-
Dzidza Kubva Kuna NikodhimoNharireyomurindi—2002 | February 1
-
-
Inenge mwedzi mitanhatu chete Jesu atanga ushumiri hwake hwepasi, Nikodhimo anoona kuti Jesu ‘mudzidzisi akabva kuna Mwari.’ Aororwa nezvishamiso zvakaitwa naJesu nguva ichangopfuura muJerusarema paPaseka ya30 C.E., Nikodhimo anouya, usiku, kuzobvuma kuti anotenda muna Jesu uye kuzodzidza zvimwe pamusoro pomudzidzisi uyu. Ipapo Jesu anoudza Nikodhimo chimwe chokwadi chakadzama nezvokukosha ‘kwokuberekwazve’ kuti apinde muUmambo hwaMwari. Pachiitiko chino, Jesu anotaurawo mashoko okuti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:1-16.
Mukana wakadini uri pamberi paNikodhimo! Anogona kuva musonganiri waJesu wepedyo, achikwanisa kuzvionera oga mararamiro aJesu pasi pano. Somutongi wevaJudha uye mudzidzisi muna Israeri, Nikodhimo ane zivo yeShoko raMwari yakanaka. Anewo nzwisiso yakajeka, sezvinoonekwa pakuziva kwake kuti Jesu mudzidzisi akatumwa naMwari. Nikodhimo anofarira zvinhu zvine chokuita nokunamata, uye anozvininipisa zvinoshamisa. Zvinofanira kuva zvichiomera nhengo yedare repamusoro-soro rechiJudha kubvuma mwanakomana womuveziwo zvake kuti murume akatumwa naMwari! Zvose izvozvo zvinokosha kuti munhu ave mudzidzi waJesu.
-
-
Dzidza Kubva Kuna NikodhimoNharireyomurindi—2002 | February 1
-
-
Chokutanga-tanga, Johani akati mutongi wechiJudha uyu “akauya [kuna Jesu] usiku.” (Johani 3:2) Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Nikodhimo akauya usiku, kwete nokutya, asi kuti asasangana nevanhu vakawanda vaizodai vakakanganisa hurukuro yake naJesu.” Asi, Johani akati nezvaNikodhimo “murume akauya [kuna Jesu] usiku pakutanga” mumashoko akapoteredza mamwe chetewo aakataura nezvaJosefa weArimatiya so“mudzidzi waJesu asi wepachivande nemhaka yokutya kwake vaJudha.” (Johani 19:38, 39) Saka zvingadaro kuti Nikodhimo akauya kuna Jesu murima ‘nokutya vaJudha,’ sezvaingoitawo vamwe muzuva rake kutya kuva nechokuita naJesu.—Johani 7:13.
-