RWIYO 34
Kufamba Ndakavimbika
Rakaprindwa
1. Nditongei henyu She Jehovha,
Ndinovimba nemi; ndakapererawo.
Ndiongororei mundiedze;
Natsai mwoyo wangu, ndikomborerwe.
(KORASI)
Asi ini, ndichatsunga kwazvo
kuramba ndichifamba ndakaperera.
2. Handimbogari nevanonyepa.
Handifambi nevanoshora chokwadi.
Musandiparadze pamwe navo,
Vane uori nevanoda zvekurwa.
(KORASI)
Asi ini, ndichatsunga kwazvo
kuramba ndichifamba ndakaperera.
3. Imba yenyu ndinonyatsoida.
Kunamatwa kwenyu, ndichakutsigira.
Atari yenyu ndotenderera,
Kuonga kwangu ndichakushevedzera.
(KORASI)
Asi ini, ndichatsunga kwazvo
kuramba ndichifamba ndakaperera.
(Onawo Pis. 25:2.)