RWIYO 126
Rambai Makamuka Uye Mirai Makasimba
Rakaprindwa
1. Mukai muve nesimba,
Uye mutsungirire.
Shingai sevanhurume,
Nekuti muchakunda.
Tinote’rera Jesu Kristu
Tichizviisa pasi pake.
(KORASI)
Mukai mumire nesimba
Kusvikira pam’gumo!
2. Mukai mungwaririre,
Muchinyatsote’rera.
Muone kutungamira
KwaKristu nemuranda.
Muchite’rera vatariri
Vanochengetedza makwai.
(KORASI)
Mukai mumire nesimba
Kusvikira pam’gumo!
3. Mukai, shandai pamwe,
Mudzivirire shoko.
Nyange vavengi varwise,
Tichangoparidzira.
Danidzirai murumbidze;
Zuva raJehovha rasvika!
(KORASI)
Mukai mumire nesimba
Kusvikira pam’gumo!
(Onawo Mat. 24:13; VaH. 13:7, 17; 1 Pet. 5:8.)