RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 3 pp. 20-27
  • “Vakazadzwa Nemweya Mutsvene”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vakazadzwa Nemweya Mutsvene”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Vese Vakanga Vari Panzvimbo Imwe Chete” (Mabasa 2:1-4)
  • “Mumwe Nemumwe Akavanzwa Vachitaura Nemutauro Wake” (Mabasa 2:5-13)
  • “Petro Akasimuka” (Mabasa 2:14-37)
  • “Mumwe Nemumwe Wenyu Ngaabhabhatidzwe” (Mabasa 2:38-47)
  • Petro Anoparidza paPentekosta
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • ChiKristu Chinopararira pavaJudha Vomuzana Remakore Rokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Zvapupu zvechiKristu zvaJehovha Muzana Rokutanga Ramakore
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 3 pp. 20-27

CHITSAUKO 3

“Vakazadzwa Nemweya Mutsvene”

Zvakaitika pakadururwa mweya mutsvene paPendekosti

Mabasa 2:1-47

1. Rondedzera zviri kuitika paMutambo wePendekosti.

MUMIGWAGWA yemuJerusarema hamusi kudanwa anonzwa.a Utsi huri kukwira huchibva paatari yetemberi vaRevhi vachiimba nziyo dzeHareruya (Mapisarema 113 kusvika ku118), zvichida vamwe vachishaura vamwe vachidairira. Migwagwa yakazara nevanhu vashanya. Vabva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzakadai seEramu, Mesopotamiya, Kapadhokiya, Pontasi, Ijipiti neRoma.b Vambounganireiko? Izuva rePendekosti, rinonziwo “zuva remichero inotanga kuibva.” (Num. 28:26) Uyu mutambo unoitwa gore negore panoguma kukohwewa kwebhari, gorosi richitanga kukohwewa. Vanhu vanenge vachifara zvekufara zviya.

Mepu iri kuratidza kwaibva vanhu vakanzwa mashoko akanaka paPendekosti 33 C.E. 1. Nzvimbo dziri pamepu: Ribhiya, Ijipiti, Itiyopiya, Bhitiniya, Pontasi, Kapadhokiya, Judhiya, Mesopotamiya, Bhabhironi, Eramu, Medhiya, nePatiya. 2. Maguta: Roma, Arekizandriya, Memfisi, Andiyoki (yeSyria), Jerusarema, neBhabhironi. 3. Nzvimbo dzine mvura: Gungwa reMediterranean, Gungwa Dema, Gungwa Dzvuku, Gungwa reCaspian, nePersian Gulf.

JERUSAREMA RAIVA MUZINDA WECHITENDERO CHECHIJUDHA

Zvinhu zvakawanda zvinotsanangurwa muzvitsauko zvekutanga zvebhuku raMabasa zvakaitika muJerusarema. Guta iri riri pakati pemakomo eJudhiya, anenge makiromita 55 kumabvazuva kweGungwa reMedhitereniyeni. Muna 1070 B.C.E., Mambo Dhavhidhi akakurira vanhu vakanga vakaisa nhare yavo pamusoro peGomo reZiyoni, uye guta rakazovakwa kutangira ipapo ndiro rakazova guta guru reIsraeri.

Pedyo neGomo reZiyoni pane Gomo reMoriya, panova ndipo panonzi nevaJudha Abrahamu akaedza kubayira Isaka, makore 1 900 zvinhu zvinorondedzerwa muna Mabasa zvisati zvaitika. Guta iri rakanga rava kusvika kuGomo reMoriya pakavakwa temberi yaJehovha yekutanga pagomo racho naSoromoni. Temberi iyi yakazova muzinda wevaJudha pazvinhu zvakawanda zvavaiita, kusanganisira kunamata.

Mutemberi yaJehovha ndimo maigara muchiungana vaJudha vese vaiuya kuzonamata vachibva munyika yese, vachizopa zvibayiro, uye vachichengeta mitambo yegore negore. Vaiita izvi vachiteerera murayiro waMwari wekuti: “Vanhurume vako vese vanofanira kuenda pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachasarudza.” (Dhe 16:16) MuJerusarema ndimo maiva neSanihedrini, rinova ndiro raiva dare repamusorosoro rechiJudha uye raiona nezveutongi hwenyika yacho yese.

2. Chii chinoshamisa chakaitika paPendekosti ya33 C.E.?

2 Musi uyu kuma9 dzemangwanani kunze kuchinyatsotonhorera muna 33 C.E., panoitika chimwe chinhu chichashamisa vanhu kwemazana emakore achatevera. Kunongoerekana “kwava nekutinhira kwakaita sekwemhepo inovhuvhuta nesimba kuchibva kudenga.” (Mab. 2:2) Ruzha runoitika ipapo runozadza imba yakaungana vadzidzi vaJesu vanenge 120. Zvinobva zvaitika ipapo zvinoshamisa zvikuru. Marimi emoto akafanana nerurimi anooneka, uye rimwe nerimwe rinogara pamusoro pemudzidzi mumwe nemumwe.c Pazvinoitika vadzidzi ‘vanozadzwa nemweya mutsvene,’ uye vanotanga kutaura nemitauro yedzimwe nyika! Vadzidzi pavanobuda mumba macho vashanyi vavanosangana navo mumigwagwa yeJerusarema vanoshamiswa, nekuti vadzidzi vacho vava kukwanisa kutaura navo! Mumwe nemumwe anovanzwa “vachitaura nemutauro wake.”—Mab. 2:1-6.

3. (a) Nei Pendekosti ya33 C.E. inganzi chiitiko chinokosha munhoroondo yekunamata kwechokwadi? (b) Kutaura kwakaita Petro nevanhu vakanga vakaungana kunobatana papi ‘nemakiyi eUmambo’ aakapiwa?

3 Nhoroondo iyi inonakidza inoratidza kutanga kwerudzi rwunonzi Israeri waMwari, kureva ungano yevaKristu vakazodzwa, chinova chiitiko chinokosha pakunamata kwechokwadi. (VaG. 6:16) Asi hazvigumiri ipapo. Petro paakataura nevanhu vakaungana musi iwoyo, akashandisa kiyi yekutanga ‘pamakiyi eUmambo hwekudenga,’ aakanga apiwa. Imwe neimwe yekiyi idzodzo yaizozarura mukana unokosha kumapoka akasiyana-siyana evanhu. (Mat. 16:18, 19) Kiyi yekutanga yakaita kuti vaJudha nevakanga vakatendeukira kuchiJudha vakwanise kugamuchira mashoko akanaka uye kuti vazodzwe nemweya mutsvene waMwari.d Saka izvi zvinoreva kuti vaizovawo pakati pevaya vane tariro yekutonga semadzimambo nevapristi muUmambo hwaMesiya. (Zvak. 5:9, 10) Nekufamba kwenguva, mukana iwoyo waizozarurirwawo vaSamariya kwozotevera vanhu vemamwe marudzi. Nhasi vaKristu vangadzidzei pazviitiko zvinokosha zvakaitika paPendekosti ya33 C.E.?

“Vese Vakanga Vari Panzvimbo Imwe Chete” (Mabasa 2:1-4)

4. Nei tingati ungano yechiKristu iriko iye zvino ndiyo yakatanga pakatanga chiKristu muna 33 C.E.?

4 Ungano yechiKristu yakatanga nevadzidzi vakazodzwa nemweya mutsvene vanokwana 120, “vese vakanga vari panzvimbo imwe chete,” muimba yepamusoro. (Mab. 2:1) Pakazovira zuva musi iwoyo, ungano iyoyo yakanga yava nevanhu vakabhabhatidzwa vanosvika zviuru. Uku ndiko kwaitova kutanga kukura kwesangano riri kuramba richingowedzera nanhasi! Nanhasi ungano yechiKristu iyi, iyo ine varume nevakadzi vanotya Mwari, ndiyo iri kushandiswa naMwari kuparidza “mashoko akanaka eUmambo . . . munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese” mugumo wenyika ino usati wasvika.—Mat. 24:14.

5. Chikomborero chipi chinowanikwa muungano yechiKristu kubvira payakatanga?

5 Ungano yechiKristu yaizopawo mukana wekuti vaKristu vese vakurudzirane, vangava vakazodzwa, kana kuti ‘vemamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Paakanyorera vaKristu vaiva muRoma, Pauro akaratidza kuti aifara chaizvo nekukurudzirwa kwaaiitwa neungano. Akati: “Nekuti ndiri kusuwa kukuonai, kuti ndikupei chipo chemweya kuti musimbiswe; kana kuti tikurudzirane, imi muchindikurudzira nekutenda kwenyu ini ndichikukurudziraiwo nekwangu.”—VaR. 1:11, 12.

ROMA, GUTA GURU REUMAMBO

Makore akaitika nyaya dzinotaurwa mubhuku raMabasa, Roma ndiro raiva guta guru uye rainyanya kukosha panyaya dzezvematongerwo enyika pasi rese. Raiva guta guru reUmambo hwakatombosvika pakutonga nharaunda yakakura kubva kuBritain kusvika kuNorth Africa uye kubva kugungwa reAtlantic kusvika kuPersian Gulf.

MuRoma maiva nevanhu vaiva netsika nemagariro zvakasiyana-siyana, vari vemarudzi nemitauro zvakasiyana-siyana, uye vachitenda zvinhu zvakasiyana-siyana. Paiva nemigwagwa yakawanda yakanaka yaipinda muguta iri yaishandiswa nevashanyi uye vanhu vaiuya kuzotengesa zvinhu vachibva kwese kwese munharaunda yaitongwa neumambo uhwu. Pachiteshi chezvikepe cheOstia chaiva pedyo, zvikepe zvaiita besanwa zvichiunza zvinhu zveumbozha zvaiuya muguta iroro.

Makore akazotanga chiKristu, muguta iroro makanga mava kugara vanhu vanotopfuura miriyoni. Vakawanda vevanhu ivavo vanogona kunge vaiva varanda, zvichida vasungwa vakapara mhosva, vasungwa vainge vabatwa muhondo nemauto eRoma, uye vana vakatengeswa kana kuti vakaraswa nevabereki vavo. Vamwe vevaranda ivavo vaiva vaJudha vakabviswa kuJerusarema, pakakundwa guta ravo naPompey, mukuru wemauto eRoma muna 63 B.C.E.

Rumwe ruzhinji rwevanhu vakanga vasiri varanda rwaiva rwevanhu varombo vaigara mudzimba dzenhurikidzanwa dzakanga dzakatsvikinyidzana uye vaitorarama nerubatsiro rwaibva kuhurumende. Asi madzimambo eRoma aiita kuti guta ravo riyevedze nezvivakwa zvaishandiswa neruzhinji zvakanaka. Zvimwe zvezvivakwa izvi zvaiva nhandare dzaiitirwa mitambo yemadhirama, nedzimwe dzakakura dzaiitirwa mitambo yekurwisana kwevanhu vachiurayana nezvombo, uye nhangemutange dzengoro, zvese zvichipindwa pachena nevanhu veruzhinji.

6, 7. Ungano yechiKristu iriko iye zvino iri kuita sei basa rayakapiwa naJesu rekuparidzira marudzi ese?

6 Ungano yechiKristu ichiine zvinangwa zvimwe chetezvo zvayaive nazvo payakatangwa. Jesu akapa vadzidzi vake basa rinonakidza asi risiri nyore. Akavaudza kuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.”—Mat. 28:19, 20.

7 Ungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha ndiyo iri kushandiswa naJehovha pakuita basa iri. Hazvisi nyore kudzidzisa vanhu vemarudzi akasiyana-siyana. Asi Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inopfuura 1 000. Kana uchinamata neungano yechiKristu uye uchiparidza nekudzidzisa vanhu, haungambotadzi kufara. Uri mumwe wevanhu vashomanana pasi pano vakakomborerwa nekupa uchapupu hwakasimba nezvezita raJehovha!

8. Mumwe nemumwe ari muungano anobatsirwa sei?

8 Jehovha Mwari akakupa hama dziri munyika yese kuti akubatsire kutsungirira uchifara munguva dzino dzakaoma. Pauro akanyorera vaKristu vechiHebheru kuti: “Ngativei nehanya nemumwe nemumwe, kuitira kuti tikurudzirane kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, zvikurukuru muchiona zuva richiswedera kudai.” (VaH 10:24, 25) Ungano yechiKristu urongwa hwaJehovha hunokubatsira kuti ukurudzire vamwe uye kuti iwewo ukurudzirwe. Ramba uri pedyo nehama nehanzvadzi dzako. Usamborega kuenda kunenge kwakaungana vamwe kumisangano yechiKristu!

“Mumwe Nemumwe Akavanzwa Vachitaura Nemutauro Wake” (Mabasa 2:5-13)

Vadzidzi vaJesu vachiparidzira vaJudha nevanhu vakanga vakatendeukira kuchiJudha.

“Tiri kuvanzwa vachitaura nemitauro yedu nezvezvinhu zvikuru pamusoro paMwari.”—Mabasa 2:11

9, 10. Vamwe vakaita sei kuti vaparidzire vanhu vanotaura mutauro wakasiyana newavo?

9 Fungidzira kuti vaJudha nevamwe vakanga vakatendeukira kuchiJudha vakafara zvakadini paPendekosti ya33 C.E. Vakawanda vevaivepo vanogona kunge vaitaura mutauro wainyanya kushandiswa wakadai sechiGiriki kana kuti chiHebheru. Asi iye zvino “mumwe nemumwe akavanzwa [vadzidzi] vachitaura nemutauro wake.” (Mab. 2:6) Vateereri ivavo vanofanira kunge vakafara chaizvo kunzwa mashoko akanaka mururimi rwavo rwaamai. Kunyange zvazvo mazuva ano tisingakwanisi kuita chishamiso chekungoerekana tava kutaura mutauro usiri wedu, pane vakawanda vari kuzvipira kuparadzira mashoko akanaka kuvanhu vanobva kune dzimwe nyika. Vari kuzviita sei? Vamwe vakadzidza mumwe mutauro kuitira kuti vashumire neungano iri pedyo yemutauro wekune imwe nyika kana kuti vakatotamira kunyika dzacho. Vakawanda vavo vanowanzoti vanhu vemutauro wacho vanofara chaizvo pavanonzwa tichitaura nemutauro wavo.

10 Mumwe akadaro ndiChristine, uyo akadzidza mutauro wechiGujarati pamwe chete nezvimwe Zvapupu zvinomwe. Akakwazisa mumwe musikana waanoshanda naye nemutauro wake wechiGujarati. Musikana wacho akafara chaizvo akatobvunza Christine kuti nei aiedza kudzidza chiGujarati nekuoma kwachakaita. Christine akakwanisa kubva amuparidzira. Musikana wacho akabva ati kuna Christine: “Saka zvamunenge muchiudza vanhu zvinofanira kunge zvichikosha zvechokwadi.”

11. Tingaita sei kuti tikwanise kuparidza mashoko eUmambo kuvanhu vanotaura mitauro yakasiyana neyedu?

11 Hatisi tese hedu tinogona kudzidza mumwe mutauro. Asi tinogona kuparidza mashoko eUmambo kuvanhu vemimwe mitauro. Tingazviita sei? Imwe nzira ndeyekushandisa JW Language® kudzidza kukwazisa nemutauro unotaurwa nevamwe vanhu vaunosangana navo mundima mako. Unogona kungodzidzawo mashoko mashoma emutauro iwoyo anoita kuti vanhu vanoutaura vafarire. Vaudze nezvejw.org, kana kutovaratidza mavhidhiyo nemabhuku akasiyana-siyana anowanika mumutauro wavo. Patinoshandisa zvinhu izvozvi tichafarawo sezvakaita hama dzedu makore akatanga chiKristu pavakaona vanhu vanobva kune dzimwe nyika vachishamiswa ‘nekunzwa vachitaura nemutauro wavo.’

VAJUDHA VAIGARA MUMESOPOTAMIYA NEMUIJIPITI

Bhuku rinonzi The History of the Jewish People in the Age of Jesus Christ (175 B.C.–A.D. 135) rinoti: “MuMesopotamiya, Medhiya uye Bhabhironia maigara vanhu vakabva muumambo hwemadzinza gumi [eIsraeri], uye hweJudha, vakatapwa vachiendeswa ikoko nevaAsiriya nevaBhabhironi.” Ezra 2:64 inoratidza kuti vaIsraeri vakadzokera kuJerusarema vachibva kuBhabhironi vaingova varume 42 360 chete, pamwe chete nemadzimai avo nevana. Izvi zvakaitika muna 537 B.C.E. Flavius Josephus anoti makore akatanga chiKristu, vaJudha “vaigara munzvimbo dzaimbotongwa neBhabhironi” vaisvika makumi ezviuru. Vanhu ava ndivo vakanyora bhuku rinozivikanwa seBabylonian Talmud mumakore ekuma200 kusvika kumakore ekuma400 C.E.

Pane uchapupu hwakanyorwa hunoratidza kuti mumakore ekuma500 B.C.E. pakanga patova nevaJudha vaigara muIjipiti. Mumakore iwayo, Jeremiya akanyora mashoko ainangana nevaJudha vaigara muIjipiti, kusanganisira Memfisi. (Jer. 44:1, mashoko emuzasi.) Vamwe vaJudha vakawanda vanofanira kunge vakazoenda kuIjipiti panguva yaitonga Girisi. Josephus anoti pakati pevanhu vakatanga kugara kuArekizandriya paiva nevaJudha. Nekufamba kwenguva vakazopedzisira vapiwa nzvimbo yavo vega yakakura muguta iroro. Mumwe munyori wechiJudha ainzi Philo akanyora mumakore akatanga chiKristu kuti vaJudha vanosvika miriyoni vakanga vakapararira muIjipiti, kubva “kune rimwe divi reRibhiya kusvika kumiganhu yeItiopiya.”

“Petro Akasimuka” (Mabasa 2:14-37)

12. (a) Muprofita Joeri akanga ati chii nezvezvinhu zvakazoitika paPendekosti ya33 C.E.? (b) Nei vadzidzi vaitotarisira kuzadzika kweuprofita hwaJoeri?

12 “Petro akasimuka” kuti ataure nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakanga vakaungana. (Mab. 2:14) Akatsanangurira vese vakanga vakateerera kuti Mwari ndiye akanga aita kuti vakwanise kungoerekana vava kutaura mitauro isiri yavo achizadzisa zvakaprofitwa naJoeri paakati: “Ndichadurura mweya wangu pavanhu vemarudzi ese.” (Joe 2:28) Jesu akaudza vadzidzi vake asati adzokera kudenga kuti: “Ndichakumbira Baba, vokupai mumwe mubatsiri,” achireva mweya mutsvene.—Joh. 14:16, 17.

13, 14. Petro akaedza sei kuita kuti vanhu vabayiwe mwoyo nezvaaitaura, uye tingamutevedzera sei?

13 Mashoko ekupedzisira aPetro kuvanhu vacho akanga aine simba. Akati: “Imba yese yaIsraeri ngaizive kuti chokwadi Mwari akaita kuti Jesu uyu wamakaroverera padanda ave Ishe uye Kristu.” (Mab 2:36) Ichokwadi hacho kuti vanhu vakanga vakateerera Petro havasi ivo pachavo vakanga vauraya Jesu. Asi rudzi rwavo rwese rwaiva nemhosva yekumuuraya. Kunyange zvakadaro, Petro akataura nevaJudha achivaremekedza uye mashoko ake akanyatsobata mwoyo yavo. Chinangwa chake chaiva chekuita kuti vateereri vake vatendeuke kwete kuvapa mhosva. Vanhu vacho vakagumbuka nezvaakataura here? Kwete. ‘Vakatobayiwa mwoyo,’ vakabva vabvunza kuti: “Toita sei?” Kutaura kwaPetro nevanhu ava zvakanaka kungangodaro kwakabatsira kuti vakawanda vavo vabayiwe mwoyo uye vatendeuke.—Mab. 2:37.

14 Tinogona kutevedzera matauriro akaitwa naPetro kuti mashoko edu anyatsobatsira vanhu. Patinenge tichiparidzira vamwe hatingodi kugadzirisa kese kese kavanenge vataura kasingaenderani neMagwaro. Tinofanira kutsvaga patinobvumirana totangira ipapo. Kana tangowana patiri kubvumirana nemunhu watinenge tichitaura naye, tinogona kubva tashandisa Shoko raMwari kumubatsira kufunga. Kazhinji kana vanhu vakaparidzirwa neruremekedzo saizvozvo, vaya vane chido chekuziva chokwadi vanogona kuchigamuchira.

VAKRISTU VEMUPONTASI

Vamwe vevanhu vakanzwa mharidzo yaPetro paPendekosti ya33 C.E. vaiva vaJudha vekuPontasi, nharaunda yaiva nechekuchamhembe kweAsia Minor. (Mab. 2:9) Vamwe vavo ndivo vanofanira kunge vakadzokera kumusha nemashoko akanaka, nekuti vamwe vevanhu vakazonyorerwa naPetro tsamba yake yekutanga vaiva vatendi vakanga “vakapararira” munzvimbo dzakadai sePontasi.g (1 Pet. 1:1) Zvaakanyora zvinoratidza kuti vaKristu ava vakanga vachisangana “nemiedzo yakasiyana-siyana” pamusana pekutenda kwavo. (1 Pet. 1:6) Miedzo iyi ingangodaro yaisanganisira kupikiswa uye kutambudzwa.

Mimwe miedzo yaisangana nevaKristu vekuPontasi inotaurwa mutsamba dzainyoreranwa pakati pagavhuna weBhitiniya nePontasi ainzi Pliny, naMambo weRoma Trajan. Pliny akanyora ari kuPontasi muna 112 C.E., achiti chiKristu chakanga chava kupararira sechirwere pakati pevanhu vemazera ese pasinei nekuti murume here, mukadzi here, mwana here, kana kuti ane chinzvimbo chakadini. Kana munhu akapomerwa kuti aiva muKristu, Pliny aimupa mukana wekuti arambe chitendero chake, asi kana akasadaro aiurayiwa. Wese aituka Kristu kana kuti ainyengetera kuna vanamwari kana kuti kuchifananidzo chaTrajan aisunungurwa. Pliny akabvuma kuti “vaKristu chaivo vakanga vasingabvumi kuita izvozvo.”

g Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vakapararira” rainyanya kushandiswa pavaJudha, zvichireva kuti vakawanda vevanhu vakatanga kutendeuka vaiva vaJudha vainge vakapararira nenyika yese.

“Mumwe Nemumwe Wenyu Ngaabhabhatidzwe” (Mabasa 2:38-47)

15. (a) Petro akati chii kuvanhu, uye vakaita sei nezvaakataura? (b) Nei zviuru zvakanzwa mashoko akanaka paPendekosti zvaikodzera kubhabhatidzwa pazuva rimwe chete iroro?

15 Pazuva risingakanganwiki rePendekosti ya33 C.E., Petro akaudza vaJudha ivavo nevanhu vakanga vakatendeukira kuchiJudha kuti: “Pfidzai zvivi zvenyu, uye mumwe nemumwe wenyu ngaabhabhatidzwe.” (Mab 2:38) Izvi zvakaita kuti vanhu vanenge 3 000 vabhabhatidzwe, zvichida mumadziva aiva muJerusarema kana kuti pedyo naro.e Vakangoita zvekumhanyirira kubhabhatidzwa here vasingazivi zvavari kuita? Zvakaitika apa zvinoreva here kuti vana veZvapupu nevamwe vanhu vari kudzidza Bhaibheri vanogona kungomhanyirira kubhabhatidzwa vasati vanyatsogadzirira? Kwete. Yeuka kuti vanhu vakabhabhatidzwa musi iwoyo vakanga vari vanhu vaitogara vachidzidza Shoko raMwari, uye vaiva rudzi rwakanga rwasarudzwa naJehovha. Vakanga vagara vachitoratidza kuti vaishingaira pazvinhu zvekunamata, dzimwe nguva vachibva kure kure vachiuya kumutambo uyu waiitwa gore negore. Pavakabvuma chokwadi chakataurwa pamusoro pebasa raJesu Kristu muchinangwa chaMwari, vakanga vava kukwanisa kuramba vachishumira Mwari asi iye zvino vakanga vava kuzozviita vava vateveri vaKristu.

VANHU VAKATENDEUKIRA KUCHIJUDHA

“VaJudha nevakatendeukira kuchiJudha” vakanzwa Petro achiparidza paPendekosti ya33 C.E.—Mab. 2:10.

Mumwe wevarume vakasarudzwa kuti ‘vaite basa raifanira kuitwa’ rekupa vanhu zvekudya ndiNikorasi, uyo anonzi “aibva kuAndiyoki uye akanga akambotendeukira kuchiJudha.” (Mab. 6:3-5) Vanhu vakatendeukira kuchiJudha vaiva vanhu vemamwe marudzi vakanga vagamuchira chitendero chechiJudha. Panyaya dzakawanda vaitotorwa sevaJudha, sezvo vakanga vasarudza kunamata Mwari wevaIsraeri uye kuteerera Mutemo wake. Vaisanamata vamwe vanamwari uye vaichecheudzwa kana vari vanhurume, saka vaibva vatorwa sevaIsraeri.

Pakasunungurwa vaJudha kuBhabhironi kwavakanga vakatapwa muna 537 B.C.E., vakawanda vavo havana kudzokera kunyika yeIsraeri asi vakaramba vari muchitendero chechiJudha. Izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda munharaunda yeNear East kare ikako vasvike pakuziva nezvechitendero chechiJudha. Vanyori vekare vakadai saHorace naSeneca, vakanyora kuti pane vakawanda vaiva munyika dzakasiyana-siyana vakayemura chitendero chechiJudha vakabva vatendeukira kwachiri.

16. VaKristu vakabhabhatidzwa paPendekosti vakaratidza sei rudo rwechokwadi?

16 Zvechokwadi chikomborero chaJehovha chaiva pavanhu ivavo vakabhabhatidzwa musi uyu. Nhoroondo yacho inoti: “Vese vakava vatendi vaiva pamwe chete, vachishandisa zvinhu zvavo zvese pamwe chete, uye vaitengesa zvinhu zvavo nepfuma vachigovana nevamwe vese mari yacho, maererano nezvinenge zvichidiwa nemumwe nemumwe.”f (Mab. 2:44, 45) Rudo rwakadaro runoratidza kuzvipira rwakakodzera kutevedzerwa nevaKristu vese.

17. Matanho api anofanira kutorwa nemunhu kuti azobhabhatidzwa?

17 Kuti munhu azozvitsaurira uye abhabhatidzwe semuKristu, pane matanho anotaurwa neBhaibheri aanofanira kutora. Anofanira kudzidza nezvaMwari. (Joh. 17:3) Anofanira kuva nekutenda uye kusiya nzira yaanga achirarama nayo achiratidza kuti ari kuzvidemba pamusoro payo. (Mab. 3:19) Kana adaro, anofanira kutendeuka otanga kuita mabasa anoenderana nekuda kwaMwari. (VaR. 12:2; VaEf. 4:23, 24) Pashure pematanho aya anozonyengetera kuna Mwari achizvitsaurira ozobhabhatidzwa.—Mat. 16:24; 1 Pet. 3:21.

18. Vadzidzi vaKristu vakabhabhatidzwa vane mukana wei?

18 Uri mudzidzi waJesu Kristu akazvitsaurira, akabhabhatidzwa here? Kana zvakadaro, tenda Mwari kuti akakupa mukana wauinawo. Sezvakangoita vadzidzi vakazadzwa nemweya mutsvene vakaita basa rakakura, iwewo unogona kushandiswa naJehovha nesimba rake kuti upe uchapupu hwakasimba uye kuti uite kuda kwake!

a Ona bhokisi rakanzi “Jerusarema Raiva Muzinda Wechitendero chechiJudha”.

b Ona bhokisi rakanzi “Roma, Guta Guru reUmambo”; uye rakanzi “VaJudha Vaigara muMesopotamiya nemuIjipiti”; uye rakanzi “VaKristu vemuPontasi”.

c “Marimi” akanga asiri emoto chaiwo asi akanga ‘akaita semoto’ zvichiratidza kuti mweya mutsvene pawakadururirwa pamudzidzi mumwe nemumwe wairatidzika semoto.

d Ona bhokisi rakanzi “Vanhu Vakatendeukira kuchiJudha”.

e Aka kakanga kasiri kekupedzisira kuti pabhabhatidzwe vaKristu vakawanda pazuva rimwe chete. Musi wa7 August, 1993, pagungano renyika dzakawanda reZvapupu zvaJehovha muKiev, kuUkraine, vanhu 7 402 vakabhabhatidzwa. Zvakatora maawa maviri nemaminitsi 15 kuti vanhu vacho vapere kubhabhatidzwa.

f Uhwu urongwa hwakangoitwa kuti hubatsire vaenzi vakanga vauya kuJerusarema kuti vambosimbiswa pakunamata. Izvi zvaiitwa munhu achizvidira saka hazvifaniri kufananidzwa nezvinoitwa nedzimwe hurumende dzinogona kutoita kuti uve mutemo kuti vanhu vagovane zvese zvavainazvo zvakaenzana.—Mab. 5:1-4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe