RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 4 pp. 28-35
  • ‘Vanhuwo Zvavo, Vasina Kudzidza’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Vanhuwo Zvavo, Vasina Kudzidza’
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Harisi “Simba Redu” (Mabasa 3:11-26)
  • “Hatingaregi Kutaura” (Mabasa 4:1-22)
  • “Vakashevedzera . . . Kuna Mwari” (Mabasa 4:23-31)
  • Hatizvidaviriri ‘Kuvanhu, Asi Kuna Mwari’ (Mabasa 4:32–5:11)
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Akarwisana Nokutya Uye Nokusava Nechokwadi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akanga Akavimbika Pasinei Nemiedzo
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 4 pp. 28-35

CHITSAUKO 4

‘Vanhuwo Zvavo, Vasina Kudzidza’

Vaapostora vanoratidza ushingi, uye Jehovha anovakomborera

Mabasa 3:1–5:11

1, 2. Petro naJohani vakaita chishamiso chei pedyo negedhi retemberi?

VANHU rinongova besanwa mumugwagwa uye zuva rava kunorereka. Vanhu vari muchitendero chechiJudha uye vadzidzi vaKristu vakaita mudungwe vachipinda mutemberi. “Nguva yekunyengetera” yava pedyo.a (Mab. 2:46; 3:1) Pakati pevanhu ivavo pana Petro naJohani, vakananga kugedhi retemberi rinonzi Rakanaka. Pakati peruzha rwevanhu vari kufamba vachiita nyaya uye mutsindo wetsoka dzavo, pane inzwi remurume akaberekwa akaremara riri kunzwika achikumbira rubatsiro.—Mab. 3:2; 4:22.

2 Petro naJohani pavanosvika paari, murume wacho anokumbira rubatsiro sezvaanga achingoita. Vaapostora vacho vanomira, murume wacho obva atofunga kuti ava kuda kupiwa mari. Petro anoti: “Sirivha negoridhe handina, asi ndichakupa zvandiinazvo. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe!” Fungidzira kuti vanhu vanoshamisika sei pavanoona Petro achibata ruoko rwemurume wacho, obva asimuka omira kuti twasu kekutanga muupenyu hwake! (Mab. 3:6, 7) Fungidzira murume wacho achitarisa makumbo ake aporeswa uye achitanga kutora nhanho dzekutanga. Ndokusaka akazotanga kusvetuka-svetuka achishevedzera achirumbidza Mwari!

3. Chipo chipi chinokosha chaigona kuwanikwa nemurume akanga akaremara pamwe nevanhu vese vakanga vakaungana?

3 Vanhu vari kufara vanomhanyira kuna Petro naJohani kuvharanda raSoromoni. Vari pavharanda ipapo paitombomira Jesu achidzidzisa, Petro anoudza vanhu kuti zvinhu zvabva kuitika zvinorevei. (Joh. 10:23) Anopa vanhu vese ava uye murume akanga akaremara chipo chinokosha kupfuura sirivha kana goridhe. Chipo ichi chinopfuura kudzorerwa kweutano. Vakanga vava nemukana wekutendeuka, zvivi zvavo zvodzimwa, vova vateveri vaJesu Kristu, “Mumiririri Mukuru weupenyu” akagadzwa naJehovha.—Mab. 3:15.

4. (a) Kuporeswa kwakaitwa murume akanga akaremara kwakaita kuti vanhu vaiva nemasimba vaite sei? (b) Mibvunzo ipi miviri yatichapindura?

4 Zvakaitika musi uyu zvinoshamisa zvechokwadi! Mumwe munhu akanga aporeswa zvekuti akanga ava kugona kufamba. Uye zvimwe zviuru zvevanhu zvakanga zvawana mukana wekuporeswa pakunamata kuti vakwanise kufamba zvakakodzerana nezita raJehovha. (VaK. 1:9, 10) Asiwo zvakaitika musi uyu zvakabva zvaita kuti vanhu vaiva nemasimba vatange hondo chaiyo nevateveri vaKristu vakavimbika, vachiedza kuvatadzisa kuteerera murayiro waJesu wekuparidza mashoko akanaka eUmambo. (Mab. 1:8) Tingadzidzei panzira dzakashandiswa naPetro naJohani, varume vakanga “vasina kudzidza, vari vanhuwo zvavo,” pavaipupura kuvanhu vakanga vakaungana?b (Mab. 4:13) Uye tingatevedzera sei zvavakaita uye zvakaitwa nevamwe vadzidzi pavaipikiswa?

Harisi “Simba Redu” (Mabasa 3:11-26)

5. Tinodzidzei pamatauriro akaitwa naPetro achitaura nevanhu vakanga vakaungana?

5 Petro naJohani vakamira pamberi pevanhu vakanga vakaungana, vachitoziva kuti vamwe vacho vanogona kunge vari ivo vakadanidzira kuti Jesu aurayiwe. (Mako 15:8-15; Mab. 3:13-15) Fungidzira kuti paida ushingi hwakadii kuti Petro audze vanhu kuti murume akanga akaremara akanga aporeswa muzita raJesu. Petro haana kumbotaura achifuridzira. Akanyatsovabudira pachena kuti vakanga vabatanidzwa pakuurayiwa kwaKristu. Asi Petro akanga asina chigumbu navo, nekuti akati: “Makaita nekusaziva.” (Mab. 3:17) Akataura navo sehama dzake achinyanya kuisa pfungwa pamashoko akanaka eUmambo. Akavaudza kuti kana vakatendeuka votenda muna Kristu, “nguva yekuzorodzwa” yaizouya kwavari ichibva kuna Jehovha. (Mab. 3:19) Nesuwo tinofanira kutaura neushingi uye tisingatendereri patinenge tichizivisa kutonga kwaMwari kuri kuuya. Asi hatifaniriwo kuzoita setiri kupa vanhu mhosva. Tinofanira kuona vanhu vatinoparidzira sevanhu vanogona kuzova hama dzedu, uye tinofanira kuisa pfungwa dzedu pamashoko akanaka eUmambo sezvakaitwa naPetro.

6. Petro naJohani vakaratidza sei kuti vaiva vanhu vanozvininipisa?

6 Vaapostora vaiva vanhu vanozvininipisa. Vakabvuma kuti chishamiso ichi chakanga chisina kuitwa nesimba ravo. Petro akaudza vanhu kuti: “Muri kurambirei makatitarisa sekunge kuti simba redu kana kuti kuzvipira kwedu kuna Mwari ndizvo zvaita kuti murume uyu afambe?” (Mab 3:12) Petro nevamwe vaapostora vaiziva kuti zvese zvavaiita muushumiri zvaiitwa nesimba raMwari kwete ravo. Saka pazvese zvavakabudirira kuita vaida kuti Jehovha naJesu varumbidzwe.

7, 8. (a) Tinogona kubatsira vanhu kuti vave nemukana wei? (b) Vimbiso ‘yekudzorerwa kwezvinhu zvese’ iri kuzadziswa sei mazuva ano?

7 Nesuwo tinofanira kuzvininipisa saizvozvo pabasa redu rekuparidza Umambo. Ichokwadi hacho kuti mazuva ano mweya mutsvene waMwari hauiti kuti vaKristu vaite zvishamiso zvekuporesa vanhu. Kunyange zvakadaro, tinogona kubatsira vanhu kuti vatende muna Mwari naKristu vowana mukana sewakapiwa vanhu naPetro, wekuti zvivi zvavo zvikanganwirwe uye kuti vazorodzwe naJehovha. Gore rimwe nerimwe mazana ezviuru ari kushandisa mukana uripo, ova vadzidzi vaKristu vakabhabhatidzwa.

8 Isu tiri kutorarama panguva ‘yekudzorerwa kwezvinhu zvese’ yakataurwa naPetro. Umambo hwakagadzwa kudenga mugore ra1914 zvichizadzisa zvakataurwa “naMwari kare kare achishandisa miromo yevaprofita vake.” (Mab. 3:21; Pis. 110:1-3; Dhan. 4:16, 17) Izvozvo zvichangoitika, Kristu akatanga kutungamirira basa rekudzorerwa kwekunamata kwechokwadi pasi pano. Izvi zvakaita kuti mamiriyoni evanhu ave muparadhiso yemweya, achibvuma kutongwa neUmambo hwaMwari. Vakabvisa unhu hwekare, ndokupfeka “unhu hutsva hwakasikwa maererano nekuda kwaMwari.” (VaEf. 4:22-24) Sekuporeswa kwakangoitwa murume akaremara, basa iri rinoshamisa riri kuitwa nemweya mutsvene waMwari, kwete nesimba revanhu. Tinofanira kuva neunyanzvi uye ushingi patinenge tichidzidzisa vamwe Shoko raMwari sezvakaitwa naPetro. Kana tikabudirira kubatsira vanhu kuti vave vadzidzi vaKristu tinenge tazviita nesimba raMwari, kwete redu pachedu.

“Hatingaregi Kutaura” (Mabasa 4:1-22)

9-11. (a) Kuparidza kwaPetro naJohani kwakaita kuti vatungamiriri vechiJudha vaite sei? (b) Vaapostora vakapindura sei pavakanzi vasiyane nekuparidza?

9 Mharidzo yaPetro uye kudanidzira kwaiita murume akanga akamboremara achisvetuka-svetuka kwakakonzera mheremhere. Izvi zvakaita kuti mukuru mukuru wetemberi, uyo aiona nezvekuchengetedzwa kwetemberi, uye vatungamiriri vevapristi, vamhanye kuti vaone kuti chii chaiitika. Varume ava vangangodaro vaiva vaSadhusi, bato rakanga rakapfuma uye riine simba panyaya dzezvematongerwo enyika richitsigira pfungwa yekuva nerugare nevaRoma, uye richirambawo mutemo waiita zvekutaurwa waifarirwa nevaFarisi, uye raishora dzidziso yekuti vakafa vachamuka.c Vanofanira kunge vakashatirwa zvikuru pavakaona Petro naJohani vari mutemberi, vachidzidzisa neushingi kuti Jesu akanga amutswa!

10 Vachiviruka nehasha, varume ava vakakanda Petro naJohani mujeri ndokuzovazvuzvurudzira kudare repamusoro rechiJudha mangwana acho. Kuvatongi ivavo vaizvionera pamusoro, Petro naJohani vakanga ‘vari vanhuwo zvavo, vasina kudzidza,’ uye vasina kodzero yekudzidzisa mutemberi. Vakanga vasina kudzidza kuzvikoro zvaizivikanwa zvechitendero. Asi dare rakashamiswa parakaona vachitaura vasingatyi uye vaine chivimbo. Chii chakaita kuti Petro naJohani vadaro? Chimwe chikonzero chaiva chekuti “vaimbova naJesu.” (Mab. 4:13) Tenzi wavo aidzidzisa semunhu ane chiremera, kwete sevanyori.—Mat. 7:28, 29.

11 Dare rakaudza vaapostora kuti vasiyane nekuparidza. Pakati pevaJudha, zvaitaurwa nedare iroro zvaiva nesimba. Mavhiki mashomanana akanga apfuura, dare rimwe chete iroro rakanga rambotonga Jesu richiti “anofanira kufa.” (Mat. 26:59-66) Asi izvozvo hazvina kumboita kuti Petro naJohani vatye. Vakamira pamberi pevarume ava vaityiwa pamusana pepfuma yavo, dzidzo, uye simba, Petro naJohani vakanyatsopindura vasingatyi asi neruremekedzo kuti: “Kana muchifunga kuti zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari, zviri kwamuri. Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.”—Mab. 4:19, 20.

MUPRISTI MUKURU UYE VATUNGAMIRIRI VEVAPRISTI

Mupristi mukuru aimiririra vanhu pamberi paMwari. Makore akararama Jesu pasi pano uye pakatanga chiKristu, mupristi mukuru ndiye aitungamirira Sanihedrini. Aishanda nevatungamiriri vevapristi kutungamirira vaJudha. Vatungamiriri vevapristi ndevaya vaimbova vapristi vakuru, vakadai saAnasi, uye vanhurume vakura vemumhuri dzinenge ina kana shanu dzaisarudzwa vapristi vakuru. Mumwe munyori wezvakaitika kare anonzi Emil Schürer akati: “Kana munhu achibva mumhuri idzodzo, airemekedzeka zvikuru kunyange pakati pevamwe” vapristi.

Magwaro anoratidza kuti vapristi vakuru vaishumira kweupenyu hwavo hwese. (Num. 35:25) Asi panguva yezviitiko zvakanyorwa mubhuku raMabasa, madzimambo eRoma nemagavhuna avo vaigadza kana kubvisa vapristi vakuru pavadira. Kunyange zvakadaro, kunenge kuti vatongi ava vaigadza vapristi vachitora pavapristi vedzinza raAroni.

12. Chii chingatibatsira kuti tive neushingi nechivimbo?

12 Unogona kuratidza ushingi hwakadaro here? Unonzwa sei panomuka mukana wekuparidzira vanhu vakapfuma, vakadzidza, kana kuti vakakurumbira kwaunogara? Ko kana mumwe munhu mumhuri menyu, kuchikoro, kana kuti kubasa akakuseka pamusana pezvaunotenda? Unobva watanga kutya here? Kana zviri izvo zvaunoita, unogona kukunda kutya ikoko. Paaiva pasi pano, Jesu akadzidzisa vaapostora kuti vaizopindura sei vanhu vanopikisa zvavanotenda nechivimbo uye neruremekedzo. (Mat. 10:11-18) Paakamutswa, Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti aizoramba ainavo “mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mat. 28:20) Achitungamirirwa naJesu, “muranda akatendeka, akangwara” anotidzidzisa kuti tinopindura sei panoshorwa zvatinotenda. (Mat. 24:45-47; 1 Pet. 3:15) Anotidzidzisa achishandisa misangano yeungano, yakadai seUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu, mabhuku anotsanangura Bhaibheri, uye nyaya dzakadai seinoti, “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa,” dziri pajw.org. Uri kubatsirwa nezvinhu izvi here? Kana uri kudaro, ushingi hwako nechivimbo zvichawedzera. Uchaita sezvakaitwa nevaapostora, kusarega chimwe chinhu chichikutadzisa kutaura chokwadi chemuBhaibheri chawakadzidza uye chawakaona.

Hanzvadzi iri kuparidzira munhu wainoshanda nayo vachidya.

Usarega chimwe chinhu chichikutadzisa kutaura chokwadi chemuBhaibheri chawakadzidza uye chawakaona

“Vakashevedzera . . . Kuna Mwari” (Mabasa 4:23-31)

13, 14. Kana tichipikiswa, tinofanira kuita sei, uye zvakanakirei kuti tidaro?

13 Vachangosunungurwa, Petro naJohani vakasangana neungano yese. “Vakashevedzera . . . kuna Mwari” pamwe chete vachinyengetera kuti vawane ushingi hwekuti varambe vachiparidza. (Mab. 4:24) Petro akanga ava kunyatsoziva kuti munhu haagoni kuita kuda kwaMwari nesimba rake pachake. Mavhiki mashomanana akanga apfuura, akanga amboudza Jesu nechivimbo kuti: “Kunyange vamwe vese vakakusiyai pamusana pezvichaitika kwamuri, ini handifi ndakakusiyai!” Asi pasina kana nguva Petro akatya vanhu ndokuramba shamwari yake uye mudzidzisi wake, sezvakanga zvataurwa naJesu. Asi Petro akadzidza pachikanganiso chake.—Mat. 26:33, 34, 69-75.

14 Shungu handidzo dzega dzinongodiwa pakuita basa rako rekupupura nezvaKristu. Paunoedzwa nevanhu vanopikisa vachida kuparadza kutenda kwako, kana kuti vachida kukutadzisa kuparidza, tevedzera Petro naJohani. Nyengetera kuna Jehovha kuti akupe simba. Tsvaga rutsigiro rweungano. Udza vakuru uye vamwe vakasimba pakunamata nezvezvauri kusangana nazvo. Paunoziva kuti vamwe vari kukunyengeterera, zvinogona kukupa simba.—VaEf. 6:18; Jak. 5:16.

15. Nei vaya vakamborega kuparidza kwekanguva vasingafaniri kuora mwoyo?

15 Kana wakambobvuma kutyisidzirwa ukarega kuparidza kwekanguva, usaora mwoyo. Yeuka kuti vaapostora vese vane kanguva kavakamborega kuparidza pakafa Jesu asi vakazotangazve kushingaira. (Mat. 26:56; 28:10, 16-20) Pane kuti uodzwe mwoyo nezvawakambokanganisa, unogona kudzidza pazviri woshandisa zvaunenge wadzidza kusimbisa vamwe.

16, 17. Tingadzidzei pamunyengetero wakapiwa nevateveri vaKristu muJerusarema?

16 Tinofanira kunyengeterera chii patinotambudzwa nevane masimba? Cherechedza kuti vadzidzi havana kunyengetera vachikumbira kuti varege kutambudzwa. Vakanga vachiri kuyeuka mashoko aJesu ekuti: “Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Joh. 15:20) Vakatokumbira Jehovha kuti ‘anzwe’ kutyisidzira kwevaivapikisa. (Mab. 4:29) Vadzidzi vaiziva kuti chaikosha kuita kuda kwaMwari uye kuti kutambudzwa kwavaiitwa kwaitozadzisa uprofita. Vaiziva kuti vakadzidziswa naJesu kunyengeterera kuti kuda kwaMwari “kuitwe panyika” saka izvozvo zvaizoitika pasinei nezvingataurwa nevatongi vevanhu.—Mat. 6:9, 10.

17 Vadzidzi vakanyengetera kuna Jehovha kuti vaite kuda kwaMwari vachiti: “[Itai] kuti varanda venyu varambe vachitaura shoko renyu neushingi.” Jehovha akabva avapindura sei? “Nzvimbo yavakanga vakaungana yakazununguka, vese vakazadzwa nemweya mutsvene uye vakanga vachitaura shoko raMwari neushingi.” (Mab. 4:29-31) Hapana chingatadzisa kuti kuda kwaMwari kuitwe. (Isa. 55:11) Kunyange zvikatsvuka seropa, kana kuti tikapikiswa zvakadii, tikanyengetera kuna Mwari, tine chokwadi chekuti acharamba achitipa simba rekutaura shoko rake neushingi.

Hatizvidaviriri ‘Kuvanhu, Asi Kuna Mwari’ (Mabasa 4:32–5:11)

18. Vanhu vemuungano yekuJerusarema vaibatsirana sei?

18 Ungano yakanga ichangotanga muJerusarema yakawedzera nekukurumidza zvekutosvika vanhu vanopfuura 5 000.d Vadzidzi vakanga “vaine mwoyo nemweya mumwe,” pasinei nekuti vaibva kwakasiyana-siyana. Vakanga vakabatana pamafungiro avo. (Mab. 4:32; 1 VaK. 1:10) Vadzidzi havana kungogumira pakunyengetera kuti Jehovha akomborere basa ravo. Vakatsigirana pakunamata uye pazvinhu zvekurarama nazvo. (1 Joh. 3:16-18) Tinoona izvozvo pane zvakaitwa nemudzidzi Josefa, ainziwo Bhanabhasi nevaapostora; akatengesa munda wake akapa ungano mari yacho yese kuti vaya vakanga vabva kunzvimbo dziri kure neJerusarema vabatsirike pavakanga vachiwedzera kudzidza nezvezvinhu zvavakanga vava kutenda.

19. Nei Jehovha akauraya Ananiyasi naSafira?

19 Mumwe murume ainzi Ananiyasi nemudzimai wake Safira vakatengesawo munda wavo, vakabvisa mari yacho semupiro. Vakanyepera kunge vapa mari yacho yese, asi ‘vakavanza imwe yacho.’ (Mab. 5:2) Jehovha akabva avauraya. Haana kuita izvi nekuti mari yavakapa yakanga iri shoma, asi nekuti mwoyo yavo yakanga yakashata uye vaiva vanyengeri. Vakanyepera kwete “vanhu, asi Mwari.” (Mab. 5:4) Ananiyasi naSafira vakaratidza kuti vakanga vakafanana nevanyengeri vakashorwa naJesu, vainyanya kuda kukudzwa nevanhu pane kufarirwa naMwari.—Mat. 6:1-3.

20. Ndezvipi zvatinodzidza nezvekupa Jehovha?

20 Mamiriyoni eZvapupu zvemazuva ano ari kutsigira basa rekuparidzira munyika yese nekupa zvipo, achitevedzera zvaiitwa nevadzidzi vakatendeka muJerusarema pakatanga chiKristu. Hapana anomanikidzwa kupa nguva yake kana mari yake kuti atsigire basa iri. Jehovha haadi kuti timushumire tichinyunyuta kana kuti tichiita zvekumanikidzwa. (2 VaK. 9:7) Jehovha ane basa nechinangwa chinoita kuti tipe, kwete uwandu hwezvatinenge tapa. (Mako 12:41-44) Hatidi kushumira Jehovha nechinangwa chekuda kurumbidzwa nevanhu kana kuti kuzvitsvagira mbiri sezvakaitwa naAnaniyasi naSafira. Asi tinofanira kuita saPetro, Johani, naBhanabhasi pakuita zvinhu zvedu zvichibva pakuda kwatinoita Jehovha nevanhu.—Mat. 22:37-40.

PETRO, MUBATI WEHOVE AKAZOVA MUAPOSTORA ANOSHINGAIRA

Petro anozivikanwa nemazita akasiyana-siyana muMagwaro. Anozivikanwa nezita rechiHebheru rekuti Simiyone iro rinoenderana nerekuti Simoni pachiGiriki, uye rekuti Petro, iro rinoenderana nerekuti Kefasi pachiAramaiki. Pamwe pacho anoshevedzwa nemazita acho maviri akabatanidzwa, achinzi Simoni Petro.—Mat. 10:2; Joh. 1:42; Mab. 15:14.

Muapostora Pauro akatakura bhasiketi rakazara hove.

Petro akanga akaroora uye aigara naamai vemudzimai wake, nemunin’ina wake pamba pake. (Mako 1:29-31) Aibva kuBhetisaidha, guta raiva kuchamhembe kweGungwa reGarireya, uye aiita basa rekubata hove. (Joh. 1:44) Anozopedzisira ava kugara kuKapenaume iyo yaiva pedyo zvakare neGungwa reGarireya. (Ruka 4:31, 38) Petro ndiye ane chikepe chakashandiswa naJesu paaidzidzisa vanhu vakawanda vakanga vakaungana pamhenderekedzo yeGungwa reGarireya. Jesu akazoita chishamiso chekuti Petro abate hove dzakawanda pashure pekunge apedza kushandisa chikepe chake. Petro akatya, akabva agwadama, Jesu akati kwaari: “Rega kutya. Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.” (Ruka 5:1-11) Petro aishanda nemunin’ina wake Andireya, pamwe chete naJakobho naJohani, pabasa ravo rekubata hove. Vese vari vana vakasiya basa ravo rekubata hove pavakakokwa naJesu kuti vave vateveri vake. (Mat. 4:18-22; Mako 1:16-18) Papera gore, Jesu akazosarudza 12 vevadzidzi vake kuti vave “vaapostora,” izvo zvinoreva kuti “vanhu vakatumwa,” uye Petro aiva pakati pavo.—Mako 3:13-16.

Jesu aiwanzosarudza Petro, Jakobho, naJohani kuti vamuperekedze pazvimwe zviitiko zvinokosha. Vaivepo pakashanduka Jesu, uye pakamutswa mwanasikana waJairosi, uye paaiva mubindu reGetsemane achirwadziwa. (Mat. 17:1, 2; 26:36-46; Mako 5:22-24, 35-42; Ruka 22:39-46) Vatatu ava pamwe chete naAndireya ndivo vakabvunza Jesu nezvechiratidzo chekuvapo kwake.—Mako 13:1-4.

Petro aiva munhu akachangamuka, aitaura asingatendereri, asi dzimwe nguva aikurumidza kutaura asina kufunga. Kunenge kuti aiwanzotangira vamwe vake kutaura. Mashoko aakataura akanyorwa muEvhangeri akawanda kupfuura evamwe vaapostora vese abatanidzwa. Petro aibvunza mibvunzo vamwe vakanyarara. (Mat. 15:15; 18:21; 19:27-29; Ruka 12:41; Joh. 13:36-38) Ndiye akaramba kugezwa tsoka dzake naJesu uye paakatsiurwa akabva akumbira Jesu kuti amugeze maoko ake zvese nemusoro!—Joh. 13:5-10.

Petro akarwadziwa paakanzwa kuti Jesu aifanira kufa, akaedza kumunyengetedza kuti izvozvo zvisaitika kwaari. Jesu akashandisa mashoko ane simba kumubatsira kuti aone kuti akanga akarasika. (Mat. 16:21-23) Usiku hwaJesu hwekupedzisira asati afa, Petro akataura kuti kunyange vamwe vaapostora vese vaizosiya Jesu, iye aisazombomusiya. Jesu paakasungwa nevavengi vake, Petro akaratidza ushingi akabudisa bakatwa kuti amurwire, uye akazomutevera kusvika muchivanze chemupristi mukuru. Asi Petro haana kuita nguva asati aramba Tenzi wake katatu ndokuzochema zvinosiririsa paakaziva zvaakanga aita.—Mat. 26:31-35, 51, 52, 69-75.

Pakatanga Jesu kuonekwa nevaapostora vake kuGarireya amutswa, Petro akanga audza vamwe vadzidzi kuti akanga ava kunobata hove uye vamwe vaapostora vakabatanawo naye. Paakaona Jesu ari pamhenderekedzo yegungwa akabva amuziva, Petro akasvetukira mumvura ndokutanga kushambira akananga kwaari. Pavakanga vagara vava kudya hove dzakanga dzagochwa naJesu, Jesu akabvunza Petro kana aimuda kupfuura hove dzakanga dziri pamberi pavo. Jesu aida kuti Petro asarudze kumutevera nguva dzese panzvimbo pekutandanisana nebasa rakadai sebhizimisi rake rekubata hove.—Joh. 21:1-22.

Pakati pa62 kusvika 64 C.E., Petro aiparidza mashoko akanaka muBhabhironi yaiva munharaunda yava kuzivikanwa seIraq mazuva ano, umo maiva nevaJudha vakawanda. (1 Pet. 5:13) Petro anogona kunge akanyora tsamba yake yekutanga ari ikoko uye pamwe ndiko kwaakanyorera yechipiri yacho. Jesu “akapa Petro simba rekuti ave muapostora kune vaya vakachecheudzwa.” (VaG. 2:8, 9) Petro akaita basa raakatumwa nechido uye nesimba.

JOHANI, MUDZIDZI AIDIWA NAJESU

Muapostora Johani aiva mwanakomana waZebhedhi, ari munin’ina wemuapostora Jakobho. Zvinoita sekuti amai vake vainzi Sarome, avo vanogona kunge vaiva munin’ina waMariya amai vaJesu. (Mat. 10:2; 27:55, 56; Mako 15:40; Ruka 5:9, 10) Saka Johani anogona kunge aiva neukama naJesu. Mhuri yaana Johani inoratidza sekuti yakanga yakapfuma. Bhizimisi raZebhedhi rekubata hove rakanga rakakura zvekutova nevashandi. (Mako 1:20) Sarome aifamba naJesu, achimushumira paaiva muGarireya uye akauya nezvinonhuhwirira zvekushandisa pakugadzirira muviri waJesu kuti uzovigwa. (Mako 16:1; Joh. 19:40) Johani anogona kunge aiva neimba yake pachake.—Joh. 19:26, 27.

Muapostora Johani akabata gwaro.

Johani angangove aiva mudzidzi waJohani Mubhabhatidzi akanga akamira naAndireya pakanzi naJohani Mubhabhatidzi nezvaJesu: “Onai, Gwayana raMwari!” (Joh. 1:35, 36, 40) Anofanira kunge akabva abatana naJesu kuenda kuKana, uye akaona chishamiso chaJesu chekutanga. (Joh. 2:1-11) Manyorero akaita Johani zvinhu zvakaitwa naJesu muJerusarema, muSamariya uye muGarireya, anoratidza kuti Johani anogona kunge aivepo pazvaiitika. Johani anoratidza kuti aiva nekutenda kwakasimba kana tichicherechedza kuti iye naJakobho naPetro naAndreya vakasiya pakarepo zvikepe zvavo nemambure avo, izvo zvaivararamisa, vachitevera Jesu paakavakoka kuti vave vateveri vake.—Mat. 4:18-22.

Johani haataurwi kakawanda sezvinoitwa Petro mumabhuku eEvhangeri. Asi naiyewo aiva munhu aishingairira zvinhu zvekuti iye nemukoma wake Jakobho vakapiwa naJesu zita rekuti “Bhoanajisi,” rinoreva kuti “Vanakomana Vekutinhira.” (Mako 3:17) Johani akambotanga ari munhu aida chinzvimbo zvekuti akatombobatana nemukoma wake pakutuma amai vavo kuti vavakumbirire kuna Jesu nzvimbo yepamusoro muUmambo hwake. Kunyange zvazvo izvi zvairatidza kuti vaingozvifunga ivo pachavo, zvairatidzawo kuti vaitenda kuti Umambo hwaMwari huchauya zvechokwadi. Zvavakaita izvi zvakapa Jesu mukana wekuti adzidzise vamwe vaapostora vese kukosha kwekuzvininipisa.—Mat. 20:20-28.

Johani akaratidzawo kuti aishingaira zvakapfurikidza paakanga ava kurambidza mumwe murume akanga asiri muteveri waJesu kuti asadzinga madhimoni muzita raJesu. Mumwe musi Johani akanga ava kutaura zvekudana moto kuti ubve kudenga upise mumwe musha wevaSamariya vakanga varamba kuteerera nhume dzakanga dzatumwa naJesu kuti dzifanogadzirira kuuya kwake. Jesu akatsiura Johani nenyaya idzi. Kunenge kuti Johani akazopedzisira ava munhu akadzikama ava kunzwira vamwe tsitsi. (Ruka 9:49-56) Asi pasinei nezvaaikanganisa, Johani ndiye aiva mudzidzi “aidiwa naJesu.” Ndosaka Jesu paakanga ava kufa, akazoita kuti amai vake Mariya vasare vari mumaoko aJohani.—Joh. 19:26, 27; 21:7, 20, 24.

Johani akararama kupfuura vamwe vaapostora, sezvakanga zvaprofitwa naJesu. (Joh. 21:20-22) Johani akashumira Jehovha akatendeka kwemakore 70. Paakanga ava pedyo nekufa, mumakore aitonga Domitian Mambo weRoma, Johani akaendeswa kuchitsuwa chePatmosi ari musungwa, “nemhaka yekutaura nezvaMwari uye kupupura nezvaJesu.” Ikoko ndiko kwaakaratidzwa zvinhu zvaakanyora mubhuku raZvakazarurwa munenge muna 96 C.E. (Zvak. 1:1, 2, 9) Zvinonzi Johani akazosunungurwa akaenda kuEfeso, kwaakanyorera Evhangeri ine zita rake uye tsamba dzinozivikanwa sa1, 2, na3 Johani, uye akazofira muEfeso munenge muna 100 C.E.

a Minyengetero yaipiwa patemberi panguva yaipiwa zvibayiro zvemangwanani nezvemanheru. Chibayiro chemanheru chaipiwa “paawa yechi9,” kureva kuti kuma3 masikati.

b Ona bhokisi rakanzi “Petro, Mubati Wehove Akazova Muapostora Anoshingaira”, uye rinoti “Johani, Mudzidzi Aidiwa naJesu”.

c Ona bhokisi rakanzi “Mupristi Mukuru Uye Vatungamiriri Vevapristi”.

d Makore iwayo kwaingova nevaFarisi vangasvika 6 000 chete uye vaSadhusi vashomanana. Ichi chinogona kunge chiri chimwe chikonzero chakaita kuti vanzwe godo nedzidziso dzaJesu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe