RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/15 pp. 16-20
  • Rumbidza Zita Dzvene raJehovha!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rumbidza Zita Dzvene raJehovha!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Taura Pamusoro Pokuva Mambo kwaJehovha
  • Tsigiro yaJehovha Haitongokundikani
  • Jehovha Anochengeta Vanomuda
  • Pfuurira Kurumbidza Zita Dzvene raJehovha
  • Jehovha Ane Rudo Rwokuvimbika Kwazvo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Jehovha Anofanirwa Nerumbidzo Isingagumi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ukuru hwaJehovha Hahunzvereki
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kubatirei Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/15 pp. 16-20

Rumbidza Zita Dzvene raJehovha!

“Muromo wangu uchataura rumbidzo yaJehovha; uye nyama yose ngairumbidze zita rake dzvene kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.”—PISAREMA 145:21, “NW.”

1, 2. (a) Satani akadenha kuva mambo kwaMwari munzirai? (b) Mibvunzoi inomutswa pamusoro pePisarema 145:11-21?

JEHOVHA nenzira isingapanikirwi ndiye Changamire Wechisiko Chapose pose. Asi Satani akadenha kururama namaruramiro zvokuva mambo kwaMwari. (Genesi 2:16, 17; 3:1-5) Dhiabhorosi akapanikirawo perero yavabatiri vose vaMwari mudenga napasi pano. (Jobho 1:6-11; 2:1-5; Ruka 22:31) Naizvozvo Jehovha akabvumira nguva yokuti zvisikwa zvose zvakangwara zvione chibereko chakashata chokupandukira kuva mambo kwake nokuratidza pazvimire panhau idzi.

2 Pisarema 145 rinotibetsera kuva nechimiro chakasimba nokuda kwokuva mambo kwaMwari. Seiko? Chii icho Dhavhidhi anotaura pamusoro pokuva mambo kwaJehovha? Uye Mwari anobata sei vatsigiri vakwo? Mhinduro dzinobetsera dzinowanika paPisarema 145:11-21.

Taura Pamusoro Pokuva Mambo kwaJehovha

3. Kana kuva mambo kwaJehovha kuchidiwa nesu, chii chatichaita?

3 Kuva mambo kwaJehovha kwakanga kuri kweitiro hanya huru kuna Dhavhidhi, uyo akati: “Vachataura vachireva kubwinya [kwokuva mambo kwenyu, “NW”] nokuparidza simba renyu; kuti vazivise vanakomana vavanhu mabasa ake ane simba, nokubwinya [kwokuva mambo kwake, “NW”].” (Pisarema 145:11, 12) Vanhu vanotaura pamusoro pezvinhu zvinovafadza. Naizvozvo murume anotaura nezvemhuri yake, musha wake, zvirimwa zvake. “Munhu wakanaka unobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake,” akadaro Jesu. (Ruka 6:45) Kana kuva mambo kwaMwari kuchidikanwa nomwoyo wedu, tichanyengetera kuti Umambo hwake huuye, uye tichaudza vamwe pamusoro peruramisiro, rugare, uye kururama zvichapararira mukutonga kwahwo. Ticharumbidza Jehovha sa“Mambo asingagumi,” uye tichataura pamusoro peratidzirwo dzouchangamire hwake kupfurikidza noUmambo hwouMesia mumaoko oMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 15:3; Isaya 9:6, 7) Iropafadzo yakadini kutaura pamusoro pembiri yokudenga yokuva mambo kwaJehovha, uko kuchakurumidza kuratidzirwa murunako rweparadhiso yapasi yakazadzwa nezvisikwa zvinofara zvakakwana!—Ruka 23:43.

4. Ndirini patinova nenhambo yokutaura pamusoro pe“simba guru guru” raJehovha, uye tinotsigirwa sei mumubato wakadaro?

4 Kunzwisisa kuchatisundawo kutaura pamusoro pe“simba” raJehovha. Kunyange zvazvo “ane simba guru guru,” iye haatongorishandisi zvisina kufanira. (Jobho 37:23) Iye akashandisa simba rake kusika pasi norudzi rwomunhu uye acharishandisa kuparadza vakaipa. Tine nhambo yokutaura pamusoro pesimba raMwari patinozivisa mashoko akanaka. Uye hationgi here kuti aya Manyuko makuru esimba anotipa simba rokuita basa irori? (Isaya 40:29-31) Hungu, seZvapupu zvaJehovha, tinotsigirwa mubasa rinoyera nesimba raMwari nomudzimu. Shoko roUmambo riri kuziviswa nebudiriro inoshamisa munyika yose neiyi nzira bedzi.—Pisarema 28:7, 8; Zekaria 4:6.

5. Sezvo vazhinji vasati achiziva pamusoro pa“mabasa esimba” aJehovha, chii chatinofanira kuita?

5 Pane dikanwo yokuti tizivise kuvanakomana vavanhu “mabasa esimba” aJehovha, kunyange sezvo vaIsraeri vakaudza vana vavo pamusoro penzira iyo Mwari akavanunura nayo muubatwa hweEgipita. (Eksodho 13:14-16) Vanhu vanovakira mifananidzo vanhu vane mabasa avanorangarira kuva akatanhamara, asi vangani vanoziva pamusoro pamabasa makuru aMwari? Sokunyora kwakaita imwe nyanzvi: “Vanonyora zviito zvamagamba avo pandarira, asi mabasa ane mbiri aJehovha anonyorwa pajecha, uye kufamba kwenguva kunoabvisa muyeuko yazvino.” Mabasa iwayo haasati achibviswa chaizvoizvo, kunyange zvazvo asingazivikanwi kuvazhinji. Naizvozvo mubasa redu rapaimba neimba, pakuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha, uye pane dzimwe nhambo, ngatitaurei nokushingaira nezvamabasa makuru aMwari.

6. (a) Mudzimu wokushingaira watinoita nawo ushumiri hwedu wakaratidzirwa zvakanaka panhamboi makore akapfuura? (b) Chaizvoizvo, chii chakataurwa muna 1922 pamusoro pokuzivisa Umambo?

6 Tinofanirawo kuzivisa nokushingaira mbiri yokuva mambo kwaMwari. Shingairo nokuda kwebasa rakadaro roUmambo zvirokwazvo yakava pachena apo, muna 1922, J. F. Rutherford, purezidhendi wapanguva iyeyo weWatch Tower Society, akakurukura kuvakokorodzani paCedar Point, Ohio, ndokuti: “Chifo cha 1914 Mambo wembiri akatora simba rake . . . Umambo hwokudenga hwava pedyo; Mambo anotonga; umambo hwaSatani huri kuputsika; mamirioni ari kurarama zvino haasati achizotongofa. Munokudavira here? . . . Ipapo dzokerai kumunda, Haiwa imi vanakomana vaMwari wokumusorosoro! Shongai chidzitiro chenyu chesimbi! Ivai vano mufungo, ivai vakangwarira, ivai vanoshingaira, ivai vakashinga. Ivai zvapupu zvakatendeka nezvechokwadi zvaShe. Pfuurirai mukurwa kusvikira chisaririra chiri chose cheBhabhironi chaparara. Zivisai shoko kwose kwose. Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naShe wamadzishe. Iri izuva ramazuva ose. Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri vazivisi vake. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.”

7. Tinofanira kunzwa sei pamusoro pomubato wedu savazivisi voUmambo?

7 Mufaro wakadini ku‘funga pamusoro pezita raMwari,’ kuudza vamwe pamusoro pokuva mambo kwake, uye kuzivisa Umambo hwouMesia hwoMwanakomana wake anodiwa! (Maraki 3:16) Savazivisi voUmambo navatsigiri, tinokoshesa ropafadzo yedu yokuzivisa mashoko akanaka nokutendeudzira mwoyo yavamwe kuna Mwari, Kristu, uye Umambo. Mukati medu, munofanira kuva nechishuvo chikuru chokuudza vamwe pamusoro pokubwinya kune mbiri kwokuva mambo kwaJehovha.—Enzanisa naJeremia 20:9.

8. (a) Kuva mambo kwaJehovha kunomirirwa muchii nhasi? (b) Neiko kuchigona kutaurwa kuti Mwari ane udzori mu“zvizvarwa zvose zvinotevedzana”?

8 Tinofanira kusundwa kuzivisa Umambo hwaMwari neshingairo huru, nokuti Dhavhidhi akatevera kuti: [“Kuva mambo kwenyu kuva mambo, “NW”] kusingaperi, noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi.” (Pisarema 145:13) Sezvo fungisiso dzowezvamapisarema pakuva mambo kwaJehovha dzakapfuurira, iye akachinja mashoko anomirira zita kubva pa“hwake” kuenda pa“hwenyu,” achitaura mashoko ake okunyengetera zvakananga kuna Mwari. Chokwadika, kuva mambo kwaJehovha sokunomirirwa muUmambo hwouMesia hakusati kuchitsiva kuva mambo kusingagumi kwaMwari. Kutaura idi, apo rudzi rwomunhu runoteerera runenge rwasimudzirwa kukukwana, Kristu achapa Umambo kuna Baba vake. (1 VaKorinte 15:24-28) Naizvozvo Mwari ane udzori mu“zvizvarwa zvose zvinotevedzana.” (NW) Jehovha akanga ari Mambo apo Adhama akasikwa uye achava noudzori pavanhu vakarurama nokusingaperi.

9. MuPisarema 145, chii chinogona kutaurwa pamusoro pendima inovamba nebhii rechiHebheru rokuti nun?

9 Muiri pisarema renhetembo, rugwaro rweMasora runosiya ndima imwe inotanga nebhii rechiHebheru rokuti nun. Asi mukuwirirana neSeptuagint yechiGiriki, Peshitta yechiSiria, uye Vulgate yechiRatini, mamwe manyoro echiHebheru anorava, kuti: “Jehovha akatendeka mumashoko ake ose, uye ane mutsa nenzira yorudo [kana kuti, “akavimbika”] mumabasa ake ose.” (New World Translation of the Holy Scriptures—With References, mashoko omuzasi) Mwari anozadzika zvose zvezvipikirwa zvake uye akavimbika, ane rudo, uye ane mutsa kuna vose vanoonga runako rwake.—Joshua 23:14.

Tsigiro yaJehovha Haitongokundikani

10. Mwari ‘anotipa [sei] tsigiro’?

10 Mambo Asingagumi haatongofuratiri mugariro wavabatiri vake. Nokudaro, Dhavhidhi aigona kuti: “Jehovha unotsigira vose vanowa, unosimudza vose vakakotamiswa pasi.” (Pisarema 145:14) Chifo chamazuva aAbheri, Jehovha akatsigira vanamati Vake. Tikasiiwa tiri toga, tingawa kakawanda pasi pemitwaro yedu. Hatina simba rokutakura nhamo dzose dzoupenyu nechitambudzo chinouya kwatiri savanhu vaMwari, asi Jehovha anotitsigira. Chimiro chechiito chechiHebheru chinoshandiswa pano chinoratidzira kuti Mwari ‘anotipa tsigiro’ nenzira inopfuurira. Kungacherekedzwa kuti Johane Mubhapatidzi noMwanakomana waMwari amene vakabetsera kumutsa vatadzi vakawa mutsika. Apo ava vanhu vamwe navamwe vakapfidza ndokuva vabatiri vaJehovha, vakafarikanya chikomborero chinoshamisa chetsigiro youmwari.—Mateo 21:28-32; Marko 2:15-17.

11. Jehovha ‘anomutsa vose avo vakakotamiswa’ munzirai?

11 Kunonyaradza kuziva kuti ‘Jehovha ari kumutsa vose vakakotamiswa pasi’ nemiedzo yakasiana-siana. Iye anofadza vakaora mwoyo pakati pedu, anonyaradza vanogomera vedu, uye anotibetsera kutaura shoko rake noushingi patinotambudzwa. (Mabasa 4:29-31) Iye haangatongobvumiri mitoro yedu kutiremera kana bedzi tikagamuchira betsero yake. (Pisarema 55:22) Naizvozvo, kufanana no“mwanasikana waAbrahama” uyo akanga aka“funyana” asi akarapwa mumuviri naJesu, tinofanira “kurumbidza Mwari” paanotimutsa nenzira yorudo mumudzimu. (Ruka 13:10-17) Vakazodzwa vakakotama muubatwa hweBhabhironi vakaonga apo Mwari akavamutsa muna 1919, uye iye ave achimutsa “mamwe makwai” anoonga chibviro cha 1935.—Johane 10:16.

12. Kunodaro sei kuti “meso avose anotarira netariro” kuna Mwari?

12 Jehovha haatongokundikanisi vanhu vake, sokujekesa kwakatevera kuita Dhavhidhi kupfurikidza nokutaura, kuti: “Meso avose anotarira kwamuri; munovapa zvokudya zvavo panguva yakafanira, munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:15, 16) Kwakaita sokunge meso ezvisikwa zvose zvipenyu akatendeudzirwa mutariro kuna Changamire weChisiko Chapose pose. Ngirozi dzinotarira kuna Mwari nokuda kwoupenyu hunopfuuridzirwa. Uye sezvo mwana achitarira kuno mubereki nokuda kwezvinhu zvinodikanwa, tinotarira kuna Baba vedu vokudenga. Kutaura idi, vanhu nemhuka zvakafanana zvinogamuchira tsigiro kwaari. Hakuna mumwe munhuzve anogona kugutsa zvinodikanwa zvavo. Mwari anovapa “zvokudya zvavo panguva yakakodzera,” ndiko kuti, pazvinodikanwa.

13. Jehovha ‘anotadzanura ruoko rwake ndokugutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose’ munzirai?

13 Mwari ‘anotadzanura ruoko rwake ndokugutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose.’ (Pisarema 104:10-28) Chokwadi, dzimwe mhuka dzinofa nokuda kwokushaikwa kwezvokudya. Vanhu vazhinji vane nzara savanyajambwa voudyire, dzvinyiriro, uye kushandiswa kusina kufanira kwepfuma. Uyezve, Jesu akadeya kutaura kuti “perevedzo dzezvokudya” dzaizova rutivi rwe“chiratidzo” chokuvapo kwake muano mazuva okupedzisira. (Mateo 24:3, 7, NW) Asi hakuna nechimwe chaizvozvi chinoitika nemhaka yokuti Jehovha anonyima kana kuti haakwanisi kugovera. Funga nezvezviuru zvamamirioni zvezvisikwa izvo zvinotsigirwa! Uyezve, iri pisarema rinogovera chipikirwa chokuti mukutonga kwoUmambo, apo ‘munhu anenge asingatongi munhu kukuvadziko yake,’ Mwari achagutsa zvinodikanwa zvedu zvokunyama nezvomudzimu. (Muparidzi 8:9; Isaya 25:6) Kunyange nhasi, hatifaniri kuva nenzara yezvokudya zvomudzimu, nokuti Mwari anozvigovera zvakawanda munguva yazvo kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW; 1 Petro 2:2) Kutaura nenzira yomudzimu, Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu vanodyiswa zvakanakisisa pasi pano. Ko unoratidza kuonga kukuru nokuda kwezvizhinji zvakadaro here?

Jehovha Anochengeta Vanomuda

14. Neiko Dhavhidhi aigona kutaura kuti “Jehovha akarurama munzira dzake dzose uye akavimbika mumabasa ake ose”?

14 Upenzi hwedu hunga‘shatisa nzira yedu’ ndokuunza nhamo patiri, asi hatitongofaniri kupomera Mwari nokuda kwezvitambudzo izvi. (Zvirevo 19:3) Dhavhidhi anoratidza chikonzero nei apo anoti: “Jehovha akarurama munzira dzake dzose uye akavimbika mumabasa ake ose.” (Pisarema 145:17, NW) Mwari nguva dzose anoita nenzira yakarurama, yakanaka, uye yetsitsi. Tsitsi dzake dziri pachena zvikurukuru mugadziriro yake nokuda kworuponeso kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaJesu. (Mabasa 2:21; 4:8-12) Jehovha aka“vimbika[wo] mumabasa ake ose,” akatendeka nguva dzose, ano rudo, uye haasaruri. Sa“vatevedzeri vaMwari,” ipapoka, ngativei vakarurama, vakanaka, vane tsitsi, vasingasaruri, uye vakavimbika.—VaEfeso 5:1, 2, NW; Dheuteronomio 32:4; Pisarema 7:10; 25:8; Isaya 49:7; Mabasa 10:34, 35.

15. Taka‘dana pana Mwari muuzvokwadi’ sei, uye chii chakava muuyo mukuita kwedu saizvozvo?

15 Sezvo Mwari akarurama uye akavimbika, tinokweverwa kwaari. Uyezve, Dhavhidhi anotisimbisira, kuti: “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari, vose vanodana kwaari nezvokwadi.” (Pisarema 145:18) Mukubhapatidzwa savatendi vakazvitsaurira, takadana pazita raJehovha. (Mabasa 8:12; 18:8; VaRoma 10:10-15) Sezvo nokudaro takaswedera pedyo naMwari, iye anoswedera pedyo nesu. (Jakobho 4:8) Tino“dana paari muuzvokwadi” nemhaka yokuti tinoita saizvozvo nenzira yechokwadi, kupfurikidza naJesu Kristu. Uye Jehovha acharamba ari pedyo kana tikamunamata “nomudzimu nezvokwadi,” tikaratidza “kutenda kusinganyengeri,” uye ‘tikapfuurira takatsiga savanoona Uyo asingaoneki.’ (Johane 4:23, 24, NW; 1 Timotio 1:5; VaHebheru 11:27) Ipapo hatisati tichizonyengetera pasina maturo kana kuti kufanira kutarisana nenyika yaSatani tiri toga, asi tichapfuurira kufarikanya betsero youmwari nenhungamiro. (Pisarema 65:2; 1 Johane 5:19) Ikoko kunoreva chengeteko yakadini!

16. Jehovha ‘anoita chishuvo chaavo vanomutya’ nei uye sei?

16 Isu tine chengeteko yechokwadiwo, nemhaka yezvimwe zvinhu izvo Jehovha anotiitira. Dhavhidhi akati: “Iye uchaita chishuvo chavanomutya, uye achanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwebetsero, uye achavaponesa.” (Pisarema 145:19, NW) Jehovha ‘anoita chishuvo chedu’ nemhaka yokuti tine ruremekedzo rukuru nokuda kwaMwari norutyo rwakanaka rwokusamufadza. (Zvirevo 1:7) Mwoyo wedu unoteerera wakatisunda kuita tsauriro kuna Jehovha, uye chimiro chedu ndeichi, “Kuda kwenyu ngakuitike.” Sezvo kuri kuda kwake kuti tizivise shoko roUmambo, iye anozadzika chishuvo chedu chokuita basa iroro. (Mateo 6:10, NW; Marko 13:10) Mwari ‘anoita chishuvo chedu’ nemhaka yokuti hatinyengeteri noudyire asi tinokumbira zvinhu mutsinhirano nokuda kwake. Iye anopa zviri mutsinhirano nokuda kwake uye nokuda kwenakirwo yedu.—1 Johane 3:21, 22; 5:14, 15; enzanisa naMateo 26:36-44.

17. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti “kudanidzira [kwedu] nokuda kwebetsero” kuchanzwiwa naMwari?

17 SeZvapupu zvakavimbika zvaJehovha, tingavawo nechokwadi chokuti “kudanidzira [kwedu] nokuda kwebetsero” hakusati kuchizotongowira panzeve dzisinganzwi. Mwari akanunura Dhavhidhi munjodzi uye akaponesa Jesu, kunyange kumumutsa muvakafa. Mudenho yomuvengi, zvikurukuru mukati medenho yaGogi, tingava nechokwadi chokuti Jehovha achatinunura. (Ezekieri 38:1–39:16) Kutaura idi, mukati menguva ipi neipi yechinetso, kufanana naDhavhidhi tinogona kunyengetera nechivimbo, kuti: “Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri panjodzi; . . . Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, zvinotyisa kumativi ose; pakurangana kwavo pamusoro pangu, vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu. Asi ndakavimba nemi Jehovha; ndikati: ‘Ndimi Mwari wangu.’”—Pisarema 31:9-14.

18. Tinobetserwa sei nokuziva kuti Jehovha ‘anochengeta vose avo vanomuda’ asi ‘uchaparadza vakaipa’?

18 Jehovha Mwari akagadzirira nguva dzose kutibetsera. Sokutaura kunoita Dhavhidhi, kuti: “Jehovha unochengeta vose vanomuda, asi vakaipa uchaparadza vose.” (Pisarema 145:20) Hungu, kana tichida Mwari, iye achatikomborera ndokutichengeta. (Numeri 6:24-26) Iye ‘anotsiva vanozvitutumadza zvikuru kwazvo’ asi anotaviridza vabatiri vake vanozvininipisa, asingabvumiri chinhu kuitika icho chichavaparira kuvadziko yechigarire. Sezvo Jehovha anesu, ngatishingei. (Pisarema 31:20-24; Mabasa 11:19-21) ‘Hakuna chombo chinotiitirwa chichabudirira.’ (Isaya 54:17; Pisarema 9:17; 11:4-7) Ichocho ndicho chinoitika chaavo vanobvumikisa rudo rwavo nokuda kwaMwari savabatiri vake vakazvitsaurira vakatendeka. Seboka, Zvapupu zvaJehovha zvichapfuura zvakakotsekana mu“dambudziko guru” rinounzwa pavakaipa. (Zvakazarurwa 7:14, NW) Uye kugadzikiswa kwenhau huru yokuva mambo kwapose pose kwaJehovha kuchava chikomborero chakadini ku“vose avo vanomuda”!

Pfuurira Kurumbidza Zita Dzvene raJehovha

19. Neiko miromo yedu ichitaura “rumbidzo yaJehovha”?

19 Dhavhidhi anopedzisa iri pisarema rinosunda namashoko, anoti: “Muromo wangu uchataura rumbidzo yaJehovha; uye nyama yose ngairumbidze zita rake dzvene kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.” (Pisarema 145:21, NW) SeZvapupu zvaJehovha, tinonzwisisa ukuru hwaMwari, runako, kuva mambo kune mutsa, tsigiro isingakundikani, uye tarisiro isinganeti. Naizvozvo, kufanana naDhavhidhi, miromo yedu inotaura rumbidzo dzaMwari. Tinosundwa kumupa kuzvipira kuzere, kumuonga nokuda kwezvikomborero zvake zvakawanda, uye kurumbidza “zita rake rinobwinya.”—1 Makoronike 29:10-13; Eksodho 20:4-6.

20. Tichirangarira kusaguma, chii chinofanira zvino kuva kutsunga kwedu?

20 Sezvo Jehovha achitikomborera zuva nezuva, ngatimurumbidzei nguva dzose, kana kuti kutaura zvakanaka nezvake. Ngatiparidzirei mashoko akanaka nokushingaira murumbidzo yaMwari, tichiudza vamwe kuti nokukurumidza ‘nyama yose icharumbidza zita rake dzvene.’ Kuchava kwakaisvonaka sei kurarama apo vagari vose vapasi—zvamazvirokwazvo, zvisikwa zvose zvakangwara muchisiko chapose pose—zvichaimba rumbidzo kuna Baba vedu vokudenga! (Pisarema 148:1-13) Ngaarumbidzwe Jehovha nokuda kwokuzivisa zita rake nokutipa ropafadzo yokuva Zvapupu zvake. (Pisarema 83:18; Isaya 43:10-12) Ngatizvibatei timene nomutoo wakakodzera avo vanoyeresa zita iroro ndokunyengeterera tsveneswo yaro. (Ruka 11:2) Ngatibatirei Mwari nokuvimbika, kuti mutsika yake itsva, inzwi redu rigonzwiwa mukuimba kwaavo vanorumbidza zita dzvene raJehovha nokusingaperi.

Ndedzipi Dziri Tsinhiro Dzako?

◻ Chii chatichaita kana kuva mambo kwaJehovha kuchidiwa nesu?

◻ Kuva mambo kwaMwari kunomirirwa muchii nhasi?

◻ Jehovha ‘anomutsa vose avo vakakotamiswa’ munzirai?

◻ Mwari ‘anotadzanura ruoko rwake ndokugutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose’ munzirai?

◻ Tinogona sei kurumbidza zita dzvene raJehovha?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Muna 1922 mashoko anoti ‘zivisai Mambo noUmambo’ akanyandurira vatsigiri vokuva mambo kwaJehovha kuchiito chikuru zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe