RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 3/8 pp. 26-28
  • Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzo Muzana Rokutanga Remakore
  • Kunyatsoyera Nhau Yacho
  • Inhau Yokuzvisarudzira
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Dzidzo?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Dzidzo—Ishandise Kurumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Dzidzo Ine Donzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kuchengeta Dzidzo Iri Munzvimbo Yayo
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 3/8 pp. 26-28

Murangariro weBhaibheri

Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?

“NDEAVO VASINGAZIVI BEDZI VANOSHORA DZIDZO.”—Publilius Syrus, Moral Sayings, zana rokutanga remakore B.C.E.

BHAIBHERI rinotikurudzira ku“chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.” (Zvirevo 3:21) Jehovha, Mwari wezivo, anoda kuti vanamati vake vave vanhu vakadzidza. (1 Samueri 2:3; Zvirevo 1:5, 22) Asi, mamwe mashoko ari muBhaibheri angamutsa mubvunzo. Somuenzaniso, achinongedzera kune zvaaichimboronda, kubatanidza dzidzo yake yapamusoro, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndinozvirangarira zvose kuva marara zvawo.” (VaFiripi 3:3-8, Today’s English Version) Mune imwe tsamba yakafuridzirwa, akataura kuti: “Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.”—1 VaKorinte 3:19.

Saka, Bhaibheri rinoshora dzidzo here? MuKristu anofanira kusvika kupi mukuronda dzidzo yenyika? Inodikanwa nomutemo yakakwana here, kana kuti dzidzo yokuwedzera inofanira kurondwa here?

Dzidzo Muzana Rokutanga Remakore

Pakati pevaKristu vomuzana rokutanga remakore, paiva nemhatsa huru yezvedzidzo. Vamwe varume vanozivikanwa vakaona vaapostora veGarirea Petro naJohane se“vanhu vasina kudzidza.” (Mabasa 4:5, 6, 13) Zvaireva kuti varume ava vaviri vakanga vasina kudzidza kana kuti kuenda kuchikoro here? Kwete. Zvaireva bedzi kuti dzidzo yavo yakanga isiri yapazvikoro zvapamusoro zvechiHebheru zvomuJerusarema. Manyoro eava vavambi vatsigiri vaviri vakashinga vechiKristu gare gare akapupurira idi rokuti vakanga vari varume vakadzidza kwazvo, vaigona, vaikwanisa kunzwisisa Magwaro. Dzidzo yavo yakanga yabatanidza murayiridzo unoshanda mukutarisira zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri dzavo. Vaiva vanhu vaishanda pamwe chete mubhizimisi rokuraura sezviri pachena raibudirira zvikuru.—Marko 1:16-21; Ruka 5:7, 10.

Mukupesana, Ruka, mudzidzi akanyora imwe yeEvhangeri uyewo bhuku raMabasa, akawana dzidzo yakakwirira kupfuura iyi. Aiva chiremba. (VaKorose 4:14) Kuziva kwake zvokurapa kunonzwika mumanyoro ake akafuridzirwa.—Ona Ruka 4:38; 5:12; Mabasa 28:8.

Asati ava muKristu, muapostora Pauro akadzidziswa mutemo wechiJudha, achidzidziswa neimwe yenyanzvi dzaigona dzepanguyo, Gamarieri. (Mabasa 22:3) Dzidzo yaPauro ingaenzana nhasi nedzidzo yeyunivhesiti. Kupfuurira, munzanga yechiJudha zvairangarirwa sorukudzo kuti vaduku vadzidze basa, kunyange apo dzidzo yapamusoro yaizorondwa mumakore apashure. Sezviri pachena Pauro akawana rovedzo somugadziri wematende apo akanga achiri jaya duku. Unyanzvi hwakadaro hwakamugonesa kuzvitsigira muushumiri hwake hwenguva yakazara.

Kunyange zvakadaro, Pauro akaziva kuti kana mukuenzanisa nokukosha kukuru kwezivo yaMwari, dzidzo yenyika—kunyange iri madikanwa—ndeyoukoshi hwakaganhurirwa. Naizvozvo, Bhaibheri rinoisa ukoshi hukurusa pakuwana zivo yaMwari neyaKristu. VaKristu nhasi vanoita zvakanaka kuva nomurangariro uyu chaiwoiwo wedzidzo yenyika.—Zvirevo 2:1-5; Johane 17:3; VaKorose 2:3.

Kunyatsoyera Nhau Yacho

Vamwe vaKristu vakawana kuti kuronda dzidzo yokuwedzera, muchimiro chokurava mabhuku kana kuti kudzidzira basa, kwakavabatsira kutarisira zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri dzavo. Kutarisira mhuri kwakanaka, nokuti ‘kugovera mhuri yako’ ibasa rinoyera. (1 Timotio 5:8) Kuwana unyanzvi hunodikanwa hwokuita izvi inhau youchenjeri hunoshanda.

Zvisinei, avo vanorangarira kuti vanofanira kuwana inopfuura dzidzo inodikanwa nomutemo kuti vasvitse chinodikanwa ichi vanofanira kuyera zvose zviri zviviri chazvakanakira uye chazvakaipira. Chazvinogona kunakira kuva akashongedzerwa kuwana basa rinogonesa munhu kuzvitsigira nemhuri zvakakwana paanenge achironda ushumiri hwechiKristu nokushingaira. Mukuwedzera, angakwanisa kubatsira vamwe mune zvokunyama, ‘kuva nechaangapa unoshayiwa.’—VaEfeso 4:28.

Ndezvipi zvimwe zvazvinogona kuipira? Izvi zvingabatanidza kuwana dzidziso dzinokuvadza kutenda muna Mwari uye muBhaibheri. Pauro akarayira vaKristu kuti vangwarire “zivo inonzi zivo” uye “uzivi uye nounyengeri husina maturo maererano netsika dzavanhu.” (1 Timotio 6:20, 21; VaKorose 2:8, NW) Nenzira isingarambwi, kuwana mamwe marudzi edzidzo kunogona kukuvadza kutenda kwomuKristu. Avo vanorangarira rovedzo yokuwedzera kana kuti dzidzo vanofanira kuziva nezvengozi yepesvedzero dzakadaro dzinokuvadza.

Mosesi, uyo aka“dzidziswa uchenjeri hwose hwavaEgipita,” akachengetedza kutenda kwakasimba pasinei zvapo nokuwana dzidzo iyo pasina mubvunzo yaibatanidza dzidziso dzevamwari vakawanda, dzinoshora Mwari. (Mabasa 7:22) Nenzira yakafanana, vaKristu nhasi vanongwarira kusatera kupesvedzero dzakaipa munzvimbo ipi kana ipi iyo vangazviwana vari mairi.

Chimwe chinogona kuva ngozi mukuronda dzidzo yokuwedzera ndechokuti zivo inoparira kuzvitutumadza, kana kuti inobereka kuvhaira. (1 VaKorinte 8:1) Vakawanda vanotsvaka zivo kupfurikidza nedzidzo nokuda kwezvikonzero zvoudyire, uye kunyange kuronda zivo kwapachokwadi kungagona kuguma nemirangariro yokuzviona seuri nani kupfuura vose nokuzvikoshesa. Mirangariro yakadaro inogumbura Mwari.—Zvirevo 8:13.

Rangarira vaFarise. Mitezo yesekete iyi yorudzidziso yaizivikanwa yaidada noruzivo rwayo rwemabhuku nekwayaifungidzira sokururama. Vainyatsoziva magamuchidzanwa akawanda echirabhi, uye vaitarisira pasi vanhuwo zvavo, avo vakanga vasina kudzidza saivo, vachivaona sevanhu vasingazivi, vanozvidzwa, kunyange vakatukwa. (Johane 7:49) Kunze kweizvi, vaidisa mari. (Ruka 16:14) Muenzaniso wavo unoratidza kuti apo inorondwa nokuda kwevavariro dzisina kururama, dzidzo inogona kuita kuti munhu adade kana kuti kumuparira kudisa mari. Naizvozvo, pakutema rudzi nouwandu hwedzidzo yokuronda, muKristu angaita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Chii chiri vavariro dzangu?’

Inhau Yokuzvisarudzira

Sezvazvakanga zvakaita muzana rokutanga remakore, mhatsa huru yezvedzidzo iripo pakati pevaKristu nhasi. Vachitungamirirwa nevabereki vavo, vanhu vaduku vanopedza dzidzo yavo inodikanwa nomutemo vangasarudza kuronda dzidzo yokunyika yokuwedzera. Nenzira yakafanana, vakuru vanoda kuvandudza mitoo yavo yokuriritira nayo mhuri dzavo vangarangarira dzidzo yakadaro yokuwedzera senzira inoshanda yokusvitsa nayo nharidzano iyoyo.a Mamwe mativi edzidzo yemabhuku nguva dzose anosimbisa kukudziridza kugonawo zvako kwomunhu panzvimbo peunyanzvi hwebasa. Nokudaro, munhu angawana kuti kunyange pashure pokupedza nguva achiwana dzidzo yakadaro, haana unyanzvi hunodikanwa pabasa. Nokuda kwechikonzero ichi, vamwe vanosarudza kuronda dzidzo yemabasa kana kuti zvikoro zvokudzidzira mabasa, nomurangariro wokuziva chaizvo zviri kutsvakwa pamabasa.

Zvisinei hazvo, zvisarudzo zvakadaro ndezvomunhu oga. VaKristu havafaniri kutsoropodzana kana kuti kutongana panhau iyi. Jakobho akanyora kuti: “Asi iwe ndiwe aniko unotonga wokwako?” (Jakobho 4:12) Kana muKristu achirangarira kuronda dzidzo yokuwedzera, angaita zvakanaka kunzvera vavariro dzake amene kuti ave nechokwadi chokuti haasi kusundwa nezvishuvo zvoudyire, zvokudisa pfuma.

Zvakajeka kuti Bhaibheri rinokurudzira murangariro usina kwawakarerekera wedzidzo. Vabereki vechiKristu vanoziva ukoshi hukurusa hwedzidzo yomudzimu yakavakirwa paShoko raMwari rakafuridzirwa uye vanopa vana vavo zano risina kwarakarerekera pamusoro pedzidzo yokuwedzera. (2 Timotio 3:16) Vachiona upenyu sezvahwakaita, vanobvuma ukoshi hwedzidzo yenyika mukuwana unyanzvi hunodikanwa nevana vavo vakura kuti vazvitarisire nemhuri dzavo dzomunguva yemberi. Naizvozvo, mukutema kana dzidzo yokuwedzera ichizorondwa, uye kuti kusvika kupi, muKristu mumwe nomumwe anogona kuzviitira chisarudzo chine mufungo chakavakirwa pakuzvipira kuna Jehovha Mwari, uko “kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.”—1 Timotio 4:8.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwemamwe mashoko akadzama panhau iyi, ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1992, mapeji 10-21, uye bhurocha raZvapupu zvaJehovha Nedzidzo, ose ari maviri akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

“Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.”—Zvirevo 3:21

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]

Pakurangarira kana dzidzo yokuwedzera ichizorondwa, muKristu angaita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Chii chiri vavariro dzangu?’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe