo huchaita kuti uzofara kana wava nemba yako.

FUNGIDZIRO 3 “Kana ndangova nemba chete, zvishuwo zvangu zvose zvebonde zvichagutswa.”

Zvinoitika chaizvo: Kuva nemba hakurevi kuti unenge wava kuita zvebonde pawadira. Yeuka kuti mumwe wako munhuwo akaita sewe uye unofanira kufungawo manzwiro ake. Ichokwadi kuti pachava nedzimwe nguva mumwe wako paanganzwa asingadi. Kuroorana hakukupi kodzero yokusimbirira kuti zvaunoda zvingoitwa chete. (1 VaKorinde 10:24) Chokwadi ndechokuti kuzvidzora kunokosha kune vanhu vasina kuroora kana kuroorwa uye vakaroorana.—VaGaratiya 5:22, 23.

Bhaibheri rinoti: ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuziva kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete pakuda kurara nomumwe munhu.’—1 VaTesaronika 4:4, 5.

Zvaungaita: Nyatsoongorora zvishuvo zvako zvebonde uye funga kuti izvi zvingaitei kwauri kana wava nemba. Somuenzaniso, wakapindwa muropa nekuita bonhora here? Waimbova netsika yokuona zvinonyadzisira here? Une meso meso here? Zvibvunze kuti, ‘Kana zvichindiomera kudzora zvishuvo zvangu zvebonde ndisati ndava nemba, ndichazozvigona here kana ndava nayo?’ (Mateu 5:27, 28) Imwe nyaya ndeyokuti: Waimbotamba norudo uye uchimbodanana nevanhu vakawanda izvo zvakazoita kuti uve nemukurumbira wemeso meso here? Kana zviri izvo, unofunga kuti uchaitei kuti uzorega tsika yacho wava nemba paunenge wava kufanira kuratidza rudo rwako kumunhu mumwe chete—waunenge waroorana naye?—Zvirevo 5:15-17.

FUNGIDZIRO 4 “Kuva nemba kuchaita kuti ndifare.”

Zvinoitika chaizvo: Munhu asingafari asati ava nemba kazhinji kacho haazombofari kana ava nayo. Nei? Nekuti mufaro unonyanya kubva pamaonero emunhu kupfuura mamiriro ake ezvinhu. (Zvirevo 15:15) Vaya vanowanzoona mamiriro avo ezvinhu neziso rakaipa vanowanzotarisa zvisipo paukama hwavo pane kuti vatarise zviri pahuri. Zviri nani chaizvo kuti uve munhu anofara woramba wakadaro usati waroora kana kuti kuroorwa. Uye kana wazova nemba, uchaita kuti unhu hwako hwakanaka uye hwomumwe wako hubude.

Bhaibheri rinoti: “Zviri nani kuti ugutsikane nezvaunazvo pane kuramba uchingoda zvimwe.”—Muparidzi 6:9, Today’s English Version.

Zvaungaita: Dzimwe nguva kuva nemaonero asina kunaka kunokonzerwa nokutarisira zvinhu zvisingaitiki. Pane rimwe pepa, nyora zvinhu zviviri kana kuti zvitatu zvaunotarisira kana waroora kana kuti waroorwa. Verenga zvinhu zvacho, uye ibva wazvibvunza kuti: ‘Tarisiro dzangu dzinobva pakufungidzira here kana kuti pazvinhu chaizvoizvo zvinoitika? Hadzina kuwedzerwa nezvinhu zvakadai semafirimu kana kuti mabhuku anotaura nyaya dzerudo here? Zvandinotarisira zvingori pane zvandichawana nekuva nemba here—zvimwe kupedza dambudziko rangu rokusurukirwa, kugutsa zvishuvo zvangu zvebonde uye kuti ndiwedzere kuremekedzwa nevezera rangu?’ Kana zviri izvo, unofanira kurega kufunga uchiti “ini” asi kuti “isu.” Kuti uite izvozvo, nyora zvinhu zviviri kana kuti zvitatu zvaunotarisira waroora kana kuti waroorwa, zvine chokuita newe uye wauchazoroorana naye.

Zvaunofungidzira kuti ndizvo zvinoitika mumba zviri pamusoro apa zvinogona kukanganisa mufaro wako paunenge waroora kana kuti kuroorwa. Saka edza nemwoyo wose kubvisa mafungiro akadaro uye atsive nezvinoitika chaizvo. Mapeji 216 uye 217 anogona kubatsira iwe nemumwe wako sezvamunotarisira kune chingava chimwe chezvikomborero zvikuru muupenyu—mhuri inofara!—Dheuteronomio 24:5; Zvirevo 5:18.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Kurambana kunoita sekuti waoma rutivi rwomuviri. Ungaita sei nemigumisiro inovapo?

[Mashoko Omuzasi]

a “Mudzimai anokwanisa” anotaurwa pana Zvirevo 31:10-28 anozivikanwa nekuita mabasa akawanda okubatsira mhuri panyaya dzemari. Ona ndima 13, 14, 16, 18, uye 24.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.”—Genesisi 2:24.

ZANO

Taura nevanhu vava nemakore vakaroorana uye vabvunze kuti vangapa mazano api kune murume nemudzimai vachangobva kuroorana nezvokuva nemba inobudirira.—Zvirevo 27:17.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Mumhuri inobudirira, murume nemudzimai vanoonana seshamwari, vanokurukura zvakanaka, vanoziva kugadzirisa zvavasingawirirani uye vanoona ukama hwavo semubatanidzwa woupenyu hwose.

ZVANDINORONGA KUITA!

Uhwu ndihwo unhu hwandinoda kushandira pari zvino kuti hundibatsire pakunatsiridza ukama hwangu newandicha- roorana naye ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Mune dzimwe nyika, vakawanda vari kuroorana vanoguma nekurambana. Unofunga kuti chii chinokonzera izvozvo?

● Ingozi dzipi dziripo pakuroora kana kuti kuroorwa uchingoitira kutiza upenyu husingafadzi hwekumba kwenyu?

● Nei zvichizokosha kuti utevedzere zvinotaurwa neBhaibheri kana wazoroora kana kuti kuroorwa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 220]

Kuroora kana kuroorwa haisi nyaya yokutamba nayo. Zvinokosha kuti uzive munhu wauri kuda kuroorana naye kwete kungoziva zvinozoitika mava mumba.’’—Audra

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 216, 217]

Pepa Rokuongorora

Wagadzirira Kuva Nemba Here?

Funga nezvemibvunzo iri pamapeji maviri anotevera. Ungatoshandisa mapeji aya sepokutangira kukurukura newauchazoda kuroorana naye. Ivai nechokwadi chokuti maverenga magwaro aripo.

Nyaya Dzemari

□ Maonero aunoita mari akaita sei?—VaHebheru 13:5, 6.

□ Uri kutoratidza kuti unoshandisa mari zvakanaka munzira dzipi?—Mateu 6:19-21.

□ Une chikwereti here? Kana uinacho, matanho api auri kutora kuti uchibhadhare?—Zvirevo 22:7.

□ Muchashandisa mari yakawanda sei pamuchato wenyu? Kana muchizoda kupinda muchikwereti, munofunga kuti chingava chemarii?—Ruka 14:28.

□ Kana muchinge maroorana, mose muri vaviri muchafanira kuenda kubasa here? Kana muchizoenda, muchazvifambisa sei kana nguva dzamunoshanda dzakasiyana uye muchizofamba zvakasiyana?—Zvirevo 15:22.

□ Muchagara kupi? Rendi, zvokudya, zvokupfeka nezvimwewo zvingaita marii uye muchange muchizvibhadhara sei?—Zvirevo 24:27.

Nyaya Dzemhuri

□ Unowirirana zvakadini nevabereki vako uye vana vomumhuri menyu?—Eksodho 20:12; VaRoma 12:18.

□ Unogadzirisa sei zvinhu kana paita kusawirirana kumba kwenyu?—VaKorose 3:13.

□ Kana uri mhandara, unoratidza munzira dzipi “mudzimu wakanyarara uye munyoro”?—1 Petro 3:4.

□ Muri kuronga kuzova nevana here? (Pisarema 127:3) Kana musingazovi navo, muchashandisa nzira ipi yokuronga mhuri?

□ Kana uri jaya, ucharonga sei kutungamirira pazvinhu zvokunamata zvemhuri yako?—Mateu 5:3.

Unhu

□ Wakaratidza munzira dzipi kuti unoshanda nesimba?—Zvirevo 6:9-11; 31:17, 19, 21, 22, 27.

□ Wakaratidza sei kuti uri munhu anozvipira?—VaFiripi 2:4.

□ Kana uri jaya, unoratidza sei kuti unoshandisa chinzvimbo chako sezvaiita Kristu?—VaEfeso 5:25, 28, 29.

□ Kana uri mhandara, uchapupu hupi hunoratidza kuti unozviisa pasi pevane masimba?—VaEfeso 5:22-24.

[Mufananidzo uri papeji 219]

Usamhanyira kuva nemba usati waziva kuti uri kusvetukira mumvura yakaita sei

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe