RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 7/15 pp. 9-14
  • Usaneta Mukuita Zvakaisvonaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usaneta Mukuita Zvakaisvonaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Munda Inyika”
  • Maitirwe Ebasa Racho
  • Mugariro Wacho Nhasi
  • Kuchengeta Chimiro Chakarurama
  • Chikonzero Nei Tichifanira “Kuramba Tichitaura”
  • “Tashanda Ndima Yedu Kakawanda!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ngwarira Nguva Dzose Kudzidzisa Kwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • MaKristu Echokwadi Vaparidziri Voumambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 7/15 pp. 9-14

Usaneta Mukuita Zvakaisvonaka

“Ngatirege kuneta mukuita zvakaisvonaka, nokuti munguva yakafanira tichacheka kana tisinganeti.”—VAGARATIA 6:9, NW.

1. Murairoi wakapa Jesu kuvateveri vake?

MUBATO wakaisvonaka zvakadini uyo Kristu anoita sorutivi rwokunamata kwawo! Iwo unobatanidzwa mumurairo wakajeka, unoti: “Naizvozvo endai muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai. Uye, tarirai! Ndinemi mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 28:19, 20, NW) Akanga ari Jesu Kristu amene uyo akapa kuvadzidzi vake murairo wokuita basa iroro rokudzidzisa renyika yose.

2. (a) Neiko tichigona kutaura kuti kuita vadzidzi kwakanga kuri basa rinokosha nerakaisvonaka? (b) Basa rokuita vadzidzi rinobatira madonzoi?

2 Sezvo murairo wokuita vadzidzi wakanga uri kumwe kwokutaura kwokupedzisira Jesu akaita kuvadzidzi vake vokutanga asati akwira kudenga, wakanga usati uri mugove unokosha zvikurusa here? Hungu, nemhaka yokuti kuuita kwaizoponesa upenyu. (1 Timotio 4:16) Ikoko kunoriita basa rakaisvonaka. Iro rinogovera dzidzo yakanaka yeBhaibheri nokuda kwaavo vanoteerera shoko roUmambo, uye basa rokuparidzira rinonyevera vapi navapi vasingagamuchiri. (Ruka 10:10, 11) Nokudaro, kuita kwavo iri basa kunozivisa maKristu echokwadi zvikuru sezvinoita kuwirirana kwawo nedzimwe dzidziso dzipi nedzipi dzaJesu.—Johane 8:31.

3. (a) Vadzidzi vaJesu vakaita sei kumuenzaniso wake womunhu oga nomurairo? (b) Chimiroi chakavaka Jesu muvadzidzi vake?

3 Somudzidzisi Mukuru, Jesu akagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavateveri vake. Iye akadzidzisa pamhene uye akaita vadzidzi kupfurikidza no“kuparidzira mashoko akanaka oumambo.” (Mateo 9:35, NW) Mukutevedzerwa kwake, vateveri vatsva vamene vakava vaiti vavadzidzi, nokuti mudzidzi wechokwadi “munhu anogamuchira uye anobatsira mukuparadzira dzidziso dzomumwe.” Pakuvamba, basa ravo rokuita vadzidzi rakaganhurirwa kuvaJudha navaproserite. Pasinei zvapo nokuita kwakaipa mumunda iwoyo, zvisinei, ko vateveri vaJesu vakaita here murairo wake woku“enda nguva dzose” “pasina kurega”? Chokwadi, hungu, ivo vakaenda “kumakwai akarasika eimba yaIsraeri” kutozosvikira Vamarudzi vokutanga vava vatendi muna 36 N.V. (Mateo 10:5, 6; Mabasa 5:42, NW) Kwakataurwa nezvavo kuti “vakazadza Jerusarema nokudzidzisa” kwavo. (Mabasa 5:28) Ivo havana kurega basa ravo rakaisvonaka. Panzvimbo pezvo, vakaripedza nokutendeka.

“Munda Inyika”

4. Vateveri vaJesu vakatevera mugove wavo mukuru nechimiroi?

4 Jesu akaratidzira kuti munda waizobatanidza “vanhu vamarudzi ose.” (Mateo 28:19, NW) Mumufananidzo wokukushwa kwembeu yoUmambo, iye akanga ati: “Munda inyika.” (Mateo 13:38) Nokudaro, maKristu aizova “zvapupu” zvoUmambo hwake munzvimbo iri yose. Iwo aizo“enda nguva dzose” zvakare, nguva ino “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikurusa rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Muapostora Pauro akanga “akabatikana zvikuru neshoko,” uye tinogona kuva nechokwadi chokuti mamwe maKristu akanga akadarowo.—Mabasa 18:5, NW.

5. Jesu akaratidza sei kuti aikarira vadzidzi vake kuva vakabatikana zvikuru nebasa rokupupurira kutozosvikira pamugumo wetsika yazvino?

5 Jesu akakarira mubato wokupupurira kubatikanisa maKristu zvikuru kwazvo kutozosvikira pamugumo wetsika yazvino yezvinhu. Ikoku kunoratidzwa muizvo iye akadeya kutaura pamusoro poushumiri hwechiKristu nendima iyo ihwo hwaizofukidza. Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14, NW.

6. Basa rokuparidzira Umambo richaitwa kwenguva yakareba sei, uye ikoku kunofanira kutapura sei chimiro chedu kwariri?

6 Apo Jesu akapa murairo wokupinda mumubato wokuparidzira Umambo nokuita vadzidzi mupasi rose, akaziva kuti basa rakaisvonaka rakadaro pane rimwe zuva raizosvika pamugumo waro, sezvo kwakangoita nokuda kwomunda wechiJudha. Asi waizopedza donzo rawo. “Ipapo,” sezvo akadaro, “mugumo uchasvika.” Nokudaro, kutozosvikira pamugumo, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira nechivimbo uye nomufaro mubasa rakagoverwa. Ikoko kunozvibetsera kupfuurira mubasa racho muzuva redu kutozosvikira iro rapedzwa.

Maitirwe Ebasa Racho

7. Musoroi wakaratidzira ushumiri hwaJesu uye uhwo hwavadzidzi vake?

7 Jesu akadzidzisa vadzidzi vake vokutanga maitirwe oushumiri hwavo hwapachena. Ivo vakagamuchira nokushingaira murairo wake wokuti “endai.” Pakuvarovedza nokuda kwebasa ravo rokupupurira, Jesu akati: “Sezvamunoenda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwamatenda hwaswedera pedyo.’” (Mateo 10:7, NW) Ikoko kwakapa shoko ravo musoro mumwe chetewo woUmambo uyo wakanga waratidzira ushumiri hwake. Aizova mashoko akanaka nokuda kwavane mwoyo wakatendeseka. Apo bedzi vateveri vaJesu vakatanga basa ravo, akarega here? Aiwa, zvamazvirokwazvo, nokuti “apo Jesu akanga apedza kupa miraidzo kuvadzidzi vake vane gumi navaviri, akatangira ipapo kudzidzisa nokuparidzira mumaguta avo.”—Mateo 11:1, NW.

8. (a) Vazivisi voUmambo vaifanira kusvika kupi uye sei? (b) Neiko kwakafanira kuendesa mashoko akanaka kumba kwomunhu? (c) Ibetseroi dziripo mukukwazisa saimba zvakafanira?

8 Ava vazivisi voUmambo vaifanira kusvika kupi uye sei? Jesu akavaudza, kuti: “Kana muchipinda mumba muikwazise.” (Mateo 10:12) Kuenda kuimba yomunhu namashoko akanaka kunopa chiremera saimba, kuchimupa banza rokubata neshoko roUmambo panzvimbo yomusha wake. Zvimiro zvetsika nezvinogamuchirwa zvokukwazisa hazvisati zvichingova bedzi nzira dzorupfave nedzokurangarira dzokutanga nadzo kurukurirano asi kunewo betsero inowanwa mukuita kuti kwaziso youshamwari neyokufara ive shanyo isina kukokwa inofadza. (Enzanisa naMateo 28:9; Ruka 1:28.) Chimiro chenzwi nemhinduro zvomunhu ari pasuo zvinokuudzawo zvakawanda pamusoro pechimiro chake. Unofanira kucherechedza izvozvo usati wapfuurira nemhaka yokuti zivo yakadaro inoita kuti kuve kuri nyore zvikuru kuchinjira tsinhiro dzako kuzvinodikanwa zvasaimba.—Enzanisa naMabasa 22:1, 2; 23:6.

9. Chii chinoratidza kuti havasati vari vose vaizonzwa shoko roUmambo nokuonga, uye ndokupi kwaifanira kuva kuita kwaavo vasingaratidzi fariro mariri?

9 Jesu akaita kuti vadzidzi vake vazive kuti havasi vanhu vose vomundima vaizogamuchira zvakanaka. Iye akati: “Guta kana musha pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira.” Kudai vose vaizogamuchira shoko roUmambo, hakusati kwaizova nechikonzero chokushandisa kutaura kwokuti “bvunzai.” Ndokupi kwaifanira kuva kuita kuavo vasina kuratidza fariro mushoko? “Ani naani usingakugamuchirii, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana muguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu,” kuenda norugare ndokusiya miuyo kurutongeso rwaJehovha.—Mateo 10:11, 14.

Mugariro Wacho Nhasi

10. Chii chakataurwa pamusoro pomubato wokuparidzira Umambo weZvapupu zvaJehovha?

10 Mukuwirirana nokutendeka nomurairo wechiKristu, Zvapupu zvaJehovha zviri kufukidza pasi neshoko roUmambo. Nokudaro, A. P. Wisse, mumwe munyori wenhau womuNetherlands, akatsinhira, achiti: “Ivo vakasiana navamwe vanhu. Rutivi rwouyu musiano muuyo wokuparidzira evhangeri kwavo kwokushingaira. Ivo vanorangarira chiKristu chechokwadi kwete sorudzidziso rune macathedral, rune vanogara muruwa avo mumwe nomumwe ane nzvimbo yake amene yakagadzwa uye ane rudzidziso rusingakumbiri zvakawanda kwaari kupfuura kuteerera. Ivo vanotaura noushingi hwaPauro kumunhu upi noupi achateerera.” Shingairo yakadaro nokuda kwoushumiri zvirokwazvo yakakomborerwa naJehovha Mwari.

11, 12. (a) Miuyoi yakaberekwa muushumiri mumakore achangobva kupfuura aya? (b) Sezvatinokura muzviverengero, chii chiri kuitika kundima inowanika mukuparidzira? (c) Mibvunzoi inomutswa?

11 Vaparidzi voUmambo vanopfuura 3 000 000 zvino vanoshanda neshingairo munyika 210. Tinoona wedzero yakaisvonaka muvadzidzi vatsva—1 246 204 vachiva vakabhapatidzwa mumakore manomwe apfuura. Chikomborero chaJehovha panhamburiko yokushingaira chiri pachena. (Isaya 60:8-10, 22) Chokwadi, munyika nezvitsuwa zvinenge 40, mune Chapupu chimwe kuvagari vemo 300 vari vose kana kuti vari pasi, kana kuti chimwe kumhuri dzinenge 100! Uyezve, mudzimwe nharaunda dzenyika dzakadai seCanada neGuadeloupe, reshiyo Chapupu chimwe kuvanhu 45 kana kuti 50 mundima yeungano—misha inenge 15 bedzi kana kuti pasi yokuti muparidzi mumwe nomumwe ashanyire pairi! Dzakawanda dzeidzi ndima dzinofukidzwa mwedzi uri wose. Kunyange munyika mune reshiyo huru, nharaunda dzakawanda dzomumaguta dziri kufukidzwa kazhinji zvikuru mubasa redu rokupupurira. MuSeoul, Republic yeKorea, dzimwe ndima dzeguta dzinoshandwa mazuva mashanu ari ose! Sezvo tinokura muchiverengero, uye sezvo Zvapupu zvakawanda zvikuru zvinotora basa roupiona neroupiona hwebetsero, tichave tichishanyira masuo navavakidzani vedu kazhinji kazhinji kanowedzera. Ko ikoko kunopa zvinetso here?

12 Kunofanira kubvumwa kuti kune zvinetso mudzimwe nharaunda, zvose zviri zviviri nokuda kweZvapupu zvaJehovha uye nokuda kwaavo vatinoshanyira. Kunowedzera kuzvinetso kusakendenga kunokura pakati pavanhu vari munyika dzakawanda. Eya, sezvatinowedzera muzviverengero, tinorega here pashoma napashoma kuita basa redu rakaisvonaka? Tinogumisa here kuti basa redu rodokupera uye kuti tato‘nzvera’ vose vachagamuchira ndokuva vadzidzi? Ko iwe pachako uri kuneta uye zvichida kukangaidzwa nokushanyira vanhu vamwe chetevo vasingagamuchiri here? Chii chinogona kuitwa kuchengeta mwero wedu wakaisvonaka womubato?

Kuchengeta Chimiro Chakarurama

13, 14. (a) Tinofanira kurangarira sei mugariro uri kukura wendima inoshandwa yashandwazve? (b) Neiko tisingadziviswi naavo “vasingagamuchiri”? (c) Tinogona sei kutevera muenzaniso wavaapostora mukutarisana naavo vanoshatirirwa shanyo dzedu?

13 Mushonga unobatanidza zvikurukuru chimiro chedu seZvapupu zvaJehovha. Kutanga, nguva dzose ngatitarirei rutivi rwakanaka. Kufukidzwa kazhinji kazhinji kwendima zvikuru nemhaka yereshiyo huru yavaparidzi kuchiverengero chavagari venyika kwaiva nechokwadi chokuitika munzvimbo dzakawanda sezvo basa redu rinosvika mugumo waro. Asi hatina kunyengeterera ikoku here? (2 VaTesaronika 3:1) Chatinoona zvino chinofanira kutifadza uye chinofanira kutipwisa kuti tiri mumwero yokupedzisira yebasa rokuita vadzidzi! Umambo huri kuparidzirwa, seizvo Jesu akadeya kutaura. Uye kunyange munzvimbo umo vanhu ‘vasati vachizoteerera mashoko edu,’ ivo vari kunyeverwa kupfurikidza nomubato wedu wokuparidzira Umambo. Yeuka, kunze kwokuita vadzidzi, tiri kuzivisa mashoko akanaka “nokuda kwouchapupu.”—Mateo 10:14; 24:14, NW.

14 Kupfuurirazve, kunofanira kukarirwa kuti chiverengero chinokura chicharamba shoko roUmambo sezvo mugumo unoswedera pedyo. Kudeya kutaura kwakajeka, uye zvinoitika zvavose vari vaviri Jesu naPauro zvinotivimbisa kuti kwaizova naavo vaizova “vasingagamuchiri” uye vane mwoyo yaizova “isingagamuchiri.” Naizvozvo, panguva ino tinofanira kungwarira kuti isu hatigamuchiri basa redu. Kunyange kuavo vasingagamuchiri, tinofanira kuenda “taendazve.” (Isaya 6:9-11 NW; Mateo 13:14, 15; Zvirevo 10:21) Chokwadi, kunoda ushingi kuenda kazhinji kazhinji kuvanhu vanoshatirirwa shanyo dzedu. Zvisinei, hakuna mugariro wendima munzvimbo ipi neipi unofanira kumboti kwatiri, ‘Rega kutaura.’ Panzvimbo pezvo, kufanana navaapostora, tinofanira kunyengeterera ushingi hwokuti “tirambe tichitaura”—pasinei zvapo nepfunde-pfunde kana kuti utsinye—kutozosvikira basa rapedzwa.—Mabasa 4:18-20, 24-31, NW.

15. Ikurudziroi inopiwa pana VaGaratia 6:9, uye inofanira kutapura sei murangariro wedu wokushanyira vavakidzani vedu namashoko akanaka?

15 Zvikurukuru, kunongova bedzi namarudzi maviri avanhu mundima dzedu dzose—avo panguva yacho vanofarira naavo vasati. Naizvozvo, tinofanira kupfuuridzira basa ro‘kutsvaka vakafanira.’ Kuita ikoku kuri pakati pamabasa akawanda akaisvonaka atinofanira kubereka samaKristu kuratidza rudo rwedu nokuda kwaJehovha noruvimbiko rwedu kwaari. Naizvozvo, “ngatirege kuneta mukuita zvakaisvonaka, nokuti munguva yakafanira tichacheka kana tisinganeti.” (VaGaratia 6:9, NW) Sezvo zvino tava pedyo kwazvo nomugumo wetsika ino, haisati iri nguva yokurega kana kuti yokuneta kushanyira vavakidzani vedu namashoko akanaka oUmambo. Jehovha haasati ataura kuti basa rapedzwa.

Chikonzero Nei Tichifanira “Kuramba Tichitaura”

16. (a) Ndeipi iri mimwe yemigariro inogona kuchinja kugamuchira kwavanhu vari mundima? (b) Mienzanisoi yomunzvimbomo yechinjo yaunogona kupa?

16 Tichabetserwawo kuchengeta chimiro chakanaka kana tikayeuka kuti ruvimbiko kuna Jehovha rwunoratidzirwa nemibato yokushingaira yokuparidzira Umambo. Uyezve, ndima dzinoramba dzichichinja munzira dzakasiana-siana. Vanhu vanotama, kana kuti migariro yavo ingachinja. Ivo vangave vaisafarira nguva yakapfuura yatakashanya, asi kurasikirwa nebasa, rufu rwomudiwa, chinjo huru murwisano pakati pamasimba makuru, chirwere chakakomba—izvozvi nedzimwe chinjo zvinogona kureva kuti ivo vachava vanogamuchira nguva inotevera yatinoshanya. Vamwe, zvavakaziva kuti shamwari kana kuti mudiwa akava mumwe weZvapupu zvaJehovha, zvino vangada kutaura nesu kuti vazive chatinodavira icho chingagona kuva chakaparira iyi chinjo.

17. Vamwe vari kuita sei zvino kushoko roUmambo? Ipa mienzaniso ipi neipi yomunzvimbomo.

17 Yeukawo kuti avo vakakura mumakore achangobva kupfuura aya zvino vane mhuri, vava kurangarira upenyu zvakakomba, uye vari kubvunza mibvunzo iyo bedzi Shoko raMwari rinogona kupindura. Somuenzaniso, mumwe mai muduku akakoka Zvapupu zviviri kupinda mumusha make ndokuti: ‘Somusikana muduku, ndaisatongogona kunzwisisa chikonzero nei mai vangu vaidzinga Zvapupu ndokuzviudza kuti akanga asingafariri, apo zvose zvamaida kuita kwaiva kutaura pamusoro peBhaibheri. Ndakasarudza panguva iyeyo kuti apo ndinokura, ndinoroorwa, uye ndinova nomusha wangu ndimene, ndaizokumbira Zvapupu zvaJehovha kupinda ndokutsanangura Bhaibheri kwandiri.’

18. Chiono chinochinja chorudzidziso chinotapura sei ndima matinoparidzira nokudzidzisa?

18 Wati wacherechedza here kuti vamwe vanhu vaisataura kwatiri kwamakore uye vaifunga kuti vakanga “vaponeswa” zvino vava kutibvunza mibvunzo yapachokwadi? Neiko? Chinjo yakaitika mukufunga kwavo kworudzidziso. Ivo vari kutaura kuti vakaodzwa mwoyo chose ndokukatyamadzwa nokuwadzanyurwa kwomufambiro woutere, mibato yorudzidziso, uye kupambadzwa kwemari dzechechi zvinoitwa navaparidzi veevhangeri vakatanhamara vomuterevhizheni avo vaisivimba navo. Sezvingabvira, kuchava nokwakawanda kwaikoku sezvo migariro mukati meBhabhironi Guru inopfuurira kuipa kusvikira kunguva yoruparadziko rwaro.—Zvakazarurwa 18:1-8.

19, 20. Chii chinoratidza chikonzero nei tisingafaniri kunzwa tichiodzwa mwoyo pamusoro pokudzokera tadzokerazve kuvanhu vanoramba shoko?

19 Zvisinei hazvo, hatifaniri kuodzwa mwoyo apo vanhu vazhinjisa vanenge vasingagamuchiri. Pashure pokunge tavasiya, zvimwe tichiri mundangariro dzavo. MuCanada mumwe saimba akashanyirwa neZvapupu zviviri akakujekesa chose kuti akanga asingafariri. Gare gare, iye akatanga kufunga pamusoro peizvo zvakanga zvataura ndokuda kuzviwana kuti zvipindure mibvunzo yakamutswa mundangariro make. Akapinda mumotokari yake ndokuenda achizvitsvaka achikwira achidzika nemigwagwa yomunzvimbo make asi haana kukwanisa kuzviwana. Akarega here? Aiwa, iye akamira paimba yeshamwari kuzobvunza kana zvakanga zvave zviripo. Zvakanga zvisina, asi shamwari yakataura kuti kwaiva neChapupu panzvimbo yake yebasa uye aizoita kuti mukadzi anofarira aonane neChapupu chacho. Muuyo wacho wakanga uri nhevedzano yeshanyo pamusha womunhu anofarira, uko iye akakokera shamwari, vavakidzani, hama dzokunyama, uye vashandi biyake. Vanhu vazhinji se 15 vave varipo padzimwe nguva, uye mabhuku namaBhaibheri 430 pamwe chete namagazini 2 015 zvakagoverwa.

20 Vazhinji vanoonga shanyo dzedu. Mutsamba yokuhofisi yebazu yeWatch Tower Society, mumwe mukadzi akati: “Ndinokuongai nokuda kwokuve makaroverera kuzvipira kukuru mumwoyo yaavo vokutenda kwenyu. Ndinokuongai nokuda kwokuuya . . . uye kugoverana rudo rwaShe navamwe. Basa rakapfava iroro rinoita zvakawanda zvikuru kwazvo nokuda kwavamwe. . . . Kunyange zvazvo vamwe vangave noutsinye, vamwe vasingakendengi, uye vamwe vachigamuchira, . . . kunoita zvakanaka zvakawanda kuva nomumwe munhu anouya kuzokuyeuchidza zvinhu zvomudzimu. Ndinowana chinhu ichi chakanaka, kutaura nezvaShe mumwe nomumwe.” Muimwe tsamba, mumwe saimba akatikumbira ‘kusarega vanhu,’ pasinei zvapo nokuti vanotibata sei. “Naizvozvo ngatirege kurega mukuita zvakaisvonaka, nokuti munguva yakafanira tichacheka kana tisinganeti.” (VaGaratia 6:9, NW) Iri basa rine tendero yaJehovha nechikomborero, uye kutora rutivi kwedu mariri kunobvumikisa rudo rwedu nokuda kwake nomuvakidzani wedu. (Mateo 22:37-39) Naizvozvo ngatipedzei basa racho.—Enzanisa naVaFiripi 1:6.

21. (a) Ndokupi, sezvingabvira, kune rutivi rwedenho mukudzokerazve kundima dzinoshandwa dzashandwazve? (b) Chii chatichakurukura munyaya inotevera?

21 Tinofanira kutarisana neidi rokuti nguva dzose vangasava vanhu vanoita kuti kuratidzike kuva kwakaoma kushanda ndima kazhinji kazhinji. Pane dzimwe nguva ndisu timene. Tinotanga here nepfungwa dzakashata, tichirangarira kuti tinoziva vanhu vose uye kuchava kuita kwavo? Ikoko kunogona kutapura chimiro chedu uye sezvingabvira inzwi redu nechitarisiko chechiso. Tichiri here kushandisa mitoo mimwe cheteyo namashoko zvatakashandisa kwamakore? Zvino izvo ndima iri kuchinja, icho chaimbova nebudiriro chingasasvika vamwe ‘vakafanira.’ Zvichida tinoda kusvika kutsva nokutarira kutsva pabasa redu. Tevere, ngationei chatinogona kuita kuti ‘tigorega kurega asi tigocheka munguva yakafanira.’

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Neiko tisingafaniri “kurega” mukuenda kuvavakidzani vedu namashoko akanaka?

◻ Ndiani akatiudza kuita vadzidzi nenzira yatinoita nayo, uye ndaapi ari mativi makuru omutoo iwoyo?

◻ Mugariroi wakakura mundima dzakawanda, uye chii chichatibetsera kuchengeta chimiro chakarurama pamusoro pomugariro iwoyo?

◻ Neiko tichifanira “kuramba tichitaura” mashoko akanaka “tisingaregi”?

[Bhokisi riri papeji 14]

HATISATI “TICHIZOREGA” MUKUPARIDZIRA UMAMBO KANA TIKAYEUKA:

◻ Akatipa murairo nomuraidzo pamusoro penzira yokuita nayo basa racho

◻ Kuti chikomborero chaJehovha chiri pachakatoitwa munyika yose

◻ Kuchengeta chimiro chakarurama pasinei zvapo navapi navapi “vasingagamuchiri”

◻ Kunyengetera kuti “tirambe tichitaura” sezvakaita vaapostora

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe