RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 11/1 pp. 8-9
  • Kudzidza Chokwadi Nezvehero Kungakubatsira Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidza Chokwadi Nezvehero Kungakubatsira Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutya Hero kana kuti Kutya Mwari—Ndezvipi Zvaungada?
  • Ndiani Anoenda Kuhero?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Hero Iriko Zvechokwadi Here? Shoko Rekuti Hero Rinorevei muBhaibheri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chii Chakaitika Kumoto Wehero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Hero Chii Chaizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 11/1 pp. 8-9

Kudzidza Chokwadi Nezvehero Kungakubatsira Sei?

VAYA vanodzidzisa kuti hero inzvimbo inotambudzirwa vanhu vanotuka Jehovha Mwari uye vanoshoresa unhu hwake. Chokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti Mwari achaparadza vakaipa. (2 VaTesaronika 1:6-9) Asi Mwari haatungamirirwi nehasha dzake dzakarurama.

Mwari haana utsinye. Anotobvunza kuti: “Ko munoti ndinofarira rufu rwomunhu akaipa here?” (Ezekieri 18:23, Bhaibheri Rinoera) Kana Mwari asingafariri rufu rwevakaipa, angazofarira sei kuvaona vachitambudzwa nokusingaperi?

Mwari anonyanya kushandisa rudo pane zvose zvaanoita. (1 Johani 4:8) Chokwadi, “Jehovha ane mwoyo wakanaka kuna vose; ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.” (Pisarema 145:9, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Mwari anoda kuti timudewo nomwoyo wose.—Mateu 22:35-38.

Kutya Hero kana kuti Kutya Mwari—Ndezvipi Zvaungada?

Dzidziso yokuti mweya inotambudzwa muhero inoita kuti vanhu vatye kukuvadzwa naMwari. Asi munhu anodzidza chokwadi pamusoro paMwari otanga kumuda, achamutya zvokumuremekedza. Pisarema 111:10 inotsanangura kuti: “Kutya TENZI ndiko kuvamba kwouchenjeri. Vose vanoita izvozvi vanonzwisisa zvakanaka.” (Bhaibheri Rinoera) Uku hakusi kutya Mwari tichifunga kuti angatikuvadza asi kutya kwokumuremekedza kuti ndiye Musiki. Kunoita kuti titye kusamufadza.

Chimboona kuti kudzidza chokwadi nezvehero kwakabatsira sei Kathleen, mukadzi ane makore 32 aimboshandisa zvinodhaka. Chaaingoita muupenyu hwake kuenda kumapati, kurwa, kuzvivenga uye kuita unzenza. Anobvuma kuti: “Ndaitarisa mwanasikana wangu aiva negore rimwe chete ndobva ndafunga kuti ‘Ndiri kumboitei kwaari. Ndichatsva muhero.’” Kathleen akaedza kurega kushandisa zvinodhaka, asi zvakashaya basa. Anoti: “Ndaida kuita zvakanaka asi zvose zvaiitika muupenyu hwangu zvaisiririsa. Zvaiita sokuti paive pasina chikonzero chokuita zvakanaka.”

Kathleen akazosangana neZvapupu zvaJehovha. Akati: “Ndakadzidza kuti hakuna chinonzi hero yomoto. Ndakagutsikana nouchapupu hunobva muMagwaro. Ndakanyevenutswa pandakaziva kuti ndakanga ndisiri kuzotsva muhero.” Akadzidzawo nezvezvakavimbiswa naMwari kuti vanhu vanogona kurarama nokusingaperi panyika inenge isisina zvakaipa. (Pisarema 37:10, 11, 29; Ruka 23:43) Anotaura achifara kuti: “Iye zvino ndava netariro yechokwadi—yokurarama nokusingaperi muParadhiso!”

Kathleen aizokwanisa kurega kushandisa zvinodhaka asingatyi kuzotsva muhero yemoto here? Anotsanangura kuti: “Pandakapindwa muropa nezvinodhaka, ndainyengetera kuna Jehovha Mwari ndichimukumbira kuti andibatsire. Ndaifunga nezvemafungiro ake nezvetsika dzisina kuchena, uye ndakanga ndisingadi kusamufadza. Akapindura minyengetero yangu.” (2 VaKorinde 7:1) Kutya Mwari kwakadai kwakabatsira Kathleen kuti arege tsika dzakanga dzamupinda muropa.

Chokwadi, kana tikada Mwari uye tikamutya zvokumuremekedza—kwete kutya kutambudzwa muhero—tinogona kuita zvaanoda kuitira kuti tirambe tichifara nokusingaperi. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.”—Pisarema 128:1, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]

NDIANI ACHABUDISWA MUHERO?

Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinovhiringidza vanhu nokushandura mashoko maviri echiGiriki aya, Geʹen·na uye Haiʹdes seshoko rimwe chete rokuti, “hero.” MuBhaibheri, shoko rokuti Geʹen·na rinoreva kuparadzwa zvachose pasina tariro yokumutswa murufu. Asi vaya vari muHaiʹdes, kana kuti Hadhesi, vane tariro yokumutswa murufu.

Saka, pashure pokunge Jesu afa uye amutswa, muapostora Petro akavimbisa vakanga vakamuteerera kuti Jesu “haana kusiyiwa muhero.” (Mabasa 2:27, 31, 32; Pisarema 16:10; King James Version) Shoko rakashandurwa kuti “hero” mundima iyi ishoko rechiGiriki rokuti Haiʹdes. Jesu haana kuendeswa kune imwe nzvimbo ine moto. Hadhesi kana kuti “hero” raive guva. Asi Jesu haasi iye oga anobudiswa muHadhesi naMwari.

Nezvokumutswa kwevakafa, Bhaibheri rinoti: “Rufu nehero zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.” (Zvakazarurwa 20:13, 14, KJ) Kuburitswa mu“hero” kunoreva kuti vaya vanonzi naMwari vakakodzera kumutswa vanova vapenyu zvakare. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Inga tine remangwana rakanaka chaizvo, kuzoona vakafa vatinoda vachimutswa kubva muguva! Jehovha, Mwari ane rudo rusingaperi, achazviita.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe