RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 4/1 p. 9
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • MuPristi Mukuru Akawanira Jesu Mhosva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Unofanira Kufa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Jesu Anoendeswa Kuna Anasi, Ozoendeswa Kuna Kayafasi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 4/1 p. 9

Waizviziva Here?

Jesu airevei paakati “enda naye kwemamaira maviri”?

▪ Mumharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu akakurudzira kuti: “Kana mumwe munhu ane simba akakumanikidza kuti uite basa kwemaira imwe chete, enda naye kwemamaira maviri.” (Mateu 5:41) Zvinoita sokuti vateereri vaJesu vakanzwisisa kuti apa Jesu aitaura nezvemunhu anenge amanikidzwa nemunhu ane simba kuti aite rimwe basa.

Muzana remakore rokutanga C.E., vaIsraeri vakanga vachitongwa nevaRoma. VaRoma vaimanikidza vanhu kuti vaite basa ravaida uye vaigona kuvatorera zvipfuyo zvavo nechisimba kuti vaite basa ravo. Vaigona kuita chero zvavaingoda kuti basa ravo rifambe. Somuenzaniso, masoja eRoma akamanikidza Simoni weKurini kuti atakure danda raJesu rokutambudzikira achienda naro kunzvimbo yaaizorovererwa. (Mateu 27:32) Uku kwaiva kudzvinyirira kusingaiti saka vaJudha vakanga vasingatombozvifariri zvachose.

Hatizivi kuti vaJudha vaimanikidzwa kutakura mutoro kusvikira kupi. Zvisinei, zvinoita sokuti vakanga vasingatombodi kuita zvinopfuura zvavakanga vanzi vaite. Saka Jesu paakakurudzira vateereri vake kuti vaende maira rechipiri, akanga achivakurudzira kuti vaite vasinganyunyuti zvinhu zvavainge varairwa zviri pamutemo nevanhu vane masimba.—Mako 12:17.

Anasi anotaurwa munhoroondo dzeEvhangeri aiva ani?

▪ Panguva yaitongwa Jesu, Anasi (Ananus) anonzi aiva “mupristi mukuru.” (Ruka 3:2; Johani 18:13; Mabasa 4:6) Akanga ari tezvara vomumwe mupristi mukuru weIsraeri ainzi Kayafasi, uye aiva mupristi mukuru kubva munenge muna 6 kana kuti 7 C.E., kusvika munenge muna 15 C.E., paakabviswa pachigaro nomumwe mukuru mukuru weRoma ainzi Valerius Gratus. Zvisinei, sezvo Anasi aimbova mupristi mukuru, akaramba aine simba muIsraeri. Pavanakomana vake, vashanu vacho pamwe nomukuwasha wake vakazovawo vapristi vakuru.

VaIsraeri pavakanga vasingatongwi nemamwe marudzi, mupristi mukuru airamba aine chinzvimbo chake kusvikira afa. (Numeri 35:25) Asi pavakanga vava kutongwa nevaRoma, mupristi mukuru aiita zvaidiwa nemagavhuna eRoma nemadzimambo aiva agadzwa neRoma, uye vaigona kumubvisa pachigaro. Mumwe munyori wenhoroondo dzekare anonzi Flavius Josephus anoti Kwiriniyo, gavhuna weRoma wokuSiriya, akabvisa mumwe mupristi mukuru wechiIsraeri pachinzvimbo munenge muna 6 kana kuti 7 C.E. achibva agadza Anasi. Asi zvinoita sokuti vatongi vechihedheni ava vaisarudza vapristi vakuru kubva pavapristi vakatogadzwa.

Mhuri yaAnasi yaiva nemakaro asingaiti uye yainge yakapfuma zvokupfuma zviya. Zvinoita sokuti vakawana upfumi uhwu nokuti ndivo chete vaitengesa zvinhu zvaidiwa pakupa zvibayiro patemberi, zvakaita senjiva, makwai, mafuta newaini. Josephus anoti Ananiyasi mwanakomana waAnasi aiva “nevashandi vaiva makoronyera asingaiti vaitorera vanhu zvegumi zvavaida kupa vapristi; uye vairova munhu anenge aramba kuvapa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe