RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Nguva Dzokudzorerwa” Dzava Pedyo!
    Nharireyomurindi—2000 | September 1
    • BASA iroro raisakwanisa kupedzwa mumazuva, mavhiki, kana mwedzi mishomanana. Zvisinei, vadzidzi havana kutombozengurira kutanga kuparidzira. Asi havana kurega kufarira nyaya yokudzorerwa. Muapostora Petro akataura nezvayo kuboka rakaungana muJerusarema achiti: “Pfidzai, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti mwaka yokusimbaradzwa iuye ichibva kuna iye Jehovha uye kuti atumire Kristu akagadzwa nokuda kwenyu, Jesu, uyo denga, zvechokwadi, rinofanira kuchengeta mariri kusvikira nguva dzokudzorerwa kwezvinhu zvose idzo Mwari akataura nezvadzo nemiromo yevaprofita vake vatsvene vemunguva yekare.”—Mabasa 3:19-21.

  • “Nguva Dzokudzorerwa” Dzava Pedyo!
    Nharireyomurindi—2000 | September 1
    • Sezvakataurwa nomuapostora Petro muJerusarema, denga ‘rakachengeta Jesu mariri.’ Ndizvo zvazvakanga zvakaita kusvikira muna 1914, apo Jesu akatora simba rake roUmambo ndokutanga kutonga saMambo waMwari waakagadza. Panguva iyoyo, Petro akafanotaura kuti Jehovha aizo“tumi[ra]” mwanakomana wake mupfungwa yokuti Aizobvumira Jesu kuita basa rake ari munhu anokosha muzvinangwa zvaMwari. Bhaibheri rinotsanangura chiitiko chacho richiita zvokufananidzira richiti: “Uye [sangano raMwari rokudenga] [r]akabereka mwanakomana, munhurume, [Umambo hwaMwari Huri Mumaoko aJesu Kristu] achafudza marudzi ose netsvimbo yedare.”—Zvakazarurwa 12:5.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe