Jehovha, Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
“Imi, haiwa Jehovha, makanaka uye makagadzirira kukanganwira.”—PISAREMA 86:5, NW.
1. Ndoupi mutoro unorema wakatakurwa naMambo Dhavhidhi, uye akawana sei nyaradzo yomwoyo wake waitambudzika?
MAMBO DHAVHIDHI waIsraeri yakare aiziva kuti mutoro wehana ine mhaka waigona kurema sei. Akanyora kuti: “Zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; zvinondiremera somutoro unorema. Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; ndakagomera nokuda kwokutambudzika kwomwoyo wangu.” (Pisarema 38:4, 8) Dhavhidhi, zvisinei, akawana nyaradzo yomwoyo wake waitambudzika. Aiziva kuti nepo Jehovha achivenga chivi, haavengi mutadzi wacho—kana iye akapfidza zvechokwadi ndokuramba mararamiro ake okutadza. (Pisarema 32:5; 103:3) Nokutenda kwakazara mukudisa kwaJehovha kutambanudzira tsitsi kuvanhu vanopfidza, Dhavhidhi akati: “Imi, haiwa Jehovha, makanaka uye makagadzirira kukanganwira.”—Pisarema 86:5, NW.
2, 3. (a) Patinotadza, mutoroi watingatakura somugumisiro, uye nei iwoyu uchibetsera? (b) Ndeipi ngozi iripo pa“kuodzwa mwoyo” nokunzwa tine mhaka? (c) Bhaibheri rinotivimbisei pamusoro pokudisa kwaJehovha kukanganwira?
2 Patinotadza, isuwo tingatakura mutoro unorema wehana inorwadza somugumisiro. Uku kunzwa uchizvidemba ndekwomuzvarirwo, kunotobetsera. Kunogona kutisunda kuita matanho akananga okururamisa mhosho dzedu. Vamwe vaKristu, kunyange zvakadaro, vakaremerwa nemhaka. Mwoyo yavo inozvidemba ingaomerera kuti Mwari haasati achizovakanganwira zvizere, pasinei zvapo nokuti vapfidza zvakadini. “Murangariro wakaipisisa zvikuru paunofunga kuti Jehovha angasakuda zvakare,” yakadaro imwe hanzvadzi, ichitaura nezvemhosho yayakanga yaita. Kunyange pashure pokunge yapfidza ndokugamuchira zano rinobetsera raibva kuvakuru veungano, yakaramba ichinzwa isina kukodzera kukanganwirwa naMwari. Inotsanangura kuti: “Hapana zuva rinopfuura ndisina kukumbira Jehovha kuti andikanganwire.” Kana tika“odzwa mwoyo” nokunzwa tine mhaka, Satani angaedza kutiita kuti tiore mwoyo, kuti tinzwe kuti hatina kufanira kubatira Jehovha.—2 VaKorinte 2:5-7, 11.
3 Asi zvirokwazvo Jehovha haarangariri zvinhu nenzira iyoyo! Shoko rake rinotivimbisa kuti patinoratidza kupfidza kwechokwadi kwomwoyo wose, Jehovha anodisa, hungu akatogadzirira, kukanganwira. (Zvirevo 28:13) Naizvozvo kana kukanganwira kwaMwari kwakamboratidzika sokusingabviri kwauri, zvichida chinodikanwa kunzwisisa zviri nani kuti nei achikanganwira uye kuti anokanganwira sei.
Nei Jehovha “Akagadzirira Kukanganwira”?
4. Jehovha anoyeukei pamusoro penzira yakataitwa nayo, uye izvozvi zvinotapura sei nzira yaanotibata nayo?
4 Tinorava kuti: “Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo wakabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya.” Nei Jehovha achidisa kuratidza tsitsi? Ndima inotevera inopindura kuti: “Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:12-14) Hungu, Jehovha haakanganwi kuti tiri zvisikwa zveguruva, zvine zvikanganiso, kana kuti utera, somugumisiro wokusakwana. Kutaura kwokuti anoziva “chatakaitwa nacho” kunotiyeuchidza kuti Bhaibheri rinofananidza Jehovha nemuumbi uye isu nehari dzaanoumba.a (Jeremia 18:2-6) Muumbi anobata midziyo yake yevhu zvakasimba asi nenzira yokungwarira, achirangarira chayakaitwa nacho. Naizvozvowo, Jehovha, Muumbi Mukuru, anochinjika mukubata kwake nesu maererano nezvikanganiso zvedu zvemaumbirwe edu okutadza.—Enzanisa na2 VaKorinte 4:7.
5. Bhuku raVaRoma rinorondedzera sei kubata kwakasimba kwechivi nyama yedu isina kukwana?
5 Jehovha anonzwisisa kuti chivi chine simba zvikuru sei. Magwaro anorondedzera chivi sesimba guru rakabata munhu zvakasimba zvikuru. Kubata kwechivi kwakambosimba sei? Mubhuku raVaRoma, muapostora akafuridzirwa Pauro anotsanangura izvi namashoko akajeka kuti: Taka“sungwa nezvivi,” savarwi vanotungamirirwa nomutungamiriri wavo (VaRoma 3:9); zvaka“bata ushe” rudzi rwomunhu samambo (VaRoma 5:21); “zvinogara” matiri (VaRoma 7:17, 20); “murayiro” wazvo unoramba uchishanda nesu, uchiedza zvikuru kudzora nzira yedu. (VaRoma 7:23, 25) Ihondo yakaoma zvakadini yatinayo yokurwa kuti tidzivise simba rechivi panyama yedu inotadza!—VaRoma 7:21, 24.
6. Jehovha anorangarira sei avo vanotsvaka tsitsi nomwoyo unopfidza?
6 Nokudaro, Mwari wedu ane tsitsi anoziva kuti kuteerera kwakakwana hakubviri kwatiri, pasinei zvapo nokuti mwoyo yedu ingave ichida zvikuru kumuteerera zvakakwana. (1 Madzimambo 8:46) Anotivimbisa nenzira yorudo kuti patinotsvaka tsitsi dzake dzoubaba nomwoyo unopfidza, achatikanganwira. Wezvamapisarema Dhavhidhi akati: “Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.” (Pisarema 51:17) Jehovha haazomboregi, kana kuti kusiya, mwoyo wakaputsika nokupwanyika nemhaka yomutoro wekuva nemhaka. Izvozvo zvinotsanangura zvakaisvonaka sei kugadzirira kwaJehovha kukanganwira!
7. Nei tisingagoni kurerutsa tsitsi dzaMwari?
7 Izvi zvinoreva here kuti, kunyange zvakadaro, tinogona kungorerutsa tsitsi dzaMwari, tichishandisa chimiro chedu chokuda kuita chivi sechikonzero chokutadza? Nyangwe! Jehovha haatungamirirwi nemurangarirowo zvawo. Ngoni dzake dzinoganhurirwa. Haazombokanganwiri vaya vanoita zvivi zvakakomba nenzira yokuoma mwoyo, namaune vasingapfidzi. (VaHebheru 10:26-31) Pane rumwe rutivi, paanoona mwoyo waka“putsika nokupwanyika,” ano“gadzirira kukanganwira.” (Zvirevo 17:3) Ngatirangarirei kumwe kutaura kwakajeka kunoshandiswa muBhaibheri kurondedzera kukwana kwokukanganwira kwaMwari.
Jehovha Anokanganwira Zvakakwana Sei?
8. Jehovha anoitei, chaizvoizvo, paanokanganwira zvivi zvedu, uye izvozvi zvinofanira kutitapura sei?
8 Mambo Dhavhidhi anopfidza akati: “Ndakakuzivisai chivi changu, handina kuvanza chakaipa changu; ndakati: Ndichazvireurura kudarika kwangu kuna Jehovha; imi mukandikanganwira kuipa kwechivi changu.” (Pisarema 32:5) Kutaura kwokuti “mukandikanganwira” kunoshandura shoko rechiHebheru rinoreva chaizvoizvo kuti “simudza,” “takura, pakatira.” Kushandiswa kwaro pano kunoreva ‘kubvisa mhaka, chivi, kudarika.’ Naizvozvo Jehovha akasimudza zvivi zvaDhavhidhi ndokuenda nazvo, sokunge zvakadaro. (Enzanisa naRevhitiko 16:20-22.) Izvi pasina kupokana zvakanyaradza mirangariro yokuva nemhaka iyo Dhavhidhi akanga anayo. (Enzanisa naPisarema 32:3.) Isuwo tinogona kuva nechivimbo chakazara muna Mwari uyo anokanganwira zvivi zvaavo vanotsvaka kukanganwira kwake pahwaro hwokutenda kwavo muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (Mateo 20:28; enzanisa naIsaya 53:12.) Vaya vanotakurirwa zvivi zvavo naJehovha achienda nazvo nokudaro havafaniri kupfuurira kutakura mutoro wemirangariro yokuva nemhaka yezvivi zvakapfuura.
9. Chii chinorehwa namashoko aJesu okuti: “Mutikanganwirei zvikwereti zvedu”?
9 Jesu akashandisa ukama hwavakweretesi navakwereti kuti aratidze nzira iyo Mwari anokanganwira nayo. Somuenzaniso, Jesu akatikurudzira kunyengetera kuti: “Mutikanganwirei zvikwereti zvedu.” (Mateo 6:12, NW) Jesu nokudaro akafananidza “zvivi” ne“zvikwereti.” (Ruka 11:4) Patinotadza, tinova “vakwereti” kuna Jehovha. Shoko rechiito rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kanganwira” rinogona kureva “kusiya, kurega, chikwereti, kupfurikidza nokusachibvunza.” Mupfungwa yakati, Jehovha paanokanganwira, anorega chikwereti chingadai chakachajwa paakaundi yedu. Vatadzi vanopfidza nokudaro vanogona kuwana nyaradzo. Jehovha haazomborayiri kubhadharwa kwechikwereti chaakadzima!—Pisarema 32:1, 2; enzanisa naMateo 18:23-35.
10, 11. (a) Chii chinorehwa nokutaura kwokuti ‘zvidzimwe,’ kunowanwa pana Mabasa 3:19? (b) Kukwana kwokukanganwira kwaJehovha kunoratidzirwa sei?
10 Pana Mabasa 3:19, Bhaibheri rinoshandisa rimwe dimikira kuti rirondedzere kukanganwira kwaMwari: “Naizvozvo tendeukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe.” Kutaura kwokuti ‘zvidzimwe’ kunoshandura shoko rechiito rechiGiriki iro, parinoshandiswa sedimikira, rinogona kureva kuti “pukuta, bvisa, dzima, kana kuti paradza.” Maererano nedzimwe nyanzvi, mufungo unoratidzirwa ndeuya wokudzima zvakanyorwa. Izvi zvaibvira sei? Ingi yaiwanzoshandiswa munguva dzakare yaigadzirwa nomusanganiswa waibatanidza carbon, gum, nemvura. Nokukurumidza pashure pokunyora neingi yakadaro, munhu aigona kutora chijira chinyoro ndokupukuta zvaakanga anyora.
11 Hepano pane mufananidzo wakaisvonaka wokukwana kwokukanganwira kwaJehovha. Paanokanganwira zvivi zvedu, zvinoita sokunge anotora chijira ndokuzvipukuta. Hatifaniri kutya kuti achachengeta zvivi zvakadaro munguva yemberi, nokuti Bhaibheri rinozivisawo chimwe chinhu pamusoro petsitsi dzaJehovha chinoshamisa zvikuru: Paanokanganwira, anokanganwa!
“Zvivi Zvavo Handingazozvirangariri”
12. Bhaibheri parinoti Jehovha anokanganwira zvivi zvedu, rinoreva here kuti haakwanisi kuzviyeuka, uye nei uchipindura kudaro?
12 Kupfurikidza nomuporofita Jeremia, Jehovha akavimbisa nezvavaya vari musungano itsva kuti: “Ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.” (Jeremia 31:34) Izvozvi zvinoreva here kuti apo Jehovha anokanganwira haakwanisizve kuyeuka zvivi? Izvozvo hazvimbogoni kuva zvakadaro. Bhaibheri rinotiudza nezvezvivi zvavanhu vakawanda vakakanganwirwa naJehovha, kubatanidza Dhavhidhi. (2 Samueri 11:1-17; 12:1-13) Jehovha sezviri pachena achiri kuziva mhosho dzavakaita, uye tinofanirawo kudaro. Chinyorwa chezvivi zvavo, pamwe chete nechokupfidza kwavo nokukanganwirwa naMwari, chakachengetwa kuti tibetserwe. (VaRoma 15:4) Bhaibheri rinorevei, ipapoka, parinotaura kuti Jehovha haa“rangariri” zvivi zvevaanokanganwira?
13. (a) Chii chinobatanidzwa murevo yeshoko rechiito rechiHebheru rinoshandurwa kuti “Ndichayeuka”? (b) Jehovha paanoti, “Zvivi zvavo handingazozvirangariri,” ari kutivimbisei?
13 Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “ndichayeuka” rinoreva zvinopfuura kungoyeuka zvinhu zvakapfuura. Maererano neTheological Wordbook of the Old Testament, rinobatanidza “revo yokuwedzera yokuita chiito chakafanira.” Naizvozvo mumufungo uno, ku“rangarira” chivi kunobatanidza kuita chiito kuvatadzi vacho. Muporofita Hosea paakati nezvevaIsraeri vasingadzoreki, “[Jehovha] ucharangarira zvakaipa zvavo,” muporofita wacho aireva kuti Jehovha aizoita chiito nokuda kwokusapfidza kwavo. Nokudaro, rutivi rwasara rwendima yacho rwunowedzera kuti: “Uchavarova pamusoro pezvivi zvavo.” (Hosea 9:9) Pane rumwe rutivi, Jehovha paanoti, “Zvivi zvavo handingazozvirangariri,” ari kutivimbisa kuti kana angokanganwira mutadzi anopfidza, hapana zvaanozoita pamusoro pezvivi izvozvo pane imwe nguva yomunguva yemberi. (Ezekieri 18:21, 22) Nokudaro anokanganwa mupfungwa yokuti haazotiyeuchidzizve zvivi zvedu kuitira kuti atipe mhaka kana kuti arambe achitiranga. Jehovha nenzira iyoyo anotigadzira muenzaniso wakaisvonaka wokuti titevedzere mukubata kwedu navamwe. Panomuka kusawirirana, zvakanaka kusaramba tichiyeuka mhaka dzakapfuura dzawakambobvuma kukanganwa.
Zvakadiniko Nemigumisiro Yedu?
14. Nei kukanganwira kusingarevi kuti mutadzi anopfidza anodzivirirwa pamigumisiro yose yenzira yake yakaipa?
14 Kugadzirira kukanganwira kwaJehovha kunoreva here kuti mutadzi anopfidza anodzivirirwa pamigumisiro yose yenzira yake yakaipa? Nyangwe napaduku hapo. Hatigoni kutadza tisingarangwi. Pauro akanyora kuti: “Zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve.” (VaGaratia 6:7) Tingatarisana nemigumisiro yakati yezviito zvedu kana kuti zvinetso, asi pashure pokutiratidzira kukanganwira, Jehovha haapariri kuti nhamo itiwire. Panomuka chinetso, muKristu haafaniri kufunga kuti, ‘Zvichida Jehovha ari kundirangira zvivi zvangu zvomunguva yakapfuura.’ (Enzanisa naJakobho 1:13.) Pane rumwe rutivi, Jehovha haatidziviriri patapuro dzose dzezviito zvedu zvakaipa. Kurambana, pamuviri pasingadiwi, hosha dzinopomeranwa muvatano, kusavimbana nokusaremekedzana—zvose izvozvi zvingava migumisiro inosuruvarisa yechivi, uye Jehovha haatidziviriri pairi. Yeuka kuti kunyange zvazvo akakanganwira Dhavhidhi zvivi zvake zvaiva nechokuita naBhati-shebha naUriya, Jehovha haana kudzivirira Dhavhidhi pamigumisiro ine ngwavaira yakatevera.—2 Samueri 12:9-14.
15, 16. Mutemo wakanyorwa pana Revhitiko 6:1-7 wakabetsera sei vose vari vaviri akanganisirwa nomutadzi?
15 Zvivi zvedu zvingavawo nemimwe migumisiro. Rangarira, somuenzaniso, nhoroondo iri muna Revhitiko ganhuro 6. Mutemo waMosesi pano unotaura mamiriro ezvinhu apo munhu anoita chivi chakakomba kupfurikidza nokutora zvinhu zvomuIsraeri biyake kupfurikidza nokupamba, ugororo, kana kuti unyengeri. Mutadzi wacho ipapo anoramba kuti ane mhosva, zvokuti anotosvika pakupika nhema. Ishoko rinotaurwa nomumwe munhu achipesana nomumwe wacho. Gare gare, zvisinei, mutadzi anozvidemba muhana yake ndokureurura chivi chake. Kuti akanganwirwe naMwari, anofanira kuita zvimwe zvinhu zvitatu: kudzorera zvaanga atora, kubhadhara faindi ye20 muzana, uye kupa gondohwe sechipiriso chemhosva. Ipapo, mutemo unoti: “Muprista amuyananisire pamberi paJehovha, akanganwirwe pamusoro pemhosva ipi neipi yaakaita.”—Revhitiko 6:1-7; enzanisa naMateo 5:23, 24.
16 Mutemo uyu wakanga uri gadziriro yetsitsi yaibva kuna Mwari. Wakabetsera nyajambwa wacho, ane zvinhu zvakadzorerwa uye pasina kupokana aizorodzwa zvikuru apo mutadzi aibvuma chivi chake pakupedzisira. Panguva imwe chete, mutemo waibetsera munhu ane hana iyo pakupedzisira yaimusunda kubvuma mhaka yake ndokugadzirisa chakaipa chake. Zvirokwazvo, kudai airamba kuita kudaro, aisazokanganwirwa naMwari.
17. Vamwe pavanenge varwadziwa nezvivi zvedu, Jehovha anotikarira kuitei?
17 Kunyange zvazvo tisiri pasi poMutemo waMosesi, unotipa nzwisiso inokosha pamusoro pendangariro yaJehovha, kubatanidza mafungiro ake pamusoro pokukanganwira. (VaKorose 2:13, 14) Vamwe pavanenge varwadziwa kana kuti kunyengedzwa nezvivi zvedu, Jehovha anofadzwa patinoita zvatinogona kuti ti‘ruramise chakaipa chacho.’ (2 VaKorinte 7:11) Izvi zvinobatanidza kubvuma chivi chedu, kubvuma mhaka yedu, uye kunyange kukumbira ruregerero kune akanganisirwa wacho. Ipapo tinogona kukumbira Jehovha pahwaro hwechibayiro chaJesu ndokuwana nyaradzo yehana yakachena uye vimbiso yokuti takakanganwirwa naMwari.—VaHebheru 10:21, 22.
18. Chirangoi chingabatanidza kukanganwira kwaJehovha?
18 Kufanana nomubereki upi noupi ane rudo, Jehovha angagovera kukanganwira pamwe chete nechirango chakati. (Zvirevo 3:11, 12) MuKristu anopfidza angafanira kurega ropafadzo yake yokushanda somukuru, mubatiri anoshumira, kana kuti piyona. Zvingamurwadza kurasikirwa nemaropafadzo anga achikosha kwaari kwenguva yakati. Chirango chakadaro, zvisinei, hachirevi kuti arasikirwa nenyasha dzaJehovha kana kuti Jehovha abvisa kukanganwira kwake. Mukuwedzera, tinofanira kuyeuka kuti chirango chinobva kuna Jehovha chibvumikiso chokutida kwake. Kuchigamuchira nokuchishandisa kunotibetsera uye kunogona kutitungamirira kuupenyu husingaperi.—VaHebheru 12:5-11.
19, 20. (a) Kana wakaita zvakaipa, nei usingafaniri kurangarira kuti tsitsi dzaJehovha hadzishandi kwauri? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
19 Zvinozorodza zvikuru kuziva kuti tinobatira Mwari aka“gadzirira kukanganwira”! Jehovha anoona zvinopfuura zvivi zvedu nemhosho. (Pisarema 130:3, 4) Anoziva zviri mumwoyo yedu. Kana uchinzwa kuti mwoyo wako wakaputsika nokupwanyika nemhaka yezvakaipa zvomunguva yakapfuura, usagumisa kuti tsitsi dzaJehovha hadzishandi kwauri. Pasinei zvapo nemhosho dzaungave wakaita, kana ukapfidza zvechokwadi, ukaita matanho okugadzirisa chakaipa chacho, uye ukanyengeterera nokutendeseka kukanganwira kwaJehovha pahwaro hweropa raJesu rakateurwa, unogona kuva nechivimbo chakazara chokuti mashoko a1 Johane 1:9 anoshanda kwauri: “Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kwose.”
20 Bhaibheri rinotikurudzira kutevedzera kukanganwira kwaJehovha mukubata kwedu navamwe. Zvisinei, tinokarirwa kukanganwira ndokukanganwa kusvika kutambanukoi apo vamwe vanotitadzira? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Nenzira inofadza, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “chatakaitwa nacho” rinoshandiswa pamusoro pemidziyo yevhu inoumbwa nomuumbi.—Isaya 29:16.
Ungapindura Sei?
◻ Nei Jehovha “akagadzirira kukanganwira”?
◻ Bhaibheri rinorondedzera sei kukwana kwokukanganwira kwaJehovha?
◻ Jehovha paanokanganwira, anokanganwa mupfungwai?
◻ Jehovha anotikarira kuitei vamwe pavanorwadziwa nezvivi zvedu?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Vamwe pavanorwadziwa nezvivi zvedu, Jehovha anotikarira kugadzirisa zvinhu