RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kuponeswa Kwatinoitwa Norudzikinuro
    Nharireyomurindi—2010 | August 15
    • Kununurwa Pahasha dzaMwari

      4, 5. Chii chinoratidza kuti hasha dzaMwari dzinoramba dziri panyika iripo iye zvino?

      4 Bhaibheri uye nhoroondo yokugara kwevanhu zvinoratidza kuti kubvira pakatadza Adhamu, “hasha dzaMwari dzinoramba dziri” pavanhu. (Joh. 3:36) Izvi zvinooneka pakuti hapana munhu akakwanisa kunzvenga rufu. Uchangamire hwaSatani hunopikisana nehwaJehovha hwatadza zvachose kudzivirira vanhu pamatambudziko ari kuitika, uye hapana hurumende yakakwanisa kupa vanhu vayo vose zvinhu zvavanoda kuti vararame. (1 Joh. 5:19) Naizvozvo vanhu vari kuoneswa chitsvuku nehondo, mhosva dziri kuparwa, uye urombo.

  • Kuponeswa Kwatinoitwa Norudzikinuro
    Nharireyomurindi—2010 | August 15
    • 7 Muapostora Pauro akati Jesu “anotinunura pahasha dziri kuuya.” (1 VaT. 1:10) Kuratidzwa kwekupedzisira kwehasha dzaJehovha ikoko kuchaita kuti vatadzi vasingapfidzi vaparadzwe zvokusazovapozve. (2 VaT. 1:6-9) Saka ndiani achapukunyuka? Bhaibheri rinoti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.” (Joh. 3:36) Pachaguma nyika ino, vaya vose vari kurarama uye vari kutenda muna Jesu norudzikinuro vachapukunyuka matambudziko achakonzerwa nezuva rokupedzisira rehasha dzaMwari.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe