RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w23 November pp. 8-13
  • Zvatingaita Kuti Kudanana Kwedu Kurambe Kwakasimba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvatingaita Kuti Kudanana Kwedu Kurambe Kwakasimba
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI TICHIFANIRA KUDANANA?
  • TINORATIDZA SEI KUTI TINODANANA?
  • TINGAITEI KUTI KUDANANA KWATINOITA KURAMBE KWAKASIMBA?
  • NEI RUDO RUCHINYANYA KUDIWA IYE ZVINO?
  • “Rambai Muchifamba Murudo”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • “Kupfuura Zvinhu Zvose, Dananai Zvikuru”
    Rambai Makarinda!
  • Usarega Rudo Rwako Ruchitonhora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
w23 November pp. 8-13

NYAYA YEKUDZIDZA 47

Zvatingaita Kuti Kudanana Kwedu Kurambe Kwakasimba

“Ngatirambei tichidanana, nekuti rudo runobva kuna Mwari.”—1 JOH. 4:7.

RWIYO 109 Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo

ZVICHADZIDZWAa

1-2. (a) Nei muapostora Pauro akataura kuti rudo “runopfuura” zvimwe zvese? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

MUAPOSTORA PAURO paaitaura nezvekutenda, tariro, uye rudo, akapedzisa nekuti “chikuru pane zvese rudo.” (1 VaK. 13:13) Nei Pauro akataura izvi? Mune ramangwana, tichange tisingachafaniri kuva nekutenda muvimbiso dzaMwari dzinotaura nezvenyika itsva kana kuva netariro yekuti vimbiso idzodzo dzichazadziswa nekuti dzinenge dzatozadziswa. Asi tichafanira kuramba tichida Jehovha uye vanhu. Kuda kwatinovaita kucharamba kuchiwedzera nekusingaperi.

2 Sezvo tichafanira kuramba tiine rudo, ngatikurukurei mibvunzo mitatu. Wekutanga, nei tichifanira kudanana? Wechipiri, tinoratidza sei kuti tinodanana? Wechitatu, tingaitei kuti kudanana kwatinoita kurambe kwakasimba?

NEI TICHIFANIRA KUDANANA?

3. Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvekuti tidanane?

3 Nei zvichikosha kuti tidanane? Chimwe chezvikonzero zvacho ndechekuti rudo runoita kuti tizivikanwe kuti tiri vaKristu vechokwadi. Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:35) Kudanana kunoitawo kuti tirambe takabatana. Pauro akataura nezverudo achiti “irwo chisungo chakakwana chekubatana.” (VaK. 3:14) Asi pane chimwe chikonzero chinokosha chekuti tidanane. Muapostora Johani akanyorera vamwe vaKristu vaainamata navo kuti: “Munhu anoda Mwari anofanira kudawo hama yake.” (1 Joh. 4:21) Patinoratidza vamwe rudo, tinenge tichiratidza kuti tinoda Mwari.

4-5. Taura muenzaniso unoratidza kuti kuda kwatinoita Mwari kwakabatana papi nekuda kwatinoita vamwe.

4 Kuda kwatinoita Mwari kwakanyatsobatana sei nekuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu? Funga nezvekubatana kwakaita mwoyo wedu nedzimwe nhengo dzemuviri. Chiremba anogona kubata patsinga yeruoko kuti anzwe kuti ropa redu riri kufamba sei, uye zvaanenge anzwa zvinogona kumuudza chimwe chinhu nezvekuti mwoyo wedu uri kushanda sei. Tingashandisa sei mufananidzo uyu panyaya yerudo?

5 Chiremba paanonzwa mafambiro ari kuita ropa mutsinga dzedu, anogona kuziva kuti mwoyo wedu wakasimba zvakadii. Isuwo tinogona kuona kuti kuda kwatinoita Mwari kwakasimba zvakadii nekutarisa kuda kwatinoita vamwe. Kana tikaona kuti kuda kwatinoita vamwe vatinonamata navo kwati dzikirei, izvi zvinogona kuratidzawo kuti kuda kwatinoita Mwari kuri kudzikirawo. Asi kana tikagara tichiratidza rudo kune vatinonamata navo, zvinenge zvichireva kuti kuda kwatinoita Mwari kwakasimba.

6. Nei tichifanira kunetseka kana kuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu kuri kudzikira? (1 Johani 4:​7-9, 11)

6 Tinofanira kunetseka kana kuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu kuri kudzikira. Nei tichifanira kunetseka? Nekuti zvinogona kunge zvichireva kuti ushamwari hwedu naJehovha hwadzikira. Muapostora Johani anojekesa izvozvo paanotiyeuchidza kuti: “Munhu asingadi hama yake yaanoona haangadi Mwari waasina kumboona.” (1 Joh. 4:20) Tinodzidzei? Jehovha anofadzwa nesu chete kana “tichidanana.”—Verenga 1 Johani 4:​7-9, 11.

TINORATIDZA SEI KUTI TINODANANA?

7-8. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinodanana?

7 MuShoko raMwari mune mavhesi akawanda anotirayira kuti ‘tidanane.’ (Joh. 15:​12, 17; VaR. 13:8; 1 VaT. 4:9; 1 Pet. 1:22; 1 Joh. 4:11) Asi rudo runobva mumwoyo uye hapana munhu anogona kuona zviri mumwoyo medu. Saka tingaratidza sei kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu? Tinozviratidza nezvatinotaura uye nezvatinoita.

8 Kune nzira dzakasiyana-siyana dzatinoratidza nadzo kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu. Dzimwe dzacho ndeidzi: “Tauriranai chokwadi.” (Zek. 8:16) ‘Chengetai rugare pakati penyu.’ (Mako 9:50) “Pakukudzana, mumwe nemumwe wenyu ngaatange iye.” (VaR. 12:10) “Gamuchiranai.” (VaR. 15:7) “Rambai . . . muchiregererana.” (VaK. 3:13) “Rambai muchitakurirana zvinorema.” (VaG. 6:2) “Rambai muchinyaradzana.” (1 VaT. 4:18) “Rambai . . . muchivakana.” (1 VaT. 5:11) “Nyengetereranai.”—Jak. 5:16.

Mifananidzo: 1. Hanzvadzi iri kunyengetera. 2. Iri kuteerera imwe hanzvadzi ichitaura zviri pasi pemwoyo. 3. Yafonera imwe hanzvadzi yakwegura iri kurwara vachionana pavhidhiyo. 4. Inonyora kadhi rairi kuda kutumira pamwe chete nechipo. 5. Inodya pamwe chete nehanzvadzi yakakuvara ruoko.

Tingabatsira sei muKristu anenge achishungurudzika? (Ona ndima 7-9)

9. Nei kunyaradza vamwe iri nzira inokosha yekuratidza kuti tinovada? (Onawo mufananidzo.)

9 Ngationei imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinoda vamwe pane dzataurwa mundima yapfuura. Tichaongorora zano raPauro rekuti: “Rambai muchinyaradzana.” Nei kunyaradza vamwe iri nzira inokosha yekuratidza kuti tinovada? Maererano nerimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri, shoko rakashandiswa naPauro iro rakashandurwa kuti “kunyaradza” rinoreva “kumira padivi pemumwe munhu kuti umukurudzire paanenge ari mudambudziko rakakura.” Saka patinonyaradza mumwe munhu anenge aine dambudziko, tinomubatsira kuti asimuke oramba achifamba munzira inoenda kuupenyu. Pese patinonyaradza hama kana hanzvadzi, tinenge tichiratidza kuti tinoida.—2 VaK. 7:​6, 7, 13.

10. Kunzwira tsitsi uye kunyaradza vamwe zvakabatana papi?

10 Kunzwira tsitsi nekunyaradza vamwe zvinofambirana. Pakuti kudii? Munhu anonzwira vamwe tsitsi anonzwa achida kuvanyaradza uye anoedza kuvabatsira padambudziko ravo. Saka tinotanga nekunzwira tsitsi, tozonyaradza. Ona kuti Pauro akabatanidza sei kunzwira tsitsi kunoita Jehovha nekunyaradza kwaanoita. Pauro anotaura nezvaJehovha ‘saBaba vengoni huru uye Mwari wekunyaradza kwese.’ (2 VaK. 1:3) Pano Pauro akashandisa mashoko ekuti “ngoni huru” achitaura nezvekunzwira vamwe tsitsi. Saka Mwari anonzi Baba, kana kuti Tsime rengoni huru, nekuti anonzwira vanhu tsitsi zvikuru. Uye tsitsi idzodzo dzinoita kuti atinyaradze “pamatambudziko edu ese.” (2 VaK. 1:4) Sezvinoita mvura inotonhorera iyo inozorodza munhu anenge afa nenyota, Jehovha anozorodza uye anonyaradza vaya vanenge vachishungurudzika. Tingatevedzera sei Jehovha pakunzwira vamwe tsitsi uye pakuvanyaradza? Imwe nzira yatingaita nayo izvozvo ndeyekuva neunhu hunotibatsira kuti tinzwire vamwe tsitsi uye tivanyaradze. Humwe unhu hwacho ndehupi?

11. Maererano naVaKorose 3:12 uye 1 Petro 3:​8, chii chimwe chichatibatsira kuti tide vamwe uye tivanyaradze?

11 Chii chichatibatsira kuti tirambe tichida vamwe uye ‘tirambe tichinyaradzana’ zuva nezuva? Tinofanira kunzwira vamwe tsitsi, kudanana kwazvo sehama, uye kuratidza vamwe mutsa. (Verenga VaKorose 3:12; 1 Petro 3:8.) Kuita izvi kuchatibatsira sei? Patinonzwira tsitsi hama dzedu uye patinonyatsoratidza kuti tine hanya nadzo, tichava nechido chakasimba chekudzinyaradza padzinenge dzichitambura. Sezvakataurwa naJesu, “muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo. Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka.” (Mat. 12:​34, 35) Kunyaradza hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dzichida kunyaradzwa inzira inokosha chaizvo yekuratidza kuti tinodzida.

TINGAITEI KUTI KUDANANA KWATINOITA KURAMBE KWAKASIMBA?

12. (a) Chii chatinofanira kungwarira? (b) Mubvunzo upi watava kuda kukurukura?

12 Tese tinoda ‘kuramba tichidanana.’ (1 Joh. 4:7) Asi zvinokosha kuti tiyeuke yambiro yatakapiwa naJesu yekuti ‘rudo rwevazhinji rwaizotonhora.’ (Mat. 24:12) Jesu akanga asiri kuti vadzidzi vake vakawanda vaizorega kudanana. Asi tinofanira kungwarira kuti tisazopedzisira tisisina rudo sevanhu vari munyika. Tichifunga izvozvo ngatikurukurei mubvunzo uyu unokosha wekuti: Chii chichatibatsira kuziva kana kuda kwatinoita hama dzedu kwakasimba?

13. Chii chichatibatsira kuziva kana kuda kwatinoita hama dzedu kwakasimba?

13 Imwe nzira yatinoona nayo kuti rudo rwedu rwakasimba zvakadini ndeyekuongorora zvatinoita mune mamwe mamiriro ezvinhu muupenyu. (2 VaK. 8:8) Mamwe mamiriro ezvinhu acho ndiwo akataurwa nemuapostora Petro paakati: “Kupfuura zvese, dananai kwazvo, nekuti rudo runovhara zvivi zvizhinji.” (1 Pet. 4:8) Saka zvatinoita kana hama dzedu dzakanganisa kana kuti dzaita zvinhu zvinotirwadza zvichatibatsira kuziva kana kuda kwatinodziita kwakasimba kana kuti kusina.

14. Maererano na1 Petro 4:​8, tinofanira kuva nerudo rwakaita sei? Taura muenzaniso.

14 Ngatinyatsoongororai mashoko aPetro. Chikamu chekutanga chevhesi 8 chinotaura kuti tinofanira ‘kudanana kwazvo.’ Shoko rakashandiswa naPetro iro rakashandurwa kuti “kwazvo,” rinoreva “kutambanudza.” Chikamu chechipiri chinotaura zvinoitika kana tichida vamwe kwazvo. Kuda vamwe kwazvo kunotibatsira kuti tivhare zvivi zvehama dzedu. Zvinoita sekuti tinobata rudo rwedu nemaoko maviri sekunge kuti ijira rinotambanuka tobva taramba tichiritambanudza kusvikira ravhara kwete chivi chimwe chete kana zviviri asi “zvivi zvizhinji.” Shoko rekuti kuvhara rinotsanangura zvinorehwa nekuregerera. Sezvo jira richikwanisa kuwaridzwa rovhara tafura inenge yakamarika-marika, rudo runogona kuvhara zvikanganiso zvevamwe.

15. Kana kuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu kwakasimba, tichakwanisa kuitei? (VaKorose 3:13)

15 Kuda kwatinoita vamwe kunofanira kunge kwakasimba zvekuti tinokwanisa kuregerera zvikanganiso zvehama nehanzvadzi dzedu kunyange zvazvo dzimwe nguva zvichida kuti tishande nesimba. (Verenga VaKorose 3:13.) Patinoregerera vamwe, tinoratidza kuti rudo rwedu rwakasimba uye kuti tinoda kufadza Jehovha. Chii chimwe chingatibatsira kuti tiregerere zvinokanganiswa nevamwe uye kuti tisakurumidza kugumburwa nezvinhu zvavanoita?

Mufananidzo uri kuratidza hama iri kudzima imwe yemapikicha akawanda ayatora nefoni yayo iine dzimwe hama nehanzvadzi. Imwe pikicha yacho yaprindwa uye yaiswa mufuremu ragadzikwa pasherufu.

Sezvo tichichengeta mapikicha akanaka, tichirasa mamwe ese, tinokoshesa nguva dzakanaka dzatinenge tiine vamwe vatinonamata navo uye hatiiti kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichifunga zvinhu zvisina kunaka zvavakaita (Ona ndima 16-17)

16-17. Chii chimwe chingatibatsira kuti tisaramba tichifunga zvikanganiso zvidiki zvinoitwa nevamwe? Taura muenzaniso. (Onawo mufananidzo.)

16 Isa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzako kwete pane zvadzinokanganisa. Funga nezvemuenzaniso uyu. Ngatitii muri kutandara pamwe chete nehama nehanzvadzi. Muri kufara zvenyu, uye pamunenge mava kuonekana unotora pikicha yevanhu vese varipo. Unotora mamwe mapikicha maviri uchiitira kuti zvimwe yekutanga haina kubuda zvakanaka. Iye zvino wava nemapikicha matatu. Asi pane imwe yacho unoona kuti imwe hama iripo yakafinyamisa kumeso. Unoitei nepikicha iyoyo? Unoidzima nekuti une mamwe mapikicha maviri ari kubuda munhu wese achinyemwerera, kusanganisira hama iya.

17 Ngatifananidzei mapikicha atinochengeta nezvinhu zvatinoramba tichiyeuka. Tinowanzoyeuka zvinhu zvinofadza zvinoitika patinotandara nehama nehanzvadzi dzedu. Asi ngatitii pane kumwe kutandara kwatinoita, imwe hama kana kuti hanzvadzi inotaura kana kuita chimwe chinhu chisina kunaka. Tinofanira kuitei nezvinhu izvozvo zvisina kunaka zvinenge zvaitwa? Tinofanira kuedza kuzvibvisa mupfungwa dzedu sekudzima kwatinoita pikicha inenge isina kubuda zvakanaka. (Zvir. 19:11; VaEf. 4:32) Tinogona kudzima mupfungwa dzedu chikanganiso chidiki chinenge chaitwa newatinonamata naye nekuti tine zvinhu zvakawanda zvinofadza zvatakaita nemunhu iyeye pakutandara kwataiita. Izvozvo ndizvo zvinhu zvatinofanira kuramba tichiyeuka uye tichikoshesa.

NEI RUDO RUCHINYANYA KUDIWA IYE ZVINO?

18. Ndedzipi pfungwa dzinokosha dzine chekuita nerudo dzatakurukura munyaya ino?

18 Nei tichida kuti kudanana kwatinoita kurambe kwakasimba? Sezvatakurukura, patinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu, tinoratidza kuti tinoda Jehovha. Tinoratidza sei kuti tinoda vatinonamata navo? Imwe nzira yatingaita nayo izvi ndeyekuvanyaradza. Tichakwanisa ‘kuramba tichinyaradzana’ kana tichinzwira vamwe tsitsi. Tingaitei kuti kudanana kwedu kurambe kwakasimba? Tinodaro nekuita zvese zvatinogona kuti tiregerere vamwe pavanokanganisa.

19. Nei zvichinyanya kukosha iye zvino kuti tiratidze kuti tinodanana?

19 Nei zvichinyanya kukosha iye zvino kuti tiratidze kuti tinodanana? Petro akataura chikonzero chacho achiti: “Kuguma kwezvinhu zvese kwava pedyo. Saka . . . dananai kwazvo.” (1 Pet. 4:​7, 8) Sezvo mugumo wenyika iyo yakaipa waswedera pedyo chaizvo, chii chatingatarisira? Achitaura nezvevateveri vake, Jesu akati: “Muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.” (Mat. 24:9) Kuti titsungirire kuvengwa ikoko, tinofanira kuramba takabatana. Patinodaro, zvese zvinoitwa naSatani achiedza kutiparadzanisa hazvizobudiriri nekuti tinobatanidzwa nerudo, urwo ruri “chisungo chakakwana chekubatana.”—VaK. 3:14; VaF. 2:​1, 2.

UNGAPINDURA SEI?

  • Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvekuti tide hama nehanzvadzi dzedu?

  • Tinoratidza sei kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu?

  • Kuregerera kwatinoita vamwe kunoratidzei?

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

a Iye zvino zvava kunyanya kukosha kuti tiratidze kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu. Nei zvakadaro, uye tinoratidza sei kuti tinodanana?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe