RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Ripa Zvaunopika”
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | April
    • 7. (a) Hana akaita mhiko yei, akaiitirei uye zvakamufambira sei? (b) Mhiko yakaitwa naHana yaizoita kuti Samueri ave neupenyu hwakaita sei? (Ona mashoko emuzasi.)

      7 Hana akaripawo mhiko yaakanga aita kuna Jehovha. Paakaita mhiko yake akanga achinetseka uye aitambudzika zvikuru nekuti akanga asina mbereko uye aigara achitsvinyirwa. (1 Sam. 1:4-7, 10, 16) Hana akaudza Jehovha zvaiva kutsi kwemwoyo wake ndokupika kuti: “Haiwa Jehovha wemauto, chokwadi kana mukatarira kutambudzika kwomurandasikana wenyu, mukandiyeuka, mukasakanganwa murandasikana wenyu uye mukapa murandasikana wenyu mwana mukomana, ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, uye musoro wake hauzoveurwi nechisvo.”a (1 Sam. 1:11) Munyengetero waHana wakapindurwa uye akabereka mwanakomana wake wedangwe. Hana akafara chaizvo. Asi haana kukanganwa mhiko yaakanga aita kuna Mwari. Paakabereka mwana wake mukomana, akati: “Ndakamukumbira kuna Jehovha.”​—1 Sam. 1:20.

  • “Ripa Zvaunopika”
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | April
    • a Maererano nemhiko yakaitwa naHana, mwana wake aizova muNaziri kweupenyu hwake hwese. Izvi zvinoreva kuti aizotsaurwa kuti aitire Jehovha basa dzvene.​—Num. 6:2, 5, 8.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe