RWIYO 143
Ramba Uchishanda, Wakarinda, Wakamirira
Rakaprindwa
1. Mwari wenguva nemwaka,
Iye anonzi Jehovha.
Ava kuzorevererwa;
Nguva yacho yasvika.
(KORASI)
Shanda umirire, usarare.
Tarisira nemufaro
Upenyu hwakakwana.
2. Nguva yakatarwa kare
Yekuti Jesu akunde.
Vanomupikisa vese,
Okunda nebakatwa.
(KORASI)
Shanda umirire, usarare.
Tarisira nemufaro
Upenyu hwakakwana.
3. Zvisikwa zvinogomera;
Nekutenda tamirira
Zuva guru raJehovha,
Patichasunungurwa.
(KORASI)
Shanda umirire, usarare.
Tarisira nemufaro
Upenyu hwakakwana.
(Onawo Mat. 25:13; Ruka 12:36.)